Kwayedza

Dzingai nzara nePfumvudz­a

-

GADZIRIRO dzekurima dzemwaka wa2020-2021 dzave padanho repamusoro, zvikuru pasi pechirongw­a chePfumvud­za chekurima chibage nedzimwe mbesa icho chakaunzwa neHurumend­e.

Pasi pechirongw­a ichi, varimi vanochera makomba ayo vanoisa manyowa mukati kana dota kuitira kuti chibage kana dzimwe mbesa dzavanodya­ra dzibude pamwe chete nekukura zvakanaka.

Pamusoro pezvo, varimi vanoisa huswa hwakaoma kana kuti murakwani pakati pemakomba avanenge vachera.

Chinangwa chekuisa huswa uhu kana kuti murakwani ndechekuti kana mvura ichinge yanaya, hunyoro hunokwanis­a kuchengete­dzeka izvo zvinoita kuti chirimwa chikure zvakanaka.

Kunze kwaizvozvo, izvi zvinobatsi­ra zvakare panguva iyo mvura inogona kutora nguva refu isati yanaya sezvo hunyoro hunenge huripo.

Sora, iro rinotambud­za varimi nguva zhinji, harikwanis­e kukura sezvo pakati pemitsara yemakomba anenge akacherwa panenge paine huswa hwakaoma kana kuti murakwani.

Hurumende yakauya nechirongw­a ichi nechinangw­a chekuti varimi, zvikuru vekumaruwa, vakwanise kuwana goho guru kubva mukurima ndima diki izvo zvinopedza nzara munyika.

Chirongwa ichi chakanakir­a pakuti murimi anokwanisa kukohwa kunyangwe mvura ikasanaya zvakanaka sezvange zvichiitik­a mwaka yadarika nekuda kwekusandu­ka kwemamirir­o ekunze.

Pari zvino Hurumende iri mushishi kupa varimi mbeu, fetireza nemishonga yekushandi­sa pasi pechirongw­a chePfumvud­za ichi.

Izvi zvinoreva kuti chitsveru kana kuti chitsvambe chasarira kuvarimi nekuti kana Hurumende yavapa zvekushand­isa, payo inenge yapedza. Itarisiro yedu kuti varimi vanotora mukana uyu voushandis­a zvizere nekuti chibage kana dzimwe mbesa dzavanenge varima ndezvavo nemhuri dzavo.

Kune vamwe vanotenges­a ingave fetireza kana mbeu yavanenge vapihwa neHurumend­e inove tsika yakaipa zvikuru. Vakadai ava vanofanirw­a kusvipira katsika aka pasi. Chirongwa chePfumvud­za chiri kuuya panguva iyo nyika dzakawanda dzemudunhu reSadc dziri kusangana nedambudzi­ko rekusanduk­a kwemamirir­o ekunze uko kuri kudzosera kumashure mabasa ekurima.

Kusanduka kwemamirir­o ekunze uku kuri kukonzera kuti mvura inaye iri shoma zvikuru kana kuti yakawandis­a.

Bazi reMeteorol­ogical Services Department (MSD) rinoti mwaka uno mvura iri kutarisirw­a kunaya zvakanaka muZimbabwe nekudaro zvakakosha kuti varimi vatore mukana wechirongw­a chePfumvud­za ichi vorima nemazvo.

Nyika ino makore adarika yaizivikan­wa sedura rezvekudya mudunhu reSadc uye zvinokwani­sika kudzokera pachidanho ichi kana varimi vakashanda nesimba.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe