Kwayedza

Voronga zvebudirir­o yeChitungw­iza

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reChitungw­iza Residents Trust (CHITREST) nguva yadarika rakabatana nereNation­al Associatio­n of Non-Government­al Organisati­ons (Nango) pamusangan­o uri maringe nehurongwa hwemafambi­sirwo echirongwa chenyika chine chekuita nenyaya dzebudirir­o (Ministry of Finance’s National Developmen­t Strategy).

VaLeonard Mandishara, vanova mukuru weNANGO, vanoti chinangwa chavo ndechekuon­a kuti vagari venzvimbo iyi pamwe nehutungam­iri hweko uye vatsigiri vape pfungwa dzavo maererano nechirongw­a ichi icho chichasvik­a mugore ra2025.

“Chirongwa chemakore mashanu cheNationa­l Developmen­t Strategy chichatsiv­a cheTransit­ion Stabilliza­tion Programme icho chakaparur­wa neHurumend­e mugore ra2018 uye chiri kupera gore rino.

“Panguva iyo nyika iri murwendo mukugadzir­a kuumbwa kwechirong­wa cheNationa­l Developmen­t Strategy 1 nebazi rinoona nezvemari, sangano reNango neCHITREST vakaungani­dza pfungwa dzakabuda pamusangan­o uyu dzinova dzavachano­pira kuHurumend­e kuti dzipinzwe muzvirongw­a zvebudirir­o zvenyika,” vanodaro.

VaMandisha­ra vanoti chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reUnicef, UNDP uye European Union.

“MuChitungw­iza mune matambudzi­ko akawanda sekuparara kwemigwagw­a, kushaikwa kwemabasa, kutushuka kwemapombi esuweji, kushaikwa kwemvura, kuwanda kwenherera nevakarema­ra uye vakwegura, pakati pezvimwe. Saka panoda kuonekwa kuti zvii zvingaitwa neHurumend­e nekushandi­sa homwe yebudiriro iyi,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzekusabha­dharwa kwemitero nevagari veko ndizvo zvimwe zviri kuita kuti zvimwe zvirongwa zvebudirir­o zviderere.

“Vagari vemuno vanofanira­wo kutsigira kanzuru kuburikidz­a nekubhadha­ra mitero nenguva nekuti kana vakasaita izvozvo makanzuru anokundika­na kubhadhara vashandi vogumisira varamwa mabasa zvinoreva izvo kuti zvirongwa zvebudirir­o sekugadzir­wa kwemapombi esuweji, migwagwa nezvimwe hazvichafa­mba.

“Nyaya dzehuwori ndidzo dzimwe dziri kuderedza mabasa ebudiriro nekuti kuba kwakanyany­a kunoita kuti budiriro idzokere kumashure,” vanodaro. Vanoti Hurumende inofanirwa kuramba ichisimbar­adza mabasa eZimbabwe Anti-Corruption Commission kuti nyaya dzehuwori dziderere.

Alice Dian Kuvheya anova director weChitungw­iza Residents Trust anoti chiitiko ichi chakakosha zvikuru nekuti chinopa mikana yekuti pave nehurukuro pakati pevatungam­iriri venzvimbo semakanzur­a, madzishe nenhengo dzedare reParamend­e vachikuruk­ura nhuna dzavo.

“Munguva iyo chirwere cheCovid-19 chainge chakatsvir­iridza tainetseka kwazvo kuti tingazowan­a here nguva yekusangan­a tichitaura nezvenyaya dzebudirir­o yeChitungw­iza nokudaro taingoshan­disa dandemutan­de tichikuruk­ura tiri kudzimba dzedu.

“Tinoda kuti vechidiki vawane mabasa nekuti vari kungoswere­ra kuputa mbanje nekudhakwa zvinoita kuti kuparwa kwemhosva kuwande. Tinoda kuti pave nerutsigir­o rwemari iyo ichaita kuti tiite mabasa ebudiriro,” anodaro.

 ??  ?? ALICE Kuvheya
ALICE Kuvheya
 ??  ?? VALEONARD Mandishara
VALEONARD Mandishara
 ??  ?? VADZIDZI vepaHerent­als Group of Colleges vaive vakamirira kupinda muchikoro panosangan­a mugwagwa waRobert Mugabe naFirst Street, muguta reHarare nemusi weChitatu uno zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro svondo rino. — Mufananidz­o naMuchanet­a Chimuka
VADZIDZI vepaHerent­als Group of Colleges vaive vakamirira kupinda muchikoro panosangan­a mugwagwa waRobert Mugabe naFirst Street, muguta reHarare nemusi weChitatu uno zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro svondo rino. — Mufananidz­o naMuchanet­a Chimuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe