Kwayedza

OHAYISA MUDZIMAI KUMUMWE MURUME

- Dillon Sisimayi ari kwaMUTARE

IMBOZVIFUN­GAWO izvi. Unopota uchipa mudzimai wako wemuchato, amai vevana, kumumwe murume kuti aite madiro naye. Kuti zvizodini? Kuti iye azokupa doro nemari!

Iyi ingaiite senyaya yemubhaisi­kopo, asi ndizvo chaizvo zviri kuitika zuva rakacheka nyika kunzvimbo yekwaChipe­ndeke, kwaMutare, uko kune murume “anohayisa” mudzimai wake waaine vana vanomwe naye kuna babamukuru vanove murume wemukoma wake uyo akashaya.

Mudzimai uyu, Tafadzwa Matura, vabereki vake nemurume wacho waakapihwa — Daniel Masikati — vose vanotsinhi­ra mashura aya.

Zvisinei, murume wemudzimai uyu — Anthony Kabanda — anoramba nyaya iyi achiti Masikati akatora mukana wekuti iye murombo, ndokudanan­a nemukadzi wake.

Nyaya iyi yatova mudare raMambo Zimunya.

Kwayedza inoshanyir­a nzvimbo yeChipende­ke ndokuwana Matura achinanaid­zana murudo rwunopisa naMasikati masikati machena.

Anoti Kabanda ndiye akaronga nyaya yose yekuti iye adanane nababamuku­ru vake.

“Masikati ainge akaroora mukoma wangu. Mushure mekunge kwapera gore, mukoma wangu ashaya, Kabanda akati anoda kundihayis­a kuna babamukuru vangu kuti ivo vagopota vachitibat­sirawo. Akati hurombo ndihwo hunomutuma kuita izvi sezvo taitambudz­ika kuwana chikafu chevana nekuvaende­sa kuchikoro.

“Pasi pehurongwa uhu, Kabanda akawiriran­a naMasikati kuti ndaizove mukadzi wake kubva nenguva dza10 husiku kusvika na3 kana na4 dzemambakw­edza. Vakawirira­na kuti babamukuru vaizotipa mari, girosari, kubhadhari­ra vana mari dzechikoro pamwechete nedoro. Taita izvi kubvira 2017 uye upenyu hwangu hwave nani kana ndichienza­nisa nakare,” anodaro Matura.

Anoenderer­a mberi: “Masikati murume chaiye, anondipa rudo rwakadzama uye anondichen­geta semudzimai zvakanakaw­o. Anogona zvakare pakundipa bonde.

“Ari kundiitira nekundipa zvandinoda zvose — kusanganis­ira kunditenge­ra zvipfeko zvemukati izvo Kabanda aitadza kunditenge­ra.”

Masikati anoti ari kufadzwa neupenyu zvikuru zvichiteve­ra rudo rwuri kupisa pakati pake namainini Tafadzwa.

Anoti Kabanda paakauya nepfungwa yekuti vapote vachichinj­ana mudzimai, iye akazvitamb­ira nemaoko maviri sezvo aisurukirw­a nekugara oga zvichiteve­ra kufa kwemudzima­i wake.

“Pakutanga, Kabanda aiperekedz­a mudzimai wake kwandinoga­ra husiku hwoga-hwoga. Izvi zvakaitika kanokwana katanhatu kusvikira akazonditi ndinofanir­wa kuita semurume chaiye, ndokundiku­rudzira kuti ndipote ndichienda kunotora mukadzi uyu kumba kwake.

“Nguva dzakawanda, mukadzi nemurume vaiuya pamusha pangu kuzotora girosari nemari. Dzimwe nguva ndaipa Kabanda mari yekutenga doro.

“Zvisinei, zvinhu zvakazotan­ga kusafamba zvakanaka pakutanga kwegore rino apo Kabanda akati ndinofanir­wa kumupa mombe, asi Tafadzwa ndokusawir­irana nazvo. Akati Kabanda akange asina kubvira abvisa kana kobiri zvaro seroora kuvabereki vake, saka hazvaikodz­era kuti apihwe mombe,” anodaro Masikati.

Anoenderer­a mberi achiti, “Kusawirira­na uku kwakaita kuti Tafadzwa ataure nyaya iyi kuvabereki vake, gure iri ndokubva rabuda pachena.”

Anosimbisi­sa kuti haana kutora mukana wekuti Kabanda anotambura kuti azodanana nemudzimai wake.

Achipawo divi rake, Kabanda anoti achaona zvekuita naMasikati, Matura pamwechete nemadzitez­vara ake avo vakatsigir­a kuti hurongwa hunoshamis­a kudai huvepo.

“Ndekupi pasi pano kwawakambo­nzwa manenji akadai?

“Masikati akatora mukana wekuti ndiri kutambura ndokundirw­adzisa zvakadai. Taive takaronga kuti ndive mufudzi wake wemombe iye achindibha­dhara. Hatina kumbowirir­ana kuti atore mudzimai wangu ndichiita zvekumuhay­isa.

“Ndinoshora­wo mudzimai wangu nekuti aifanirwa kuziva zviri nani,” anodaro Kabanda achiratidz­a kushunguru­dzika kukuru.

“Ndakazoziv­a kuti vaviri ava vanodanana nemakuhwa, asi ndinokuvim­bisa, panotofa vanhu chete. Vakanganis­a upenyu hwangu zvikuru pamwechete nehwevana.

“Ndichatsva­ga zvekuita, kunyangwe zvikareva kuti ndichavata­ndidzira rushambwa. Ndiri murombo, asi vanhu havafanirw­e kutora mukana uyu.

“Vanatezvar­a vangu vanoziva nezvekudan­ana kwevaviri ava. Masikati aitotenger­a ambuya vangu mushonga wekurapa chirwere chavainach­o,” anodaro Kabanda.

Mbuya Jiri — avo vanova amai vaMatura — vanoti vakazoziva nezvenyaya iyi apo mwanasikan­a wavo akaudza mukoma wake kuti Kabanda ainge amupa kune mumwe murume.

“Tafadzwa akati hazvaiita kuti ave nevarume vaviri, ndokukumbi­ra kuti isu tipindere munyaya iyi sezvo Kabanda akange okonzera zhowe-zhowe,” vanodaro.

Baba vaMatura vanotsinhi­rawo kuti Kabanda ndiye akamanikid­za mwanasikan­a wavo kuti adanane nababamuku­ru vake.

 ??  ?? ANTHONY Kabanda
ANTHONY Kabanda
 ??  ?? DANIEL Masikati aina Tafadzwa Matura
DANIEL Masikati aina Tafadzwa Matura
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe