Zvidhoma zvodya imbwa nekatsi
KUFA kusinganzwisisike kunonzi kuri kuitwa nezvipfuyo zvemumwe murume wekwamarange zvinosanganisira imbwa, katsi, mombe nembudzi kwaona achipomera mukoma wake kuti ndiye honzeri kuburikidza nezvidhoma zvake.
Mushure mekugara kunyika yesouth Africa kwemakore akawanda, mukoma wemurume uyu akadzoka kumusha ndokusvikovhura chitoro kwamarange.
Sezvineiwo, zvipfuyo zvemunin’ina wake zvakabva zvatanga kufa nenzira isinganwisisike kubva musi mukoma uyu akasvika kubva kusouth Africa.
Nyaya iyi yakabuda mudare remutare Civil Courts apo Zondai Chipindirwe akadhonzera munin’ina wake, Cleopas Chipindirwe, achida gwaro redziviriro.
Vaviri ava vakamiswa pamberi pemutongi Muzvare Notebulgar Muchineripi nemusi wemuvhuro wadarika. Asi Cleopas aipikisa chikumbiro chemukoma wake achiti zvidhoma zvake zvinoramba zvichiuraya zvipfuyo zvake kana akapihwa gwaro redziviriro iri.
“Akauya nezvidhoma kubva kusouth Africa uye zvave kuuraya zvipfuyo zvangu. Zvakatouraya katsi dzangu ina nembwa nhatu.
“Zvidhoma izvi zviri kuurayawo mombe nembudzi dzangu. Ndakange ndine mbudzi 34 asati adzoka kubva kusouth Africa asi iye zvino ndasarirwa nenomwe chete, mombe shoma, handisisina katsi kana imbwa. Zvidhoma zvacho zvinoda ropa zvikuru. Nemamiriro ezvinhu aya, zvichapedza zvipfuyo zvangu zvose,” anodaro Cleopas.
Akaudza dare kuti vemhuri yavo vakafamba kumaporofita ndokuudzwa kuti zvidhoma zvemukoma wake ndizvo zvaikonzera kuparara kwehupfumi hwake.
“Pamba pake pakabatwa sandawana, pababa pakabatwa nyanga.
“Baba vedu vakafa kare uye Zondai ndiye akatora nhaka yenyanga iyi. Chandinongoda chete kuparadzwa kwemishonga yake iyo iri kukonzera kuti ndive murombo zuva nezuva asi iye achigara zvakanaka,” anodaro Cleopas.
Achipawo divi rake, Zondai anoti aneta kupumhwa huroyi nemunin’ina wake.
“Zvipfuyo zvake zviri kufa asi haizi mhosva yangu, Akashevedza muporofita kuti atungamirire chirongwa chekuchenura musha uye izvi zvakaitwa. Ndakanzi ndibhadhare nemombe nemari kumaporofita aya nekuti ndiri munhu anotenda kugara murunyararo,” anodaro Zondai.
Anopomera Cleopas kuti anomushungurudza zvikuru pamwe chete nemhuri yake pazere vanhu.
“Handisati ndambowana rugare kubvira pandakadzoka kusouth Africa. Kudai ndiri muroyi, ndaiuraya zvipfuyo here kwete vanhu? Handisati ndambonzwa nezvemuroyi anouraya katsi nembwa, asi munin’ina wangu anosimbisisa kuti zvidhoma zvangu zviri kupedza zvipfuyo zvake. Hazvisati zvambonzwikwa zvakadai,” anodaro Zondai.
Muzvare Muchineripi vakati vaviri va vanofanirwa kugara murunyararo uye ndoupa Zondai gwaro redziviriro.
Akaudza vaviri ava zvakare kuti gwaro redziviriro iri harivamise kuti vaenderere mberi nenyaya yavo iri kutongwa mudare ramambo Marange.