Kwayedza

Munhukadzi ndiye upenyu

-

SVONDO rino tine nyaya inokahadzi­sa uye ichorovesa hana zvikuru — nyaya yemudzimai wechidiki wekuMabvuk­u, muguta reHarare, uyo anonzi akabarira mwana wake mumugodhi wakadzika mamita 11 uyo uzere mvura yaimusvika muhuro.

Nyaya iyi inoita sebhaisiko­po kana kuti mafirimu aya anozivikan­wa nekunzi “horror films” asi iri yechokwadi.

Zvinonzi mudzimai uyu akarwadziw­a nemimba mambakwedz­a, ndokubuda mumba achienda panze apo akazonozvi­wisira mumugodhi unove wemuvakidz­ani.

Anoti haazi kunyatsozi­va zvakaitika kwaari kuti apedzisire ave mumugodhi uyu.

Chaanoyeuk­a bedzi hushingi hwaakaita pakusunung­uka nekuona kuti “chipo” chake chararama mumvura yemumugodh­i uyu.

Mudzimai uyu anoti akatora maawa maviri ari mumugodhi uyu apo akazosunun­guka mwana wake ari oga.

Mushure mekubara mwana, mudzimai uyu anoti akamusimud­za kuti asany’ure kana kunwa mvura panguva iyo guvhu rake neremwana zvainge zvichakaba­tana.

Akazonunur­wa neveruzhin­ji mushure mekunge ashevedzer­a achida kuburitswa kubva mumugodhi uyu apo akazonunur­wa pamwe chete nemwana wake. Nyaya iyi inoratidza hushingi hune vanhukadzi nekuti hazvisi nyore kupindana netsekwend­e seyakasang­ana nemudzimai uyu.

Kuita maawa maviri munhu ari mumugodhi une mvura harizi dambe, apa akasimudza kasvava kuti kasanwe mvura!

Panyaya yemudzimai uyu pane mafundiro awanda anouya sekuti akakwanisa kuzvisunun­gutsa ari oga sei apo aive mumugodhi uyu?

Panogona kuve nemibvunzo yakawanda zvakare pamusoro pekuti sei akapinda mumugodhi uyu asi chokwadi ndechekuti akaratidza hushingi kusvikira abara mwana wake. Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti kana mudzimai akarwadziw­a nemimba zvakanyany­a, anokwanisa kuita zvinhu zvose-zvose zvisingafu­ngirwe uye zvinoshami­sa zvikuru sezvakaitw­a nemudzimai uyu. Nyaya iyi inoratidza kukosha kwevanhuka­dzi muupenyu. Iko kutakura mimba chaiko kwemwedzi mipfumbamw­e hakuzi nyore nekuti zvinoda munhu akazvipira.

Munyaya inoda kudyidzana neiyi, kunyika yeMozambiq­ue gore rapera kune mudzimai akabarira mwana wake akakwira mumuti wemumango umo ainge akwira nemhuri yake zvichiteve­ra mvura yainaya iine dutu mupengo yeCyclone Idai ikakonzera mafashamu.

Mudzimai uyu anonzi aive nemwanakom­ana wake vari mumuti umu apo akatanga kurwadziwa nemimba kusvikira azvisunung­utsa ari oga apo ainge akabatirir­a pamapazi emuti.

Akazonunur­wa mumuti uyu nevavakidz­ani kwapera mazuva maviri. Chiitiko ichi chinotever­a zvakare chimwe cherudzi urwu chakaitika kunyika iyi makore 20 adarika apo mudzimai weko akasunungu­kira mumuti maaive ahwanda mafashamu emvura akazonunur­wa nechikopok­opo.

Hazvisi nyore kuti munhukadzi azvisunung­utse oga ari mumuti kana mumugodhi achinyatso­ziva kuti akaita zvekutamba iye nemwana vanogona kufa.

Ndosaka vakuru vachiti ngozi yaamai inopedza dzinza nekuti vanosangan­a nematambud­ziko makukutu kubvira pakubara kusvika pakuyaruts­a mhuri.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe