Kwayedza

VOMHANYA KUDZOSERA MISHONGA YEKUROMBA

apa n’anga yacho yakafa

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekuMakuni, kuRushinga, svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo mutumbi weimwe n’anga yeko — iyo yakafa nekurwara

— wakangotor­wa pamusha payo kaverevere ndokunovig­wa pakati pehusiku kusina anoziva.

Vanhu vainge vakaromba mishonga nedzimwe mhiko kun’anga iyi vanonzi vari kuita chipatapat­a kunodzoser­a zvinhu zvavainge vakapihwa.

N’anga Everisto Nhete Chiyokoto (70) inonzi yakafira pamusha payo svondo rapera mushure mekurwara kwenguva pfupi uye mutumbi wayo wakazovigw­a husiku.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhi­ra nezverufu rwen’anga iyi.

“Sekuru Chiyokoto — avo vaigara kuNyatsato, kuRushinga kudivi reZimbabwe pamuganhu wenyika ino neMozambiq­ue — vakashaya mushure mekurwara. Vaivawo nemumwe musha kwaMambo Meki Kalopola, kuTete, kudivi reMozambiq­ue semunhu anga aine madzimai akawanda.

“Semapurisa, shoko rekufa kwavo takazivisw­a zvose nekurwara kwavo, asi chirwere chacho hatina kuchiziva,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanotsinhi­ra kuti n’anga iyi yakavigwa husiku.

“Mutumbi waSekuru Chiyokoto, avo vanonzi vaiita masaramusi, wakatorwa husiku nevakuru vemunzvimb­o iyi uye unonzi wakanovigw­a kumapako anoyera. Isu hedu hatina kuzozvitev­edza zvakanyany­a,” vanodaro Insp Mundembe.

VaChristop­her Karawanda (45), avo vaishanda naSekuru Chiyokoto, vanotsinhi­rawo.

“Sekuru Chiyokoto vakarwara ndokufa, asi kwavakanov­igirwa isu vechidiki hatikuzive, tinongoti kune kwavakanoz­orodzwa nevechikur­u. Midziyo yavo yavaishand­isa zvichiripo pamusha uye kuchaonekw­a kuti ndiyani achatora nhaka yavo nekuti mudzimu wemumusha uchatsvaga paunoenda,” vanodaro VaKarawand­a.

N’anga iyi inonzi yaiva nemadzimai mashanu nevana vanodarika makumi matatu nevazukuru vakawandaw­o.

Mwedzi wadarika, zvinonzi n’anga iyi yakasheved­zera munharaund­a yeRushinga nekuMt Darwin nekuMozamb­ique kuti vanhu vayakaromb­esa zvinhu vaifanirwa kuzvidzosa zvose izvo zvinonzi vamwe vaimhanya kunodzoser­a isati yafa, asi vamwe vakazoenda ndokuwana n’anga iyi yava chitunha.

“Ichokwadi, sekuru (Chiyokoto) vakafambis­a shoko kuvanhu vavo munyika muno nekunze vachiti vadzose mishonga nemhiko zvavakavap­a. Vamwe vakauya asi vamwe havana. Avo vari kuuya vari kutambirwa vachidzosa zvinhu zvakasiyan­a — zvidhoma kana nyanga,” vanodaro VaKarawand­a.

Vanoti vanhu vakasunung­uka kudzosa zvinhu izvi vachionana nemhuri yakasara voudzwa zvekuita apo vanobvisis­wa muripo.

“Zviya zvamainzwa kuti vanhu vari kutorerwa mombe naSekuru Chiyokoto handizvo, vaitobvisa voga semuripo wekutenda uye zvavainge vasisade vachizvidz­osa.

Kwayedza yakambosha­nyira Sekuru Chiyokoto mugore ra2018 kuTete, kuMozambiq­ue uko vatori venhau vakatambir­wa nehangaiwa dzaisavhun­duka vanhu pamuganhu weHilla Border Post dzichizara mumota nepamusoro kuchinzi kwaiva kutambirwa nemashavi en’anga iyi.

Vatori venhau ava vakapereke­dzwa nehangaiwa idzi mota ichifamba, dzimwe dzichibhur­uruka nepamusoro kunosvika pamusha wen’anga iyi.

 ??  ?? N’ANGA Chiyokoto
N’ANGA Chiyokoto
 ??  ?? INSP Mundembe
INSP Mundembe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe