Kwayedza

. . . yakundikan­a kubhadhara pfambi

- Gibson Mhaka — — — —

N’ANGA yechidiki yekuInyath­i, kuMatabele­land North, inonzi yakatorerw­a bhegi rayo rainge rizere hakata, mishonga nemimwe midzoyo yebasa rayo nemumwe mukadzi anoita basa rekutenges­a muviri apo sangoma uyu akaramba kumubhadha­ra mari mushure mekusasana vose.

Bhaisikopu repachena iri rakatanga apo n’anga iyi iyo inongozivi­kanwa saHlongwan­e yakaramba kubhadhara mukadzi uyu mari yake zvikaita kuti abvute bhegi kana kuti nhava yake iyo aivhaira nayo achiti ndimo mune mishonga inorapa zvirwere zvose.

Nyaya iyi yaitika pajekerere nemusi weSvondo wadarika.

Mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi anoti Hlongwane uyo anozvikanw­a zvikuru munharaund­a nekutsvaga vanhukadzi vekusasana navo kana achinge awana mari akabvumira­na nemusikana uyu kuti aizomubhad­hara US$10 kana vachinge vasasana zvenguva pfupi.

Zvisinei, mukadzi uyu anonzi akazoti aida kubhadharw­a US$15 mushure mekusasana uku achiti ainge amupa rudo rwakawandi­sa.

“Nyaya yakazokora muto apo n’anga iyi yakaramba kubhadhara US$15 yaidiwa nemukadzi uyu. Akambenge anzi abhadhare US$10 kana vachinge vasasana zvenguva pfupi, asi mushure mekusanana uku, mukadzi uyu akaramba kutambira mari iya achiti yaive yawedzerwa sezvo ainge amupa rudo rwakadarik­a mwero rwunosanga­nisira kumunanzva.

“Kuramba kwaakaita kubhadhara mari iyi kwakaita kuti mukadzi uyu abve amubvutira nhava kana kuti bhegi rake iro raive nehakata nemimwe mishonga.

“Mukadzi uyu akazosheve­dza vamwe vake avo vakauya vachibva vaunganira n’anga iyi vachiipome­ra mhosva yekusatend­a kusasana kwavainge vaita.

“Zvinhu zvakatodzi­kama apo n’anga iyi yakavimbis­a kuzobhadha­ra mari yaidiwa nemukadzi uyu,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi uyo akakumbisa kuti zita rake risaburits­we achitya kuzooneswa ndondo.

Anoti n’anga iyi yakashaya pekupinda nenyadzi nekuda kwechiitik­o ichi.

“Akashaya zvekuita, akambotyis­idzira mukadzi uyu achiti anogona kumukangan­isa kusikarudz­i yake nemishonga asi zvakakona,” anodaro.

haina kukwanisa kutaura nen’anga iyi sezvo yakadaira nhare yayo ichibva yaidzima apo yakanzwa kuti munyori uno aida kunzwa nezvenyaya iyi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe