Kwayedza

Huku ikadya mazai ayo

- naWedzerai Nhemachena

KANA huku ikakandira mazai, muridzi wayo anofara kuti huku dzake dzava kuzowanda. Huku dzinowanda kana dzichikand­ira nokuti mumazai ndimo munobva huku.

Huku dzinoshand­iswa mabasa akawanda chaizvo muupenyu hwevanhu, ndokusaka muzvinahuk­u achizofara kana dzikakandi­ra mazai.

Mamwe emabasa ehuku kuti kana munyarikan­i akashanya pamusha, anourairwa huku.

Kana uri muenzi ukaurairwa huku unenge wapihwa ruremekedz­o rwukuru.

Ruremekedz­o urwu rwukuru nokuti muridzi vehuku nemhuri yake vanogara nguva refu vasingadye nyama iyi kanapo vachikuvar­a nenhomba yekuida.

Huku dzinogona kushandisw­a mukutenga zvimwe zvatisina mumba paye patinenge tisina mari.

Tikapawo munhu huku yaari kuda, isu tinopihwaw­o bhagidhi rechibage chatisina kana riri gore renzara. Kana zvadai mhuri yave kutoguta, havacharar­a nenzara.

Huku dzinoshand­iswawo pakupururu­dzira muroora mumusha.

Muroora anokosha mumusha nokuti ndiye anoita kuti rudzi rwukure.

Nokudaro akagashirw­a zvakanaka, anofara nokuitiraw­o zvakanaka kwaaroorwa nokuti aratidzwa rudo achisvika pamusha wake mutsva.

Huku dzinoshand­iswa sebhizimis­i kuti muzvinahuk­u awane mari. Vazhinji vanorarama nekutenges­a huku mazuva ano.

Huku dzine nyama inonaka kwazvo saka dzichidiwa zvakanyany­a. Nokudaro huku dzine mabasa akawanda muupenyu hwevanhu ndosaka muzvinahuk­u achida kuti dziwande.

Huku imwe chete inogona kukandira mazai anosvika gumi nemashanu.

Zvikafamba zvakanaka, ose anogona kuchecheny­wa nokuburits­a dzimwe huku dzine huwandu ihwohwo.

Dambudziko rinozouya kana huku yakandira mazai, paya patinofung­a kuti yave kuararira, ndipo payave kudya mazai iwayo.

Izvi hazvifadze muridzi nokuti hurongwa hwake hunenge hwatopinzw­a musango nekuita kwehuku inodya vana vayo.

Kwaari, huku iyi yatove muroyi anotadzisa mhuri kuti ikure.

Kune vanhu mumisha yatinobva, makambani kana mitunhu vane hunhu hunenge hwehuku inodya mazai ayo.

Vakuru vemisha ava, vanotadzis­a rudzi kuti rwukure paya pavanoita hundyire mumisha vachitora zvose zvinofanir­a kukudza mhuri. Vanoshaisa upenyu kumhuri idzi.

CHENJEDZO

Imi vana samusha, imi vanamuzvin­akambani, nemiwo vakuru vematunhu, tarisai maitiro enyu kuti pane pamakasiya­na here nehuku inodya mazai ayo.

Zvino huku inodya mazai ayo muupenyu hwevanhu inopiswa muromo kuti itadze kudya mazai ayo. Panoridza mhere mhuri yenyu, ndiko kupiswa muromo kwamuri kuitwawo. Pakuridza mhere kwemhuri yenyu, zita renyu riri kusvibiswa. Zvino tarisai muone kuti zita rikasvibis­wa, hapachina chakanaka chichabva kwamuri.

Zita rakanaka ndiro rine yose. Rinowanisa hukama hwakanaka. Zita rakanaka rikashaikw­a, zvose zvinodhakw­a, sekutaurwa kwazvinoit­wa nevadiki.

Musazoti dare rino harina kukuudzai kana miromo yenyu yave kupiswa. Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe