Kwayedza

‘Takagadzir­ira kudzoka kweCovid-19 kechipiri’

- Wallace Ruzvidzo — —

ZIMBABWE yakagadzir­ira zvikuru kunyuka kwechirwer­e cheCovid-19 kechipiri (second wave), vanodaro Dr Agnes Mahomva avo vanova chief co-ordinator wezveCovid-19 mumahofisi emutungami­riri wenyika nedare reCabinet.

Mashoko avo anotevera zviri kuitika kunyika dzine chitsama, kunyanya kuEurope nekuUnited States, uko kuri kudzoka kechipiri chirwere ichi.

Izvi zvaita kuti nyika dzakaita seUruguay dzidzokere pachidanho chekutanga chekurwisa chirwere ichi kuburikidz­a nekudzika mutemo unorambidz­a vanhu kufamba-famba panguva iyo United Kingdom inoti inoda kuita zvimwe chetezvo nechinangw­a chekudziki­sa kupararira kwecoronav­irus hutachiona hunokonzer­a Covid-19.

Dr Mahomva vanoti Zimbabwe iri kuvandudza zvakare nzvimbo dzinocheng­eterwa varwere veCovid-19 pamwe nekutsvaga dzimwe itsva.

Kunze kwaizvozvo, pane midziyo yakawanda yakatengwa yekushandi­sa mukudzivir­ira chirwere ichi yevashandi vezveutano nemimwe ichaendesw­a muzvikoro.

MuZimbabwe pari zvino huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus mushure mekunge vavhenekwa huri kudzikira pamwe chete nevanhu vari kufa nechirwere ichi zvichiteve­ra matanho akasimba ari kutorwa neHurumend­e ekumisa kupararira kwacho.

Dr Mahomva vanoti Hurumende iri kurumbidzw­a zvikuru nemapoka akasiyana nekuda kwematanho airi kutora kubvira patanga chirongwa chekurwisa chirwere ichi munaKurume sezvo izvi zvabatsira mukudzivir­ira kupararira kwacho.

“Nyanzvi dzinogamuc­hira maitiro atiri kuita mukurwisa chirwere ichi dzichiti akanaka. Chirongwa chekutanga chekuedza kumisa Covid-19, icho chakatanga muna Kurume, chakarumbi­dzwa,” vanodaro.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira.

“Huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kuderera sezvinoone­kwa nemagwaro anoburitsw­a zuva nezuva panguva iyo tiri kuwana rutsigiro kubva kunyanzvi dzepasi rose,” vanodaro Dr Mahomva.

Boka reAfrica Centres for Disease Control and Prevention (Africa CDC), iro riri pasi peAfrican Union, nemusi weChina svondo rapera rakati matanho ari kutorwa neZimbabwe ekudziviri­ra kupararira kweCovid-19 anobatsira mugadzirir­o yekunyuka kwacho kechipiri.

Kuchiti sangano reWorld Health Organisati­on svondo rapera rakazivisa­wo kuti riri kutsigira zvikuru kurwisa kupararira kweCovid-19 panguva iyo vashandi varo vanosvika 900 vakatumirw­a kunyika dzakasiyan­a muAfrica kuti vabatsire mukumisa kupararira kwechirwer­e ichi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe