Tikafarisa chasara kusuwa
DARE rino rakaongorora kuti nguva zhinji kufarisa kunoteverwa nekusuwa kana kuchema. Munguva ino yekupemberera kuzvarwa kwemununuri wedu Jesu Kristo, vazhinji tinorasa muswe nechinangwa chemhemberero idzi. Kana izvi zviviri zvarasika, hapana kwatiri kuenda.
Ngatibatisisei mutsauko wekufara nekufarisa. Munhu akafarisa ava kutotyora kodzero dzevamwe. Kufarisa zvinoreva kukundikana kuziva panogumira mwero, kungava mukudya, mukunwa, mukutaura, mukufambisa motokari mumugwagwa, kana zvipi zvamungafunge mumisha yedu, mumatunhu edu, mumakambani edu, kana munyika yedu.
Munhu akafarisa paruzhinji panguva yatatarisana nayo iyi, anogona kuchema arohwa kana atadza kuziva pekugumira mukutaura, izvi zvinounza kusuwa. Kana munhu ashatirwa, haazoziva chekubata pakurovesa atyora kodzero dzake. Naiyewo nyakurova anochemawo, vapfigirwa muchitokisi.
Zororo rekisimusi rese rinopera vakazororamo. Saka dare rino rinongopawo nyevero yekuti tifare nemhuri dzedu nevadiwa mune zvakanaka tisingashungurudzane nekutyora kodzero dzezvamwe nekufarisa.
Kana vari vemotokari mumugwagwa, ngatidzikamei mukufamba tichiyeukawo kuti migwagwa haisi yedu toga. Chokwadi hapana muridzi wemugwagwa, zvisinei kuti unofamba mugwagwa iwoyo mazuva ose, hazvireve kuti watova wako iwe wega. Ngatiyeuke zvakare kuti kutyora mitemo yemumugwagwa nekufarisa kunokonzera kuchema kwevakawanda.
Munjodzi dzemumugwagwa, vanhu vanogona kukuvara, kuremadzwa zveupenyu hwese, kana kufa chaiko. Nokudaro kufarisa mumugwagwa kunounza kurwadziwa pane kunofara nehama nevadiwa vedu kwese kwatinenge takananga pazororo iri.
Zvinorwadza sei kutadza kusvika kwauri kuda kuenda, wodzokera kwawabva usingaende kumba kwako, asi woendeswa kuchipatara kwausingazive kuti uchabuda rinhi?
CHENJEDZO:
Dare rino rinotinyevera kuti kuonererwa paruzhinji hapana zvakunotipa kunze kwekugumisira tanyadziswa, tarwadziswa kana kuchemedzwa, apa isu tiri kuvavarira kufara nehama nevadiwa vedu. Kuzvipedza ngatizive pekugumira mukufara kwedu tirege kupfuura mwero tichityora kodzero dzevamwe.
Munhu wese ane kodzero yekufara nemhuri yake, hama, shamwari nevadiwa vake mumhuri dzedu, matunhu edu, makambani edu nemunyika yedu.
Ngatipembere Kisimuusi ino murunyararo tichifara zvine hunhu tichiyeuka zvakare kuti kuvamba kwegore rinotevera 2021, vana vanoda kudzokera kuzvikoro vaine zvakakwana. Izvi zvichatibatsira kuti tisazotungamidza tsamba kune vakuru vezvikoro tichikumbira kusadzingirwa vana pachikoro vasina zvakakwana.
◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; Corporate MBA Strategy and Economic Policy; neba English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda Muzimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com