Kwayedza

‘AKANDINOKO­RA TSOKA’

- Kingstone Mapupu

MURUME wemumusha weretreat, muguta reharare, anonzi akawanikid­zwa rungwanani ngwanani achinokora tsoka yemudzimai anogara munzvimbo iyi nechinangw­a chekuda kumushinhi­rira inova nyaya iri kunetsa sezvo mukadzi uyu achiti kuita uku kune chinangwa.

Vasilas Ngwenya (57) vanobva kuinsiza kudunhu rematabele­land South vanonzi vakaonekwa nemusi wa3 Zvita nenguva dza5 mangwanani vachinokor­a tsoka yamai Cathrine Mandaza (56) pamusiwo wemba yavo.

Mai Mandaza vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Ndakamuka mangwanani kuma5 ndichida kuenda kumunda apo ndakaona vasilas Ngwenya vachipinda muchimbuzi chakananga­na nepamba pangu ndikambofu­nga kuti yaiva mbavha yaida kuba. Vakazobuda muchimbuzi ndokuuya pamusiwo wemba yangu apo vakanokora ivhu patsoka yangu iyo yaiva yakadhinda pandaiva ndambofamb­a napo nezuro wacho,” vanodaro Mai Mandaza.

Vanoti vakabuda panze vachibva vataurira murume uyu kuti adzosere ivhu iri pasi uye vachimubvu­nza kuti aida kuri shandisa chii.

“Havana kumboramba nyaya iyi kwandiri yekuti vaiva vanokora tsoka asi kuti vakati handina kunokora tsoka yenyu, asi ndanokora ivhu sezvo vachiti vakatumwa nemumwe muporofita kuti vanonokora ivhu repanzvimb­o inowanda vanhu kuti vanogadzir­irwa matambudzi­ko avainawo. Ini ndakavati pamusiwo wemba yangu paisava panzvimbo inowanda vanhu nekudaro takanetsan­a vakadzoser­a ivhu iri panzvimbo yavaiva varitora,” vanodaro Mai Mandaza.

Vanoti imba yavo iri padyo nepabhawa apo panonzi nemurume uyu panowanda vanhu.

“Izvozvi ndiri kutya zvikuru nekuda kwezvakait­wa izvi sezvo ndave kutyira upenyu hwangu nekuti murume uyu akambondin­anga achiti ndini ndakamuroy­a maziso ake. Ini ndava nenguva inoita masvondo matatu makumbo angu achizvimba chinova chirwere chakatanga choga ndokubva ndasangana nemunhu achinokora tsoka yangu pamusiwo, zvinotyisa,” vanodaro Mai Mandaza.

Vanoti vakazivisa vakuru vemunzvimb­o iyi nezvenyaya yekunokorw­a tsoka uye kuti vanoda kuti kuunzwe nyanzvi dzen’anga kana maporofita anogona, voyananisw­e kuti kuonekwe kuti zvakaitwa izvi zvakachena here.

“Semamiriro azvakaita, ndinoti Vangwenya havana kunaka nekuti ndakavaona ndoga vachinokor­a tsoka yangu. Kana zvisina kugadziris­wa ndichaenda kumatare edzimhosva nenyaya iyi nekuti handizive firo yangu,” vanodaro Mai Mandaza.

Muhurukuro nekwayedza, Vangwenya vanobvuma kuti vakanokora ivhu pamusiwo wepamba Pamai Mandaza.

“Ichokwadi, amai ava vakandiona ndichinoko­ra ivhu kwete tsoka yavo nekuti ndakanzi nemuporofi­ta enda unonokora ivhu panzvimbo inoungana vanhu. Saka pamba pavo padhuze nepabhawa apo panoungana vanhu uye nekuda kwekuti makumbo angu ari kuzvimba, ivhu iri raida kusanganis­wa nemhiko dzechiposi­tori ndorapwa makumbo angu,” vanodaro vangwenya.

Vanobvumaw­o kuti vakatanga vapinda muchimbuzi cheruzhinj­i chiri pamberi pemba yamai Mandaza vachibva vazonokora ivhu pamusiwo wemba yavo.

“Ndakazotsv­aga ivhu raidiwa iri kumwe uko ndakazoend­a naro kumuporofi­ta uyu anogara muno akandivaki­ra munamato uyo ndakashand­isa kwemazuva matatu. Izvozvi makumbo angu akaserera. Ndinoda kuti tiende tose kumuposito­ri ari kundibatsi­ra kuti vanobata chokwadi asi ivo havasi kuda, vari kungoti ndakanokor­a tsoka yavo,” vanodaro Vangwenya.

Vanoti vakamirira vakuru venzvimbo iyi kuti vagadziris­e nyaya iyi.

Sekuru Elisha Mutanga Vekuushewo­kunze muguta reharare vanove nyanzvi yechivanhu vanoti munhu akanokorwa tsoka, ivhu racho rinogona kushandisw­a zvinhu zvakasiyan­a sekushinhi­rirwa.

Madzibaba Endby vekuchitun­gwiza vanotiwo havambofa vakachenes­a murume wekuwanikw­a achitora ivhu pamusiwo wemba yemunhu uyu.

“Idzi ndidzo nyaya dzemaporof­ita, baba ava vanofanirw­a kutaura chokwadi pane zvavaida kuita nevhu retsoka yemunhu. Tarisai baba ava vanorwara nemakumbo uye amai ava vanorwara nemakumbo, dzimwe nguva murume uyu aitorasiri­ra pamba paamai ava chirwere,” vanodaro Madzibaba Endby.

 ??  ?? MAI Cathrine Mandaza vachitarid­za nzvimbo yavanoti ndiyo yavakanoko­rwa tsoka
MAI Cathrine Mandaza vachitarid­za nzvimbo yavanoti ndiyo yavakanoko­rwa tsoka
 ??  ?? VASILAS Ngwenya
VASILAS Ngwenya
 ??  ?? MAI Cathrine Mandaza
MAI Cathrine Mandaza
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe