Vatori venhau vorumbidzwa
VATORI venhau vanoshandira masangano akasiyana nemusi weMuvhuro uno vakapihwa mibairo yekugona kunyora nyaya dzine chekuita nemhirizhonga yemudzimba mumakwikwi anotsigirwa nesangano reMusasa Project neUNFPA pasi pechirongwa cheSpotlight Initiative. Vatori venhau vakaita kunge vachabata denga nemufaro ndokudzokera kumba nemibairo yemari.
Debra Matabvu uyo anonyorera rimwe remapepanhau eZimpapers, reThe naPatrick Shasaya weZimpapers Television Network (ZTN) vakadadisa apo vakahwinha.
Vachitaura pachiitiko ichi, mumashoko avakaverengerwa naVaidah Mushangwa anova director kubazi rinoona nezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati, gurukota Dr Sithembiso Nyoni vanoti vatori venhau vari kuita mabasa makukutu ekurwisa nyaya dzemhirizhonga munyika kuburikidza nezvinyora nezvavo.
“Tinofara nemabasa ari kuitwa nesangano reMusasa Project munguva ino yeCovid-19 mukurwisa mhirizhonga zvinova zvinobatsira raramo yemadzimai nevanasikana kunyanya. Vatori venhau vakakosha mukudzidzisa vanhu nenzira kwadzo dzekutevedza mukurwisa mhirizhonga kusanganisira kudzidzisa vanenge vambunyikidzwa kodzero dzavo kuti vanonomhan’ara kupi,” vanodaro.
Mai Precious Taru, vanova director weMusasa Project, vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vaite basa ravo pasina kudzikisira vanhu vanombunyikidzwa.
“Kune dzimwe nyaya dzinogona kunyorwa asi dzichitokonzera mhirizhonga kune vanenge vambunyikidzwa. Saka zvakakosha kuti vanhu vanoshungurudzwa vachengetedzwe,” vanodaro.
Rotina Mafume Musara, uyo anova advocacy officer kuMusasa Project, anotwo aka kava kechipiri makwikwi aya achiitwa uye anobatsira mukufumurwa kwenyaya dzemhirizhonga nekuyamurwa kwevanombunyikidzwa.
Mai Virginia Muwanigwa vanova chamangwiza weGender Commission vanoti, “Zvakakosha kuti vatori venhau vanyore nyaya dzinoita kuti vanhu vaye vanenge vambunyikidzwa vave netariro pane kuwedzera munyu paronda.”
Ongororo yakaitwa nenyanzvi inotaridza kuti chikamu che13 percent chevanhu vari kusangana nemhirizhonga ndivo vari kudura nhunha dzavo munyika dziri mudunhu reSadc.
Matabvu anoti anofara zvikuru nemubairo wake sezvo uri wekutanga muupenyu uye ari kutarisira mimwe yakawanda.