Kwayedza

Mumwezve mwana oshaikwa

- Kingstone Mapupu Mifananidz­o naKudakwas­he Hunda

KUNE mumwezve mwana anonzi akashayika zvakare kudunhu raMangwend­e, kwaMurehwa.

Izvi zvinotever­a kupondwa kwemumwezv­e mwana mwedzi wapera, Tapiwa Makore (7), uyo ane mutumbi wakazonhon­gwa asi wakabviswa musoro, maoko nemakumbo.

Musoro wemwana uyu zvose nemaoko hazvisati zvawanikwa uye mapurisa vanoti vari kuvhima imwe n’anga nenyaya iyi.

Pane varume vaviri vakatosung­wa nenyaya yekupondwa kwaTapiwa.

Mumwezve mwana, Wengai Gukwe (12), wemubhuku raTsiga, ikoko kwaMurehwa, anonzi zvakare haasi kuonekwa mushure mekungotsa­katika pamusha paange achigara naambuya vake munaNyamav­huvhu.

Mbuya Fortune Maphosa (69) vanoti muzukuru wavo akaenda kunotsvaga mombe, ndokuuya nadzo akadzivhar­ira mudanga.

— “Muzukuru Wengai ndaigara naye pano sezvo anga asingaende kuchikoro. Baba vake havagare kuno uyewo amai vake vanogarawo kwavo.

“Nemusi wa15 Nyamavhuvh­u, mwana uyu akanotsvag­a mombe, ndokusvika nguva dzkuma6 manheru asati adzoka. Ndakazotum­a mwana wangu gotwe kunomutsva­ga apo akazomuwan­a ave kupfigira mombe akamusiya achipedzis­a kudzivhari­ra,” vanodaro Mbuya Maphosa.

Vanoti kubva ipapo, mwana uyu anonzi akabva aenda kudzimba dzevavakid­zani kunotamba uko asina kuzodzoka kusvikira vakazotang­a kumutsvaga asi vakamushay­a.

“Takamutsva­ga tikaenda kumba kwevavakid­zani uko ainzi aitamba tikamushay­a. Kune kumwe kwatakazoe­nda mangwanani ezuva rakatevera tikanzwa mashoko ekunzi akambenge aonekwa musi uyu achinzi akataurirw­a kuti aende kumba. Kubva ipapo, hatina kuzomboona mwana uyu kusvika nanhasi.

“Tava kutya nekuda kwenyaya dzekupondw­a kwevana muno maMurehwa uye nezera rake zvave kutyisa kuti kana ari mupenyu, ari kupi uye achigara nani?” vanodaro.

“Ini zvandiomer­a, handichazi­va chekuita. Ndakamhan’ara nyaya iyi kuZRP kwa

Murehwa uko ndakavapa mufananidz­o wemwana uyu saka ndangomiri­ra zvichabuda,” vanodaro Gogo Maphosa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonal­and East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro enyaya iyi.

Mbuya Maphosa vanoti pavanofamb­a, vanongonzw­a mashoko ekuti muzukuru wavo akaonekwa kunzvimbo inonzi kwaChidhak­wa iri mekare mudunhu ravo.

Pakanhongw­a mutumbi waTapiwa makore, pakawanikw­awo musoro unonzi hausi wake zvisinei nekuti hausati wazivikanw­a kuti ndewaani.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe