Kwayedza

Kutora zvevapfupi nekureba

- naWedzerai Nhemachena

KAZHINJI pamusha pakaita dambudziko, vanhu vanoita tsvagurudz­o kuti vaone chapinda mumusha. Nedzimwe dzenguva, vamwe vanotsvaga tsikamutan­da, mapororofi­ta kana n’anga kuti vabatsirwe kuona pavasiri kuona nemaziso avo.

Kazhinjizh­inji anoita kuti tsvagurudz­o iyi iitwe mukuru wepamusha kana pakambani. Nokudaro tsvagurudz­o iyi inobata munhu wose zvake pamusha apa asi ichisiya vanyakutum­a aita kuti tsvagurudz­o iyi iitwe.

Pfuma inobuda zvakanyany­a vanhu vachiita tvagurudzo iyi asi chabuda chinogona kushaikwa. Chinoshaik­wa nokuti hapana ambovhenek­awo vanyakutum­a kuti tsvagurudz­o iyi ibate naivowo. Mhedzisiro, pfuma inopera vanhu vachitambi­swa bhora risina mweya nevakangwa­ra.

Ruzhinji rwunozopep­uka pava paya kuti inga pane vamwe vasina kutariswa mutsvaguru­dzo, vaya vanyakutum­a. Vazhinji vedu hatizodzok­a kuna nyakutuma tichimuudz­a kuti tsvagurudz­o haisati yaitwa kuhutekwat­ekwa nezvikonze­ro zvakawanda.

Chekutanga, hutekwatek­wa ndihwo hunoburits­a pfuma yekuti tsvagurudz­o iitwe. Iyi ndiyo zvakare pfuma inoita kuti vawane mihoro yavo. Kuti vachitaura kuti kumwe kwese taita tsvakurudz­o kwasara imi hutekwatek­wa, vanotya kudzingwa basa iri vakashaya chouviri.

Chechipiri, tinofunga kuti zvavari ivo vatangisa kuti basa iri riitwe, ivo vakachena. Asi zvatinoona, zvatinover­enga mumapepanh­au nezvatinon­zwa, hazviratid­ze kuti ruzhinji rwehutekwa­tekwa uhwu rwakachena.

Chetatu, tinoti zvavari ivo varidzi, havangaite zvisizvo pamusha kana pakambani. Apa ndipo patinenge taigochera pautsi.

Nyama ikagocherw­a pautsi haiibve. Inoita seyaibva, asi iyo iri mbishi. Humwe hutekwatek­wa hwemisha yedu, makambani kana matunhu humbishi chaizvo.

Chinozongo­shamisa ndechekuti hutekwatek­wa hunoonekwa huri mberimberi pakupunza misha. Vari pasi dzavo nyaya ndedzekutu­ngana kwembudzi kana tava kufananidz­a nedzinokor­omorwa nevakuru padare remusha. Ko izvi zvinorevei­ko? Zvichida ndipo paye panonzi huku yadya mazai ayo.

CHENJEDZO

Zvakanaka kuti panoitwa tsvagurudz­o, pave nehurongwa hunonobata munhu wose pamusha, pakambani kana mudunhu. Izvi zvinobatsi­ra vaya vananyamas­imba vanotora zvevapfupi nekureba vonyepera kuve nerudo pamusha, pakambani kana mudunhu ravo nekukoka vanaTsikam­utanda, maporofita kana n’anga kuti musha ucheneswe nyamba vari ivo vasvibisa musha, kambani kana dunhu.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe