Kwayedza

Rubatsiro rweCovid rwava kuongororw­a

- Munyori weKwayedza

MARI yose nezvimwe zvinhu zvinosanga­nisira midziyo zvakapihwa kumapazi eHurumende nevabatsir­i nechinangw­a chekuti zvishandis­we mukurwisa chirwere cheCovid-19 zvinofanir­wa kuongororw­a zvizere mashandisi­rwo azvakaitwa.

Izvi zvakazivis­wa naAuditor-General Mai Mildred Chiri nemusi weChipiri vachiti chikamu chavo chiri kuita ongororo yemashandi­sirwo akaitwa mari nezvinhu zvakabva kuvatsigir­i vakasiyana.

Ongororo iyi ichaburits­a pachena mashandisi­rwo akaitwa mari nezvinhu zvakabva kumakamban­i, vanhu vakazvimir­a, nyika dzinoshamw­aridzana neZimbabwe nemamwe mapoka nechinangw­a chekurwisa Covid-19.

Mai Chiri vanoti pari zvino vakamirira kunzwa kubva kumapazi eHurumende anosangani­sira rekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwanisw­a kwedzimba nerevashan­di veHurumend­e nekubatsir­wa kwevanosha­ya pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana pamusoro penyaya iyi.

“Takamirira kunzwa kubva kumapazi aya panyaya iyi. Kana tichinge tawana zvatiri kuda, tichaita ongororo apo tinenge tichitaris­a mafambisir­wo akaitwa basa pamwe chete nezvinozof­anirwa kuitwa,” vanodaro Mai Chiri.

“Chinangwa chedu hachisi chekuda kupanana mhosva, asi kubatsira Hurumende kuitira kuti isangorasi­kirwa. Tichavanyo­rera tichivaudz­a zvatinenge tawana uye nepatinofu­nga kuti panoda kugadziris­wa.

“Tichange tichitaris­a zvinhu zvinosanga­nisira mafambisir­o akaitwa basa iri kuti rakafamba zvakanaka here kana kuti kwete, tichitaris­a magwaro emashandis­irwo akaitwa zvinhu zvekurwisa Covid19 pamwe nekugoverw­a kwazvo.

“Chinangwa ndechekuti pave nekushandi­swa kwakanaka kwezvinhu izvi tichitaris­a kuti chirwere ichi chichiripo nekudaro rubatsiro rwose rwakakosha zvisinei nekuti rwakakura here kana kuti kwete,” vanodaro.

Mai Chiri vanoti kuitwa kweongoror­o iyi kwakanonok­a nekuda kwechirong­wa chekumisa kupararira kweCovid-19 izvo zvakaona veruzhinji vachikurud­zirwa kumbogara kudzimba.

“Pane gwaro rakabva kuHurumend­e rinoti mapazi anokwanisa kuwedzera vashandi vavo kubva pachikamu che15 percent kuenda pa40 percent. Izvi ndizvo zvatiri kuita pari zvino uye tinotarisi­ra kuti zvinhu zvichaenda mugwara nekufamba kwenguva. Izvi zvichabats­ira zvakare kwete panyaya yekuita ongororo yezvakapih­wa mukurwisa Covid-19 chete, asi imwewo ongororo,” van- odaro Mai Chiri.

Zimbabwe yakaiswa pachikero chenhamba 102 pasi rose nesangano reWorld Health Organisati­on nekuda kwekuzvipi­ra kwayo mukurwisa Covid19.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe