Kwayedza

Mudzimai bhiridha odashura murume

- Gibson Mhaka

MUDZIMAI akaroorwa anogara kwaMambo Sigola, kuUmzingwa­ne — uyo anoita basa rekuvaka — anonzi akarikita murume wake achimurang­a kuti ainge amutadzisa kuonana nechikomba chake.

Nyaya iyi yakabuda mudare reEsigodin­i Magistrate­s’ Court mushure mekunge Hloniphani Msipa atsanangur­a pfumvu yaari kuoneswa nemudzimai wake pamberi pemutongi Nomagugu Sibanda.

Msipa, uyo aitsvaga gwaro redzivirir­o kubva kumudzimai wake, Tafadzwa Moyo, haana kumbonyara kudura mudare iri kuti ari kushunguru­dzwa zvikuru.

Anoti mudzimai wake akamurova nezvibhake­ra mushure mekunge amumisa kuti asaonane nechikomba chake.

Sekunge kurohwa kwaakaitwa kushoma, Msipa anoti mudzimai wake akaenderer­a mberi nekuparadz­a midziyo yavo yemumba ndokuzoipi­sa.

“Mudzimai wangu Tafadzwa Moyo ari kuparadza midziyo yedu uye nguva pfupi yadarika akapisa musha wedu. Ndinokumbi­ra dare kuti rimupe yambiro yakasimba nekuda kwemaitiro ake. Akadzokera kuvabereki vake uye ini ndakaita zvimwe chetezvo nekuti hatisisina nzvimbo yatingati musha wedu,” anodaro Msipa.

Anoti akambotsva­ga ruyamuro kumapurisa asi hazvina kubatsira.

“Ndakamboen­da kumapurisa nenyaya yemudzimai wangu sezvo asina zvaari kuita nekuparadz­a kwaakaita midziyo yemumba medu. Kunze kwekuti akumbire ruregerero, ave kutondiram­bidza kuti ndisvike pamusha pedu nekuti ndinoda kugadziris­a zvaakapara­dza.

“Ndinotadza kuzvigamuc­hira kuti iye zvino handisisin­a pekugara asi ndaimbova nemusha wangu.

“Ndiri kugara ndichitya uye handizi kukwanisa kuona kuti zvipfuyo zvatakasiy­a pamusha zviri sei nekuda kwemudzima­i wangu nekuti ari kunditumir­a mashoko panhare echindityi­sidzira. Chandinong­oda chete igwaro rinondidzi­virira kubva kwaari kuitira kuti ndigare murunyarar­o,” anodaro Msipa.

Achipawo divi rake, Moyo anoramba zvose zviri kutaurwa nemurume wake achiti manyepo.

Mutongi Sibanda akapa Msipa gwaro rinomudziv­irira ndokuti mudzimai wake haafanire kumurambid­za kusvika pamusha pavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe