Bvisai zvirango: Ziliwaco
SANGANO rinomirira vaiva anamujibha nanachimbwido munguva yehondo yerusununguko, reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO) rinoti zvirango zveupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzemadokero zviri kukonzera kutambura kukuru kuzvizvarwa zvenyika ino.
Cde Shain Chakanyuka (60), avo vanova munyori mukuru wesangano iri, vanoti zvirango zveupfumi zvadzosera budiriro yenyika kumashure.
“Zvirango zveupfumi izvi zvasvitsa makore makumi maviri zvakatisunga senyika. Zvakonzera kutambura kwemhuri zhinji munyika muno apo Hurumende ichiedza nepainogonera kuti vanhu vararame zvakanaka. Tinoda kubatana neruzhinji rwenyika kuti zvirango izvi zvibviswe,” vanodaro Cde Chakanyuka.
Zvirango izvi, vanodaro, zvakonzera kuti nyika isawane mari yekunze pamwe chete nevemabhizimusi vanobva kune dzimwe nyika vachizotanga mabhizimisi avo muZimbabwe.
“Kutaura chokwadi, zvinhu zvakawanda hazvisi kufamba munyika nekuda kwezvirango izvi zvinova zvakonzera kuti vamwe vanhu vane muwono wakadzimaidzwa vafunge kuti Hurumende yedu iri kutadza basa. Matambudziko ose atiinawo ari kukonzerwa nezvirango zveupfumi izvi nekudaro zvinofanirwa kubviswa nekukasika,” vanodaro Cde Chakanyuka.
Vanoenderera mberi:
“Vana vedu muno vari kupinda zvikoro zvepamusoro vachiwana madhigirii nemadiploma asi havazi kuwana mabasa sezvo vakangogara kudzimba nekuti makambani haasi kushanda zvakanaka kuburikidza nezvirango zvehupfumi izvozvi.”
Vanoti Hurumende yakaita chirongwa chekugarisa vanhu patsva kuburikidza nekuvagovera ivhu, asi budiriro munyaya dzekurima iri kukanganiswa zvakare nezvirango izvi.
“Minda takapihwa neHurumende asi dambudziko riripo hatiwane zvinhu zvakakwana zvekushandisa nekuda kwezvirango izvi. Varimi vanoda simbi dzekugadzirisa matirakita nemimwe midziyo asi havakwanise kuzviwana,” vanodaro Cde Chakanyuka. Vanoti nyaya inonetsa ndeyekuti kune mamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa ayo ari kutsigira zvirango zveupfumi izvi.
“Mukati medu mune vamwe vanotsigira zvirango zveupfumi izvi, imo muno muZimbabwe. Tinozvishaya kuti vanhu ivava vanorarama vari kupi sezvo vachiita sevanogara kune dzimwe nyika. Ngatitaurei nezwi rimwe chete pakuti zvirango izvi zvibviswe.”
Gore rapera, sangano remubatanidzwa reSadc rakatara musi wa25 Gumiguru sezuva rekuti nyika dzose dziri mudunhu iri dzibatane neZimbabwe mukutaura neizwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvi zvibviswe nekukasika.