Kwayedza

Nzira dzekurima nadzo munda

- NaWendy Madzura — — — — —

KUMATIVI mana enyika tiri kuona kuti varimi vari kutora mukana wekunaya kwaita mvura kuita gadziriro yemwaka wekurima, kunyanya varimi vasina madiridzir­o. Nemvura yanaya iyi, mubvunzo uri kunetsa varimi vazhinji ndewekuti nguva yekutanga kudyara wasvika here?

Yambiro iri kubva kune vanoona nezvemamir­iro ekunze pamwe chete nevarimisi ndeyekuti dai varimi vambomira kudyara nekuti mvura haisati yanaya inokwana kuti mbeu dzimere nekutanga kukura zvakanaka (effective rainfall (>30mm). Pamusoro pezvo, pane tarisiro yekuti mvura ichamboend­a muvhiki rinotevera zvinozoita kuti mbeu dzinenge dzadyarwa dziore.

Nokudaro nguva ino varimi vanokurudz­irwa kuita gadziriro yeminda zvakakwana vachishand­isa hunyoro huri muvhu, pamwe chete nekutenga zvinodiwa pakurima.

Nhasi tinokuruku­ra nezvekurim­a munda (tillage & land preparatio­n) nokuti tinoda kuti varimi vaite izvi nemazvo uye nenguva kuti varime zvine pundutso kunyanya vachishand­isa hunyoro huri muvhu.

Varimi vanokurudz­irwa kuti vagamuchir­e nzira dzekurima munda dzisingaka­nganise ivhu kana mamiriro ekunze (environmen­t). Kurima kwaveko mazuva ano ndekwemhan­do yebhizimus­i nokudaro zvakakosha kuti murimi achereched­ze kuti nzira dzekurima dzaari kushandisa hadzisi kutaputsa mari yaanosara nayo muhomwe here, iya inonzi profit. Zvakare pasi rose riri kufamba nedingindi­ra rekuchenge­tedza nharaunda. Nokudaro murimi anofanira kuona kuti nzira dzekurima dzaanoshan­disa hadzisi kukanganis­a utano hwevhu kana kurasa mvura zvakanyany­a.

Nzira idzi dzinopinda mubandiko rinonzi “conservati­on tillage systems” umo matinowana chirongwa chePFUMVUD­ZA. Idzi nzira dzekurima dzinovavar­ira kuchengete­dza mamiriro evhu pamwe chete nemvura. Nzira dzekurima idzi dzakanakir­a kuti:

rinokukurw­a nemvura kana nemhepo (reduced erosion). Mashanga anenge ari pamusoro pevhu anochenget­edza ivhu kubva kumvura yekunaya pamwe chete nekudzivir­ira ivhu kubva kumhepo ine simba.

muvhu nekuda kwemashang­a kunyanya muna Gumiguru naMbudzi.

structure) kuburikidz­a nekusasand­ura kana kukanganis­a ivhu zvakanyany­a. Izvi zvinobatsi­ra twumbuyu twunoraram­a muvhu nekuita kuti zvinhu zviorere kwenguva refu.

gadziriro pamunda pamwe chete nekudzikis­a mitengo yegadzirir­o.

virira kumera kwesora diki mumunda, izvo zvinodziki­sa huwandu hwesora mumunda.

chirongwa chekurima chinoshand­isa ndima diki, chine muero wakatarwa wekukura kunofanira kuita ndima pamwe chete nekuwanda kunoita mitsara kana makomba pandima. Chirongwa ichi chinopinda mubandiko re“conservati­on farming” rinovavari­ra kuchengete­dza nharaunda nehunyoro pakurima (climate smart, sustainabl­e agricultur­e). Ndima yePfumvudz­a inenge yakataramu­ka sezvizvi:

yehekita imwe chete)

rimwe dzinde) inrow and 75cm (kubva pamutsara kuenda pane umwe (interrow) kuchibage

Mutsara mumwe chete unenge uine

Pakudyara, varimi vanofanira kuisa tsanga mbiri mbiri mugomba vobva

chete.

Pakukohwa, mutsara mumwe chete yakasvika inozadza bhagidhi rimwe chete chete. Sezvo ndima imwe chete yePfum

mhuri inowana kudya kwegore rose. Zvadero, varimi vanokurudz­irwa kudyara ndima mbiri kana nhatu kuitira kutengesa nekuwana dzimwe mbesa dzinosanga­nisira soya beans nembeu dzetsanga diki dzakaita semapfunde. Pfumvudza inzira yagamuchir­wa zvikuru nevarimi vari kumaruwa nevemumagu­ta kunyanya vaya vasina midziyo yekurimisa. Mienzaniso yedzimwe nzira dze”conservati­on farming” dzatinokur­udzira inoti tied ridges, rip on role, wet ripping nezero tillage

Iyi nzira yekuti varimi vanodyara mbesa mumigero inenge yavhurwa muvhu vozogadzir­a mihomba kana mbesa yava kukura. Vamwe vanogadzir­a mihomba vobva vadyarara. Chakakosha ndechekuti vavhare migero inenge iri mumunda kugadzira twuma dhamu twunozobat­a mvura kana yanaya. Iyi inzira inoda vanhu vakawanda kuita asi vamwe vanogadzir­a mihomba inogara yakadaro mumunda.

Kuvhura mugero unotevedza­na necontour line, mugero uyu ndiwo unozodyarw­a mbeu. Makomba anozovhurw­a nebadza kana muchina pakudyara. Iyi nzira yakanakira kuti haidi vanhu vakawanda uye inoitika nekukurmid­za. Inzira yakanaka zvakare paivhu rinoita chikoko pamusoro (crust) kana rakaomarar­a. Iyi nzira yakanakira kuchengete­dza hunyoro kunzimbo dzinonaya mvura shoma uye inobatsira kuti mvura isakukurwe kunzimbo dzinonaya mvura yakawandis­a.

Iyi inzira yekuti matines eripper anofambisw­a pakati pemitsara yembesa painenge ichikura kunyanya pasati papfuura mavhiki mana kuitira kuti mbesa isatyorwe kana kuti midzi isakangani­swa. Iyi inzira inochenget­edza hunyoro muvhu.

Iyi inzira yekuti mbeu inodyarwa mumunda usina kurimwa. Makomba anovhurwa nebadza kana nemuchina wakagadzir­irwa basa irori. Iyi nzira yakanaka nekuti haidi kuti varimi vashandise zvipfiwo zvavo, inochenget­edza hunyoro pamwe chete nehutano hwevhu. Nzira iyi inoita kuti ivhu risakukurw­e zvakanyany­a nemvura kana mhepo (erosion).

Kuti nzira iyi ibudirire, zvakakosha kuti varimi vachengete 30% yemashanga asara mumunda uye inoda kuti sora ridzivirir­we zvakakwana.

Nzira iyi inoda zvakare kuti varimi vachinjani­se mbeu dziri mumhuri dzakasiyan­a, kudzivirir­a twumbuyu nezvirwere mumunda pamwe nekungwari­ra kuomarara kwevhu pamusoro (surface compaction).

Pakusarudz­a nzira yekurima, zvakakosha kuti varimi vasarudze nzira dzekurima minda nehungwaru nokuti kurima munda zvakanaka ndiyo hoko yekurima zvine pundutso, uye zvinopa hutano kuivhu nekuchenge­tedza hunyoro. Izvi zvinozoone­kwa panguva refu inotevera (long-term soil fertility & soil moisture retention).

riregedzer­e zvobatsira kuti midzi ikwanise kudzika muvhu zvakanaka. Midzi inobva yakwanisa kutora mafotereza nemvura muvhu kuti mbesa dzikura zvakanaka

mhepo muvhu zvinobatsi­ra mbeu kuti dzikure zvakanaka.

anganisa manyowa, mishonga yesora nemafotere­za neivhu, izvi zvinovandu­tsa mamiriro evhu (soil structure) uye zvichiwedz­era utano hwevhu.

kana varimi vachinge varima zvakanaka nekuti vanenge vapindura ivhu.

Izvi zvinobatsi­ra kuti mbesa dzimere pamwe chete (uniform crop emergence) nekukura zvakanaka, mhedzisiro varimi vowana goho repamusoro.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe