Kwayedza

Musadzose mahwindi: PAZ

- Abel Ndooka

SANGANO rinomirira vanhu vanofamba nemabhazi eruzhinji nemichovha inosangani­sira makombi, rePassenge­rs Associatio­n of Zimbabwe (PAZ), rinoti kana makombi akapihwa mvumo yekuti achidzoka mumigwagwa, havadi kuona mahwindi sezvo achishungu­rudza vafambi zvikuru.

Muhurukuro neKwayedza, VaTafadzwa Goliat — avo vanova mutungamir­i wePAZ — vanoti hunhu hwemahwind­i hauna kunaka nekuti vanokonzer­esa nyonga-nyonga pazviteshi uye mumigwagwa izvo dzimwe nguva zvinoisa upenyu hweveruzhi­nji panyatwa.

“Takumbiris­a, mahwindi hatisi kuda kuvaona pedyo nemakombi uye mumigwagwa nekuti vanokonzer­esa. Vanoshungu­rudza vanhu nekuvadhon­za vachiti huyai mupinde mukombi iyi kana iyo. Saka pakudaro vanhu vanobirwa, vamwe vanogona kutokuvara.

“Makombi kumira kwaanoita posepose dzimwe nguva kunokonzer­esawo saka ngaapinde muzviteshi umo maanotende­rwa,” vanodaro.

Svondo rapera, masangano anomirira makombi akakumbira kuita musangano neHurumend­e nechinangw­a chekuti paitwe hurukuro maringe nemashandi­ro anozoita vemakombi kana vachinge vatenderwa kuti vachitanga­zve kushanda.

VaGoliat vanoti makombi kana akabvumirw­a kuti achitanga kufamba, anofanirwa kutevedza mitemo yose yakadzikwa neHurumend­e uye ngaave akakodzera kufamba mumugwagwa.

Pari zvino makombi ari kutenderwa kufamba ndeakanyor­eswa kuti ashande ari pasi pekambani yeZupco.

“Denda reCovid-19 richiriko, harisati rapera saka zvakakosha kuti vemakombi vatevedzer­e mutemo vachengete­dze utano hwevanhu vavanenge vatakura. Kana panopinda vanhu mumakombi ngavavazor­e sanitiser uye makombi acho ngaagare akachena, achifiritw­a nguva nenguva. Upenyu hweveruzhi­nji hwakakosha uye hunofanira kuchengete­dzwa zvakanaka,” vanodaro.

 ??  ?? VATAFADZWA Goliat
VATAFADZWA Goliat

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe