‘AKANDINOKORA TSOKA’
MURUME wemumusha weretreat, muguta reharare, anonzi akawanikidzwa rungwanani ngwanani achinokora tsoka yemudzimai anogara munzvimbo iyi nechinangwa chekuda kumushinhirira inova nyaya iri kunetsa sezvo mukadzi uyu achiti kuita uku kune chinangwa.
Vasilas Ngwenya (57) vanobva kuinsiza kudunhu rematabeleland South vanonzi vakaonekwa nemusi wa3 Zvita nenguva dza5 mangwanani vachinokora tsoka yamai Cathrine Mandaza (56) pamusiwo wemba yavo.
Mai Mandaza vanotsinhira nyaya iyi.
“Ndakamuka mangwanani kuma5 ndichida kuenda kumunda apo ndakaona vasilas Ngwenya vachipinda muchimbuzi chakanangana nepamba pangu ndikambofunga kuti yaiva mbavha yaida kuba. Vakazobuda muchimbuzi ndokuuya pamusiwo wemba yangu apo vakanokora ivhu patsoka yangu iyo yaiva yakadhinda pandaiva ndambofamba napo nezuro wacho,” vanodaro Mai Mandaza.
Vanoti vakabuda panze vachibva vataurira murume uyu kuti adzosere ivhu iri pasi uye vachimubvunza kuti aida kuri shandisa chii.
“Havana kumboramba nyaya iyi kwandiri yekuti vaiva vanokora tsoka asi kuti vakati handina kunokora tsoka yenyu, asi ndanokora ivhu sezvo vachiti vakatumwa nemumwe muporofita kuti vanonokora ivhu repanzvimbo inowanda vanhu kuti vanogadzirirwa matambudziko avainawo. Ini ndakavati pamusiwo wemba yangu paisava panzvimbo inowanda vanhu nekudaro takanetsana vakadzosera ivhu iri panzvimbo yavaiva varitora,” vanodaro Mai Mandaza.
Vanoti imba yavo iri padyo nepabhawa apo panonzi nemurume uyu panowanda vanhu.
“Izvozvi ndiri kutya zvikuru nekuda kwezvakaitwa izvi sezvo ndave kutyira upenyu hwangu nekuti murume uyu akambondinanga achiti ndini ndakamuroya maziso ake. Ini ndava nenguva inoita masvondo matatu makumbo angu achizvimba chinova chirwere chakatanga choga ndokubva ndasangana nemunhu achinokora tsoka yangu pamusiwo, zvinotyisa,” vanodaro Mai Mandaza.
Vanoti vakazivisa vakuru vemunzvimbo iyi nezvenyaya yekunokorwa tsoka uye kuti vanoda kuti kuunzwe nyanzvi dzen’anga kana maporofita anogona, voyananiswe kuti kuonekwe kuti zvakaitwa izvi zvakachena here.
“Semamiriro azvakaita, ndinoti Vangwenya havana kunaka nekuti ndakavaona ndoga vachinokora tsoka yangu. Kana zvisina kugadziriswa ndichaenda kumatare edzimhosva nenyaya iyi nekuti handizive firo yangu,” vanodaro Mai Mandaza.
Muhurukuro nekwayedza, Vangwenya vanobvuma kuti vakanokora ivhu pamusiwo wepamba Pamai Mandaza.
“Ichokwadi, amai ava vakandiona ndichinokora ivhu kwete tsoka yavo nekuti ndakanzi nemuporofita enda unonokora ivhu panzvimbo inoungana vanhu. Saka pamba pavo padhuze nepabhawa apo panoungana vanhu uye nekuda kwekuti makumbo angu ari kuzvimba, ivhu iri raida kusanganiswa nemhiko dzechipositori ndorapwa makumbo angu,” vanodaro vangwenya.
Vanobvumawo kuti vakatanga vapinda muchimbuzi cheruzhinji chiri pamberi pemba yamai Mandaza vachibva vazonokora ivhu pamusiwo wemba yavo.
“Ndakazotsvaga ivhu raidiwa iri kumwe uko ndakazoenda naro kumuporofita uyu anogara muno akandivakira munamato uyo ndakashandisa kwemazuva matatu. Izvozvi makumbo angu akaserera. Ndinoda kuti tiende tose kumupositori ari kundibatsira kuti vanobata chokwadi asi ivo havasi kuda, vari kungoti ndakanokora tsoka yavo,” vanodaro Vangwenya.
Vanoti vakamirira vakuru venzvimbo iyi kuti vagadzirise nyaya iyi.
Sekuru Elisha Mutanga Vekuushewokunze muguta reharare vanove nyanzvi yechivanhu vanoti munhu akanokorwa tsoka, ivhu racho rinogona kushandiswa zvinhu zvakasiyana sekushinhirirwa.
Madzibaba Endby vekuchitungwiza vanotiwo havambofa vakachenesa murume wekuwanikwa achitora ivhu pamusiwo wemba yemunhu uyu.
“Idzi ndidzo nyaya dzemaporofita, baba ava vanofanirwa kutaura chokwadi pane zvavaida kuita nevhu retsoka yemunhu. Tarisai baba ava vanorwara nemakumbo uye amai ava vanorwara nemakumbo, dzimwe nguva murume uyu aitorasirira pamba paamai ava chirwere,” vanodaro Madzibaba Endby.