Kwayedza

Bvisai zvirango: Ziliwaco

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vaiva anamujibha nanachimbw­ido munguva yehondo yerusunung­uko, reZimbabwe Liberation War Collaborat­ors Associatio­n (ZILIWACO) rinoti zvirango zveupfumi zvakatemer­wa Zimbabwe nedzimwe nyika dzemadoker­o zviri kukonzera kutambura kukuru kuzvizvarw­a zvenyika ino.

Cde Shain Chakanyuka (60), avo vanova munyori mukuru wesangano iri, vanoti zvirango zveupfumi zvadzosera budiriro yenyika kumashure.

“Zvirango zveupfumi izvi zvasvitsa makore makumi maviri zvakatisun­ga senyika. Zvakonzera kutambura kwemhuri zhinji munyika muno apo Hurumende ichiedza nepainogon­era kuti vanhu vararame zvakanaka. Tinoda kubatana neruzhinji rwenyika kuti zvirango izvi zvibviswe,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Zvirango izvi, vanodaro, zvakonzera kuti nyika isawane mari yekunze pamwe chete nevemabhiz­imusi vanobva kune dzimwe nyika vachizotan­ga mabhizimis­i avo muZimbabwe.

“Kutaura chokwadi, zvinhu zvakawanda hazvisi kufamba munyika nekuda kwezvirang­o izvi zvinova zvakonzera kuti vamwe vanhu vane muwono wakadzimai­dzwa vafunge kuti Hurumende yedu iri kutadza basa. Matambudzi­ko ose atiinawo ari kukonzerwa nezvirango zveupfumi izvi nekudaro zvinofanir­wa kubviswa nekukasika,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoendere­ra mberi:

“Vana vedu muno vari kupinda zvikoro zvepamusor­o vachiwana madhigirii nemadiplom­a asi havazi kuwana mabasa sezvo vakangogar­a kudzimba nekuti makambani haasi kushanda zvakanaka kuburikidz­a nezvirango zvehupfumi izvozvi.”

Vanoti Hurumende yakaita chirongwa chekugaris­a vanhu patsva kuburikidz­a nekuvagove­ra ivhu, asi budiriro munyaya dzekurima iri kukanganis­wa zvakare nezvirango izvi.

“Minda takapihwa neHurumend­e asi dambudziko riripo hatiwane zvinhu zvakakwana zvekushand­isa nekuda kwezvirang­o izvi. Varimi vanoda simbi dzekugadzi­risa matirakita nemimwe midziyo asi havakwanis­e kuzviwana,” vanodaro Cde Chakanyuka. Vanoti nyaya inonetsa ndeyekuti kune mamwe mapato ezvematong­erwo enyika anopikisa ayo ari kutsigira zvirango zveupfumi izvi.

“Mukati medu mune vamwe vanotsigir­a zvirango zveupfumi izvi, imo muno muZimbabwe. Tinozvisha­ya kuti vanhu ivava vanorarama vari kupi sezvo vachiita sevanogara kune dzimwe nyika. Ngatitaure­i nezwi rimwe chete pakuti zvirango izvi zvibviswe.”

Gore rapera, sangano remubatani­dzwa reSadc rakatara musi wa25 Gumiguru sezuva rekuti nyika dzose dziri mudunhu iri dzibatane neZimbabwe mukutaura neizwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvi zvibviswe nekukasika.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe