Kwayedza

Mabasa evechidiki otsigirwa

- Kingstone Mapupu

SANGANO rePlan Internatio­nal riri kusimudzir­a raramo yevechidik­i kuburikidz­a nekuvatsig­ira mumabhinda­uko anosangani­sira ekugadzira midziyo nezvimwe zvinodiwa mukurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

VaConrad Gweru (34), avo vanova country communicat­ions coordinato­r wePlan Internatio­nal, vanoti sangano ravo rakaona zvakakosha kutsigira vechidiki mumabasa ekugadzira zvinosanga­nisira mamasiki, magirovhos­i nesipo dzekugezes­a maoko.

“Nekuda kwechirwer­e chanetsa pasi rose cheCovid-19, tine zvirongwa zvatiri kuita kubatsira vanhu, zvikuru vechidiki kuti vakwanise kuita mabasa apo vagere kudzimba nekuda kwematanho aripo ekurwisa chirwere ichi,” vanodaro VaGweru.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Nechikamu chedu cheYouths Economic Empowermen­t, tiri kuvamba mabasa akanangana nekurwisa Covid19 munyika yose uye hatina nzvimbo yatiri kusiya – kumaruwa nemumaguta. Zvirongwa izvi takazvivam­ba muHarare, Bulawayo, Gweru, Norton, Kadoma, Chegutu, Zvishavane, Masvingo, Victoria Falls nekwaMutar­e.”

Vanoti vechidiki vari kuita mabhindauk­o ezvigadzir­wa izvi vanozozvit­engesa vachibatsi­rwa nesangano ravo.

“Kutengeswa kwezvigadz­irwa izvi hakunetsi sezvo tichivatsv­agira vatengi uyewo zvekugadzi­risa zvakaita semichina yekusonesa, machira nezvimwe. Ino inguva yakaoma zvikuru nekuda kwedenda iri sezvo venhu vari kukurudzir­wa kugara kudzimba izvo zvinoita kuti kuwana mari yekutenga chikafu kunetse,” vanodaro VaGweru.

Vanoti sangano ravo ragara richiita zvimwe zvirongwa zvinosanga­nisira kudzidzisa madzimai nevanasika­na kusona, kupfuya huku, kurima mapindu nekugadzir­a machoko emuzvikoro.

“Nyaya yekusimudz­ira kurarama kwevanhu zvagara zvichiitwa nesangano rePlan Internatio­nal izvo tiri kufambira mberi.”

Pamusoro pezvo, sangano iri rinoshinga­irawo mukurwira kodzero dzevanasik­ana nekuona kuti havashungu­rudzwe nekuti vadzidze vakasunung­uka.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe