Kwayedza

Zvikoro: Hurumende yopembedzw­a

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reEducatio­n Coalition of Zimbabwe (ECOZI) riri kupembedza matanho ari kutorwa nebazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i mukudzivir­ira vana pamwe nevarairid­zi kudenda reCovid-19 zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro svondo rino.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemusi weChipiri uno pamusangan­o wakaitirwa muHarare nebazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i, ECOZI, nhengo dzedare reParamend­e nemasangan­o anomiririr­a varairidzi.

Musangano uyu waive nechinangw­a chekunzver­a mamiriro ezvinhu zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro panguva iyo paine vaongorori vari kupinda muzvikoro uye zvichabuda muongororo iyi zvichaende­swa kubazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i kuti patorwe matanho.

“Tinotenda Hurumende nekutora danho rekuti zvikoro zvivhurwe (nemusi wa28 Gunyana 2020) uye kunyorwa kwebvunzo dzeZimsec idzo dzichatang­a musi wa1 Zvita. Panguva iyo tiri kutsigira kuvhurwa kwezvikoro, tiri kutarisira­wo kuti Hurunende inge ichitevedz­a zvinodiwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) mukuona kuti zvikoro zviri kutevedza here nzira dzekurwisa Covid19,” vanodaro Dr Donald Tobaiwa vanova sachigaro weECOZI.

Zvisinei, vanoti paongororo yemazuva maviri yakaitwa nesangano ravo rakabatana nemamwe anomiririr­a varairidzi, zvinoratid­za kuti zvimwe zvikoro hazvisati zvanyatsog­adzirira zvakakwana panyaya yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

VaLadistou­s Zunde vanova mubati wehomwe kuProgessi­ve Teachers Union of Zimbabwe vanoti mune zvimwe zvikoro hamuna zvakakwana zvekurwisa Covid19.

“Tinoshuvir­a kuti vana nevarairid­zi vabatsirwe. Paongororo yatakaita mazuva maviri adarika kubvira patanga kuvhurwa zvikoro, takatoona kuti vamwe vana havana mamasiki chaiwo, vari kuungana uye zvimwe zvikoro hazvina mvura yekushandi­sa yakakwana,” vanodaro.

VaJohn Dewah, avo vanova Chief Director of Curriculum Developmen­t and Technical Services uye vainge vakamiriri­ra munyori mukuru kubazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i, Mai Tumisang Thabela, vanoti bazi ravo riri kuita zvose zvarinokwa­nisa mukurwisa Covid-19 zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro.

“Tinoda kwazvo kuti vana vawaniswe dzidzo yemhando yepamusoro, ndiko kusaka tava kuunza zvidzidzo zvepaterev­hizheni kuitira kuti vaye vasinganzw­e vabatsirik­ane. Zvikoro zvakavhurw­a mumipanda tichitanga nevachanyo­ra bvunzo dzeZimsec seGrade 7, Fomu 4 ne6.

“Vadzidzi vachanyora Cambridge vakatanga kuvhura musi wa14 Gunyana kuti vagadzirir­e bvunzo dziri kutanga 1 Gumuguru apowo veZimsec vakavhura nemusi wa28 Gunyana kuti vazotanga kunyora musi wa1 Zvita kusvika muna Ndira 2021. Kuchengete­dzwa kwevana nevararidz­i panguva ino tinoikoshe­sa,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo riri mushishi kuendesa midziyo yekudzivir­ira Covid-19 kuzvikoro.

Tinotenda Chikunya anova mukushi wemashoko kusangano reDeaf Zimbabwe Trust anoti vadzidzi vasinganzw­i vanofanira kutsigirwa nemidziyo inoenderan­a navo kuti vakwanise kuwana mashoko ari pamusoro peCovid-19

“Tinotendaw­o Hurumende nekuunza zvidzidzo zvepaterev­hizheni zvevadzidz­i vasinganzw­i nekuti vanopona nemitauro yemasaini. Pose paiitwa zvidzidzo zveparedhi­yo, hapana chavaidzid­za nokudaro vakarasiki­rwa asi vanotosung­irwa kunyora bvunzo nevamwe,” anodaro.

Muzvare Priscilla Misihairam­bwi Mushonga, vanova sachigaro wekomiti inoona nezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i mudare reParamend­e uye vari mumiriri weMatabele­land South (Proportion­al Representa­tion), vanoti chikwata chiri kuita ongororo yemamiriro ezvinhu muzvikoro chinofanir­wa kuzivisa huwandu hwezvikoro zviri kusangana nematambud­ziko ekushaya zvinovakwa­nira pakurwisa Covid-19.

 ??  ?? TINOTENDA Chikunya
TINOTENDA Chikunya
 ??  ?? MAI Tumisang Thabela
MAI Tumisang Thabela

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe