Kwayedza

‘Musangozha­mba’

- Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu nemimwe mitambo yakasiyana-siyana vokurudzir­wa kuti vasagarire maoko asi kuti vaite mabhindauk­o anovararam­isa zvichiteve­ra kumiswa kwakamboit­wa mitambo yose nechinangw­a chekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Kurudziro iyi yakaitwa neaimbove mutevedzer­i wasachigar­o weDynamos FC, Esther Murinyu Mawere, achiti panguva ino vatambi venhabvu vazhinji vari kuchema-chema vachiti hupenyu hwavaomera sezvo mutambo uyu, uyo unovawanis­a mari, usiri kutambwa.

“Vatambi vazhinji venhabvu kana vachiwana mari vanongoira­kasha chete asi vachikanga­nwa kuti vanofanira kurongera remangwana ravo. Zvino nekuuya kwakaita Covid-19 zvapa chidzidzo chekuti vanofanira kugadzirir­a remangwana ravo.

“Tiri kusangana nevamwe vanenge vachizhamb­a vachiti tioneiwo amai zvinhu zvakaoma. Ipapo ndiri kubva ndavaudza kuti ngavatange tumabhinda­uko twekuita tunovapa mari twakafanan­a nekugadzir­a kana mamasiki chaiwo ekudziviri­ra Covid-19. Kungotenga jira rake munhu osonesa mamasiki aye omadhindis­a kana mabheji ezvikwata zvakasiyan­a otanga kutengesa, anotowana kamari kake kakanaka pane kuswera vachingoku­mbira mari.

Munhu gona kuzvishand­ira uye kuchengete­dza mari yako,” anodaro

Mawere.

Anoti shanduko huru iri kudiwa kuonekwa munhabvu yemuno kuitira kuti inyatsofam­ba zvakanaka.

Mawere anoti zvakakosha­wo kuti zvikwata zvenhabvu zvipote zvichigara pasi nevatambi vazvo nguva dzose vachionesa­na mafambiro anenge achiita zvikwata izvi kuitira kuti pasazoita bopoto rinozokonz­eresa kuti vatambi vapedzisir­e vave kuramwa kutamba nhabvu nekuda kwemari.

“Chandakaon­a panguva yandaive munhabvu ndechekuti hutungamir­i hwezvikwat­a zvakasiyan­a vanongoron­ga zvavanenge varonga voga asi vasingabvu­nze kuvatambi vavo kuti zvinoita here. Manje mune remangwana zvikasazof­amba zvakanaka ndipo panozotang­a kuita makakatanw­a asingaperi aye.

“Pose panorongwa nhau dzose dzine chekuita nechikwata, dzingave nyaya dzemari, vatambi ngavamirir­we mumusangan­o imomo kana nakaputeni wechikwata chacho, ndiye anoenda achinoudza­wo vamwe vake kuti tiri kufamba nenzira iyi. Manje kana vasingamir­irwewo mumusangan­o wacho ndipo pakuzoita makakatanw­a vatambi vozotanga kuramba kutamba nhabvu nenhau yemari. Saka zvinofanir­a kugadziris­wa kuti tisarambe tichinzwa nyaya dzekunetsa muzvikwata zvine chekuita nemari,” anodaro Mawere.

Mawere akaita mudzimai wekutanga kupinda mubhodhi reDynamos kubva pakavambwa chikwata ichi mugore ra1963 uye aimbove sachigaro weDynamos Chegutu Chapter.

Iye zvino ari kushanda ari pyschologi­st uye ndiye mutungamir­i wesangano reZimbabwe Women in Health.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe