Kwayedza

AKASUNGWA PAMASOWE

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaSeke akanosungi­rwa nemapurisa pamasowe apo aishandirw­a mushure mekunge areurura kumuporofi­ta kuti akaponda murume wake anga ari sabhuku mudunhu iri nekuda kweshanje dzekuti aidanana nemumwe mukadzi wemunharau­nda.

Ndakaiteyi Samukute (54) wemubhuku raMutumbi ari kupomerwa kuponda murume wake, Peter Tigere (58), uyo anga ari sabhuku.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti husiku hwemusi wa29 Chikunguru, VaPeter Tigere vakanetsan­a nemwanasik­ana wemukoma wavo, Maud Tigere (47) nekuda kwenyaya yemunda wairimwa nemwana uyu umo aida kuvaka imba.

Kunetsana kwevaviri ava kunonzi kwakaitika pamberi pemudzimai wemufi, Samukute nemwanakom­ana wavo Tawanda (35).

Mushure mekunetsan­a, sabhuku ava vanonzi vakazotaur­ira mudzimai wavo nemwanakom­ana kuti vakanga vave kumboenda kunzvimbo yemabhizim­isi kuChirasav­ana.

Pavakabva pamba, sabhuku ava vanonzi vainge vakapfeka shangu dzematenes­i eruvara ruchena nemuto wenyemba, tirauzi rekodhoro, sikipa tsvuku nebhachi reyellow.

Pamazuva akatevedza­na anoti musi wa30 na31 Chikunguru, murume uyu anonzi haana kudzoka kumba zvakazoita kuti mudzimai wacho atume mwanakoman­a wavo Tawanda kunovatari­sa kumba kweshamwar­ikadzi yavo kubhuku raChibaya riri kwakare kwaSeke uko vakanoshai­kwa.

Insp Mwanza vanoti mudzimai uyu nemwanakom­ana wake vakazoenda kumapurisa ekwaGombe kunomhan’ara kuti vashaya munhu.

Mapurisa neruzhinji vatakazota­nga kutsvaga murume uyu asi ndokumusha­ya.

Mushure memazuva, Pauline Tigere akazowana mutumbi waVaPeter Tigere wakavigwa muchikomba chisina kudzika chinhambwe chingaita mamita zana kubva pamba pavo.

Insp Mwanza vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa apo vakanoongo­rora mutumbi uyo vakawana wakafushir­wa nevhu shoma nemashizha pamusoro.

Mutumbi uyu unonzi waiva wakatsemur­wa deheny’a remusoro nepamusoro peziso rekurubosh­we uye wakazoende­swa kuchipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital kuti unoongoror­wa.

Mukuferefe­twa kwakaitwa nyaya iyi, pakazobuda mashoko ekuti Samukute aienda kumuporofi­ta wechechi yeJohane Masowe uko aida kubatsirwa achibuda pachena kuti ndiye akauraya murume wake nekuda kweshanje.

“Svondo rakapera, mapurisa akazowana runyerekup­e rwekuti amai ava vainge vaenda kumasowe kwaSabhuku Hwiridza ikoko kwaSeke uko vaireurura kuti vakaponda murume wavo. Matikitivh­a akabvunzur­udza muporofita aivabatsir­a akataura kuti akanga ashanyirwa nemudzimai uyu kaviri achida rubatsiro rwake kusvikira akazouya kumasowe.

“Kubva pekutanga, zvinoratid­za kuti amai ava vairasisa vamwe vanhu vachiita sekunge vaisaziva kune murume wavo senzira yekunzveng­a mhosva,” vanodaro Insp Mwanza.

Samukute anonzi akazoenda akanorara kumasowe uko panguva yekunamati­rwa akazodura kuti akaponda murume wake uyu.

“Nekuda kwemashoko aya, mapurisa edu akaenda pasowe iri ndokunosun­ga amai ava vari pamunyenge­tero nevamwe vachida kubatsirwa pane zvaivanets­a. Pavakasung­wa, amai ava vakabvuma kuti ndivo vakaponda murume wavo nekuda kwemirizho­nga yemumba,” vanodaro Insp Mwanza.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe