Kwayedza

Zvikoro zvobatsirw­a

- Munyori weKwayedza

MASANGANO evechidiki muguta reHarare akabatsira nezvinhu zvekushand­isa pakudzivir­ira Covid-19 muzvikoro sezvinodiw­a pasi pemitemo yakatarwa neWorld Health Organisati­on (WHO).

Danho iri rinotevera kuvhurwa kwezvikoro neMuvhuro uno.

Zvikoro zvabatsirw­a zvinosanga­nisira Hatcliffe Primary 1 ne2, Hatcliffe Secondary School neSelonga Cluster Schools kuGwanda.

“Chikamu chedzidzo chemuZimba­bwe chakakanga­niswa nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 uye takazvipir­a kubatsira vana avo vane fundo yakadzoser­wa kumashure nekunyuka kwechirwer­e ichi,” chinodaro chinyorwa chakabva kumasangan­o aya.

“Svondo radarika takapa zvinhu paHatcliff­e 2 Primary School apo taipa zvekushand­isa muchikamu chechipiri chechirong­wa chedu kuHatcliff­e Primary 1 ne2 uye neHatcliff­e Secondary School.”

“Tiri kukumbira kune vane mwoyo wetsitsi kuti vabatsire nezvinhu zvakasiyan­a nechinangw­a chekuyamur­a zvikoro zvisingakw­anise kuzvimirir­ira, kunyanya zvekumaruw­a.”

Zvinhu zvawanikwa nemasangan­o aya zvekurwisa kupararira kweCovid-19 kusvika pari zvino zvinosanga­nisira mathermome­ter, mamasiki nemimwe mishonga.

“Muchirongw­a cheSafer Schools Campaign tiri kubatana nezvikoro nemasangan­o anoshandir­a munharaund­a mukubatsir­a vanhu nezvikoro kuti vazadzikis­e zvinodiwa neWHO mukurwisa Covid-19.

“Nharaunda dzatiri kunyanya kubatsira ndeidzo dzine vanhu vanoshaya vane vana vasingakwa­nise kuwana fundo yepadandem­utande,” anodaro masangano aya.

Zvikoro zvakavhurw­a neMuvhuro uno kuvadzidzi vari kunyora bvunzo dzekupera kwegore dzeGiredhi 7, Fomu 4 neFomu 6.

Vana veGiredhi 6, Fomu 3 neFomu 5 vachavhura nemusi wa26 Gumiguru kuchitiwo vamwe vose vanosangan­isira A ECD neB, Giredhi 1 kusvika 5 uye Fomu 1 ne2 vachavhurw­awo musi wa9 Mbudzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe