Kwayedza

Matanho ekudziviri­ra Covid osimbaradz­wa

- Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachiteved­zera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 uye vabati vezvemutem­o vachaona kuti matanho aya atevedzerw­a nemazvo.

Vachitaura kuvatori venhau muguta reHarare mushure memusangan­o wedare reCabinet, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti veruzhinji havafanirw­e kuvararirw­a zvichiteve­ra kunyevenyu­tswa kwechirong­wa chekumisa kupararira kwechirwer­e ichi.

“Panyaya yekutevedz­erwa kwemutemo, Cabinet inozivisa kuti zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwechirong­wa chekumisa kupararira kwechirwer­e ichi, vabati vezvemutem­o vachange vachiona kuti matanho ekudziviri­ra Covid-19 atevedzerw­a nemazvo ayo anosangani­sira kusaita chitsoko-tsoko nekupfeka mamasiki nenzira kwayo,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoendere­ra mberi vachiti, “Veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vasavarair­we asi kuti varambe vachiteved­zera matanho aya.”

Ongororo yakaitwa neKwayedza kunzvimbo dzinosanga­nisira Harare, Domboshava nekwaSeke inoratidza kuti vanhu vakawanda havachakos­hese kupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungan­a veruzhinji uye kusaita chitsoko-tsoko.

Pamusoro pezvo, zvisinei nekuti mutemo unorambidz­a veruzhinji kuti vafambe-fambe zvisina tsarukano kubva nenguva dza8 husiku kusvika 6 mangwani (curfew) uchiriko, kune vamwe vari kuonekwa vachiutyor­a zvakare.

Sen Mutsvangwa vanoti zvichiteve­ra danho rekuti zvikoro zvivhurwe, Cabinet yakaona kuti kufambiswa kwemashoko maringe nezvinofan­irwa kuitwa mukurwisa Covid-19 kwakaita kuti pave nehwaro hwakanaka hwekuongor­ora mamiriro anenge akaita zvinhu muzvikoro uye pachange paine nzvimbo dzinoita ongororo iyi.

“Nzvimbo idzi dzichabats­ira mukuona kuti matanho ekumisa kupararira kweCovid-19 atevedzerw­a uye nekukurudz­ira kuti pave nenharaund­a yekudzidzi­ra isina njodzi kuvana panyaya dzeutano. Chikoro chimwe nechimwe chine nzvimbo yachakabat­anidzwa nacho,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, Zimbabwe yanga yave nevanhu 7 837 vakawanikw­a vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa kubva pakatanga denda iri muno mumwedzi waKurume gore rino. Pavarwere ava, 6 122 vakatopona asi vamwe 228 vakafa.

 ??  ?? SEN Mutsvangwa
SEN Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe