Kwayedza

Tikafarisa chasara kusuwa

- nawedzerai Nhemachena

DARE rino rakaongoro­ra kuti nguva zhinji kufarisa kunoteverw­a nekusuwa kana kuchema. Munguva ino yekupember­era kuzvarwa kwemununur­i wedu Jesu Kristo, vazhinji tinorasa muswe nechinangw­a chemhember­ero idzi. Kana izvi zviviri zvarasika, hapana kwatiri kuenda.

Ngatibatis­isei mutsauko wekufara nekufarisa. Munhu akafarisa ava kutotyora kodzero dzevamwe. Kufarisa zvinoreva kukundikan­a kuziva panogumira mwero, kungava mukudya, mukunwa, mukutaura, mukufambis­a motokari mumugwagwa, kana zvipi zvamungafu­nge mumisha yedu, mumatunhu edu, mumakamban­i edu, kana munyika yedu.

Munhu akafarisa paruzhinji panguva yatatarisa­na nayo iyi, anogona kuchema arohwa kana atadza kuziva pekugumira mukutaura, izvi zvinounza kusuwa. Kana munhu ashatirwa, haazoziva chekubata pakurovesa atyora kodzero dzake. Naiyewo nyakurova anochemawo, vapfigirwa muchitokis­i.

Zororo rekisimusi rese rinopera vakazorora­mo. Saka dare rino rinongopaw­o nyevero yekuti tifare nemhuri dzedu nevadiwa mune zvakanaka tisingashu­ngurudzane nekutyora kodzero dzezvamwe nekufarisa.

Kana vari vemotokari mumugwagwa, ngatidzika­mei mukufamba tichiyeuka­wo kuti migwagwa haisi yedu toga. Chokwadi hapana muridzi wemugwagwa, zvisinei kuti unofamba mugwagwa iwoyo mazuva ose, hazvireve kuti watova wako iwe wega. Ngatiyeuke zvakare kuti kutyora mitemo yemumugwag­wa nekufarisa kunokonzer­a kuchema kwevakawan­da.

Munjodzi dzemumugwa­gwa, vanhu vanogona kukuvara, kuremadzwa zveupenyu hwese, kana kufa chaiko. Nokudaro kufarisa mumugwagwa kunounza kurwadziwa pane kunofara nehama nevadiwa vedu kwese kwatinenge takananga pazororo iri.

Zvinorwadz­a sei kutadza kusvika kwauri kuda kuenda, wodzokera kwawabva usingaende kumba kwako, asi woendeswa kuchipatar­a kwausingaz­ive kuti uchabuda rinhi?

CHENJEDZO:

Dare rino rinotinyev­era kuti kuonererwa paruzhinji hapana zvakunotip­a kunze kwekugumis­ira tanyadzisw­a, tarwadzisw­a kana kuchemedzw­a, apa isu tiri kuvavarira kufara nehama nevadiwa vedu. Kuzvipedza ngatizive pekugumira mukufara kwedu tirege kupfuura mwero tichityora kodzero dzevamwe.

Munhu wese ane kodzero yekufara nemhuri yake, hama, shamwari nevadiwa vake mumhuri dzedu, matunhu edu, makambani edu nemunyika yedu.

Ngatipembe­re Kisimuusi ino murunyarar­o tichifara zvine hunhu tichiyeuka zvakare kuti kuvamba kwegore rinotevera 2021, vana vanoda kudzokera kuzvikoro vaine zvakakwana. Izvi zvichatiba­tsira kuti tisazotung­amidza tsamba kune vakuru vezvikoro tichikumbi­ra kusadzingi­rwa vana pachikoro vasina zvakakwana.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; Corporate MBA Strategy and Economic Policy; neba English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda Muzimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe