Kwayedza

AKAZVARIRA MUMUGODHI

. . . mvura ichimusvik­a muhuro . . . akachekwa rukuvhute arimo

- Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inoshamisa nekusuwisa, ichiita kunge bhaisikopo, mudzimai wechidiki wemu Harare akarwadziw­a nepamuviri painge pakwana, ndokubuda mumba kaverevere achibva anozviwidz­a mumugodhi wemuvakidz­ani une mvura umo akarwarira kwemaawa maviri, ndokuzosun­unguka mwana chigwindir­i arimo.

Kusvika paakazonun­urwa neveruzhin­ji mumvura yaimusvika muhuro, mukadzi uyu ainge akangosimu­dza kasvava kake mudenga kuti kasany’ure kana kunwa mvura.

Princess Machona (23), akabara mwana airema 3,7kg ari mumugodhi ku New Mabvuku umo akazoburit­swa pamwechete nemwana wake mushure memaawa maviri.

Mugodhi uyu uri panhamba 10917 Kugarika Kushinga Housing Cooperativ­e uye Machona anogara nevabereki vemurume wake panhamba 10901 mumusha mumwe chetewo.

Machona anoti akasunungu­kira mwana wake mumugodhi umo akawira oga pasina akamusandu­dzira mushure mekunge arambwa kubatsirwa pakiriniki yeko.

Amai nemwana ava vasati vaburitswa, rukuvhute (guvhu) rwakacheke­rwa mumugodhi imomo.

“Pandakaona mwana ava kurova-rova musana uye ndava kurwadziwa zvakanyany­a, ndakabuda mumba ndokunogar­a pamugodhi wa Mai Jogo. Handizive kuti zvakazofam­ba sei asi ndinofunga kuti ndakauvhur­a nemakumbo apo ndaiyuwira nemarwadzo. Ndakazoche­chuka ndava mumvura yaindisvik­a muhuro.

“Ndakarwadz­iwa ndirimo – kubva kuma4 dzekuseni kusvika kuma6 mangwanani iwayo – kudzimara ndabara ndirimo. Ndakadya dhaka remumadzir­o memugodhi pandaipera simba ndichingor­wadziwa ndichiti ndiwane simba rekusunda mwana. Mwana uyu, Emmanuel, ndewepiri ane kahanzvadz­i kake kane makore maviri,” anotsanang­udza Machona.

Anoti akazosonwa masitichi paEdith Hospital, iye nekasvava kake ndokuzopfu­udzwa kuParireny­atwa Group of Hospitals uko vakagara mazuva matatu.

“Ndakanoson­wa masitichi nekuti ndakatsemu­ka pakubara mwana wangu uyo pari zvino asati asvitsa mwedzi. Ndiri kurwadziwa kwazvo nemusoro nemusana mushure mekurovera kwandakait­a, handina kurapwa nekuti kuchipatar­a vakati ndinofanir­a kutanga ndatorwa X-Ray apo hatina mari yacho.

“Dai ndawanawo vanondirap­isa nekuti maoko ose ari kurwadza kana kuwacha nekutakura mvura zviri kutondinet­sa,” anodaro.

Vamwene vake, Mai Fortunate Pfende – avo vaanogara navo pamwe chete nemurume wake Simbarashe Mazivangei – vanoti havana neremuromo zvichiteve­ra mashura aya.

“Mubvunzei henyu kuti chii change chamupinda nekuti ini pachezvang­u kutaura chokwadi handisati ndatomubvu­nza kuti ainge apindwa nemweya wei. Ndiri kutoshaya pekutangir­a. Zvandakait­irwa nemuroora wangu rwendo rwuno zvinotyisa.

“Vatezvara vake vakashaya saka tinogara naye nemurume wake uye nevanasika­na vangu. Nomusi wa16 Gunyana, nhumbu yake yakarwadza achibva aenda paMabvuku Clinic asi akadzoswa zvichinzi hapana varapi. Saka vaifanira kutoenda kuEdith Clinic, kuMbare uye iye anoti vamwe vake (vakazvitak­ura) akanzwa vachiti vakadzorwa­wo ikoko.

“Saka takati regai tigare pamba tigoenda naye kunze kwayedza asi nhumbu yake payairwadz­a husiku, taingonzwa achingogom­era uye ndipo paakangobu­da panze,” vanodaro.

Vanoti pakutanga vakafunga kuti abuda kuti afurwe nemhepo.

“Takangoti ari kuda kufurwa nemhepo. Asi patakaona kuti nguva yareba munhu ari panze, ndakabva ndamutsa murume wake ainge arere pasofa tikatanga kumutsvaga,” vanodaro.

Mai Pfende vanoendere­ra mberi: “Takamushay­a zvikatityi­sa. Ndakaedza kutevedza tsoka dzake ndichivhur­a migodhi asi hapana chandakaon­a. Ndakafoner­a mwana wangu mupurisa ndichimuud­za akanditi ndimhan’are kumapurisa.”

Vanoti kunze kwakayedza vachitsvag­a muroora wavo ndokuenda zvakare nekukirini­ki kwaainge ambodzorwa asi vakamushay­a.

“Ndava kudzoka kumba, ndipo pandafoner­wa zvichinzi muroora awanikwa ari mumugodhi. Ndakarohwa nehana ndichibva ndafenda nekuti ndakafunga kuti afa nekuti mugodhi iwoyo ndiwo waitibatsi­ra nemvura,” vanodaro Mai Pfende.

Vanoti pavakasvik­a kumba kwavo, havana kuda kuenda kune mugodhi wainzi wawanikwa muroora wavo ari sezvo paive pakazara vanhu.

Mai Pfende vanoti mumwe murume ane mhotsi mumusoro ndiye akasvikopi­nda mumugodhi achibva abuda achiti ainge atya kuvabudisa sezvo rukuvhute rwemwana rwainge rwakabatan­a naamai.

“Pakanoteng­wa reza patakishop­u ndokumupa vakamuzivi­sa kuti anocheka sei rukuvhute. Kasvava kakazoiswa muchitini maive negumbeze kachibva kaburitswa. Amai vemwana vakabva vasaramo, ndokuzodho­nzwawo nevarume vanomwe,” vanodaro.

Mai Pfende vanoti, “Takazovaen­desa kuMabvuku Clinic asi vakapfuudz­wa kuEdith Clinic nekuParire­nyatwa Hospital uko muroora akanzi Bp

yake

yainge yakakiwra. Kunze kwaizvozvo, iye nemwana vakaonekwa vakanaka havo zvisinei nekuti anoti ari kurwadziwa nemusoro nemusana zvaakarove­ra paakawira mumugodhi.”

Mai Jogo — avo vanova muridzi wemugodhi wakasunung­ukira Machona

— vanoti vakangonzw­a izwi raivasheve­dza nechekure vari kutsi kwehope apo vakazomuka ndokuona manenji aya.

“Ndakangonz­wa izwi nechekure-kure kuti Mai Jogo, Mai Jogo-o! Ndakamutsa mwana wangu asi akati siyanai nazvo ko kana vari varoyi? Ndiyani angadeedza munhu husiku hwakadai?

“Patakazomu­ka mwana wangu ava kugadzirir­a kuenda kubasa, ndipo patakaona zambiya pamugodhi. Mwana wangu akadongore­ra ndokuona ari mai Tanika mudzimai waSimba akatobata kamwana zvikatityi­sa. Takadongor­era tikatoona akamusimud­za mudenga kuti asanwe mvura,” vanodaro.

Vanoti vakabva vazivisa vamwene vaMachona nevamwe vanhu.

Mugodhi uyu ndiwo waibatsira vanhu venharaund­a nemvura sezvo nzvimbo iyi isati yava nemvura yemupombi.

Zvisinei, Mai Jogo vanoti mugodhi uyu vakatouvha­ra uye murume waMachona ava kuvacherer­a mumwe semunhu agara anoita basa iri.

Nyanzvi dzinoona nezveutano dzinoti zvakaitwa naMachona zvinhu zvinoitika ◆

◆ kana munhu achinge arwadziwa zvakanyany­a, zvikuru nepamuviri sezvo anogona kumborasik­a njere.

Mai Edinah Masiyiwa, avo vanova executive director we Women’s Action Group, vanoti matambudzi­ko erudzi urwu anonyanya kuwanikwa kana madzimai akasunungu­kira panzvimbo isina kukodzera.

“Munhu anorwadziw­a nemimba anoita zvose-zvose nekuti marwadzo iwayo akakomba kwazvo. Ndiko kusaka zvichinzi munhu anofanira kusununguk­ira kuchipatar­a achitobats­irwa. Mikana yekurasiki­rwa neupenyu hwemwana kana naamai yakawanda kuvanhu vanosunung­ukira kudzimba.

“Nekuda kwekudhura kwezvipata­ra, kuramwa mabasa kwevarapi uye zvitendero, madzimai awanda ari kusununguk­ira kunananyam­ukuta vemikoto izvo zvinoisa upenyu hwavo panjodzi,” vanodaro.

Munyaya inoda kudyidzana neiyi, kunyika ye Mozambique gore rapera kune mudzimai akabarira mwana wake akakwira mumuti wemumango umo ainge akwira nemhuri yake zvichiteve­ra mvura yainaya iine dutumupeng­o yeCyclone Idai ikakonzera mafashamu.

Mudzimai uyu anonzi aive nemwanakom­ana wake vari mumuti umu apo akatanga kurwadziwa nemimba kusvikira azvisunung­utsa ari oga apo ainge akabatirir­a pamapazi emuti. Akazonunur­wa mumuti uyu nevavakidz­ani kwapera mazuva maviri.Chiitiko ichi chinotever­a zvakare chimwe cherudzi urwu chakaitika kunyika iyi makore 20 adarika apo mudzimai weko akasunungu­kira mumuti maaive ahwanda mafashamu emvura akazonunur­wa nechikopo-kopo.

 ??  ??
 ??  ?? MUGODHI wakabarira Princess Machona
MUGODHI wakabarira Princess Machona
 ??  ?? PRINCESS Machona akabata mwana wake
PRINCESS Machona akabata mwana wake
 ??  ?? MAI Jogo (kuruboshwe) naMai Pfende vachitarid­za mugodhi mutsva uri kucherwa nemurume waPrincess Machona
MAI Jogo (kuruboshwe) naMai Pfende vachitarid­za mugodhi mutsva uri kucherwa nemurume waPrincess Machona
 ??  ?? MAI Fortunate Pfende
MAI Fortunate Pfende

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe