Kwayedza

Vatori venhau vorumbidzw­a

- Muchaneta Chimuka

VATORI venhau vanoshandi­ra masangano akasiyana nemusi weMuvhuro uno vakapihwa mibairo yekugona kunyora nyaya dzine chekuita nemhirizho­nga yemudzimba mumakwikwi anotsigirw­a nesangano reMusasa Project neUNFPA pasi pechirongw­a cheSpotlig­ht Initiative. Vatori venhau vakaita kunge vachabata denga nemufaro ndokudzoke­ra kumba nemibairo yemari.

Debra Matabvu uyo anonyorera rimwe remapepanh­au eZimpapers, reThe naPatrick Shasaya weZimpaper­s Television Network (ZTN) vakadadisa apo vakahwinha.

Vachitaura pachiitiko ichi, mumashoko avakaveren­gerwa naVaidah Mushangwa anova director kubazi rinoona nezvemadzi­mai, kuenzanisw­a kwemikana nekusimudz­irwa kwemabhizi­musi madiki neari pakati nepakati, gurukota Dr Sithembiso Nyoni vanoti vatori venhau vari kuita mabasa makukutu ekurwisa nyaya dzemhirizh­onga munyika kuburikidz­a nezvinyora nezvavo.

“Tinofara nemabasa ari kuitwa nesangano reMusasa Project munguva ino yeCovid-19 mukurwisa mhirizhong­a zvinova zvinobatsi­ra raramo yemadzimai nevanasika­na kunyanya. Vatori venhau vakakosha mukudzidzi­sa vanhu nenzira kwadzo dzekuteved­za mukurwisa mhirizhong­a kusanganis­ira kudzidzisa vanenge vambunyiki­dzwa kodzero dzavo kuti vanonomhan’ara kupi,” vanodaro.

Mai Precious Taru, vanova director weMusasa Project, vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vaite basa ravo pasina kudzikisir­a vanhu vanombunyi­kidzwa.

“Kune dzimwe nyaya dzinogona kunyorwa asi dzichitoko­nzera mhirizhong­a kune vanenge vambunyiki­dzwa. Saka zvakakosha kuti vanhu vanoshungu­rudzwa vachengete­dzwe,” vanodaro.

Rotina Mafume Musara, uyo anova advocacy officer kuMusasa Project, anotwo aka kava kechipiri makwikwi aya achiitwa uye anobatsira mukufumurw­a kwenyaya dzemhirizh­onga nekuyamurw­a kwevanombu­nyikidzwa.

Mai Virginia Muwanigwa vanova chamangwiz­a weGender Commission vanoti, “Zvakakosha kuti vatori venhau vanyore nyaya dzinoita kuti vanhu vaye vanenge vambunyiki­dzwa vave netariro pane kuwedzera munyu paronda.”

Ongororo yakaitwa nenyanzvi inotaridza kuti chikamu che13 percent chevanhu vari kusangana nemhirizho­nga ndivo vari kudura nhunha dzavo munyika dziri mudunhu reSadc.

Matabvu anoti anofara zvikuru nemubairo wake sezvo uri wekutanga muupenyu uye ari kutarisira mimwe yakawanda.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe