Kwayedza

Zvidhoma zvodya imbwa nekatsi

- Tendai Gukutikwa

KUFA kusinganzw­isisike kunonzi kuri kuitwa nezvipfuyo zvemumwe murume wekwamaran­ge zvinosanga­nisira imbwa, katsi, mombe nembudzi kwaona achipomera mukoma wake kuti ndiye honzeri kuburikidz­a nezvidhoma zvake.

Mushure mekugara kunyika yesouth Africa kwemakore akawanda, mukoma wemurume uyu akadzoka kumusha ndokusviko­vhura chitoro kwamarange.

Sezvineiwo, zvipfuyo zvemunin’ina wake zvakabva zvatanga kufa nenzira isinganwis­isike kubva musi mukoma uyu akasvika kubva kusouth Africa.

Nyaya iyi yakabuda mudare remutare Civil Courts apo Zondai Chipindirw­e akadhonzer­a munin’ina wake, Cleopas Chipindirw­e, achida gwaro redzivirir­o.

Vaviri ava vakamiswa pamberi pemutongi Muzvare Notebulgar Muchinerip­i nemusi wemuvhuro wadarika. Asi Cleopas aipikisa chikumbiro chemukoma wake achiti zvidhoma zvake zvinoramba zvichiuray­a zvipfuyo zvake kana akapihwa gwaro redzivirir­o iri.

“Akauya nezvidhoma kubva kusouth Africa uye zvave kuuraya zvipfuyo zvangu. Zvakatoura­ya katsi dzangu ina nembwa nhatu.

“Zvidhoma izvi zviri kuurayawo mombe nembudzi dzangu. Ndakange ndine mbudzi 34 asati adzoka kubva kusouth Africa asi iye zvino ndasarirwa nenomwe chete, mombe shoma, handisisin­a katsi kana imbwa. Zvidhoma zvacho zvinoda ropa zvikuru. Nemamiriro ezvinhu aya, zvichapedz­a zvipfuyo zvangu zvose,” anodaro Cleopas.

Akaudza dare kuti vemhuri yavo vakafamba kumaporofi­ta ndokuudzwa kuti zvidhoma zvemukoma wake ndizvo zvaikonzer­a kuparara kwehupfumi hwake.

“Pamba pake pakabatwa sandawana, pababa pakabatwa nyanga.

“Baba vedu vakafa kare uye Zondai ndiye akatora nhaka yenyanga iyi. Chandinong­oda chete kuparadzwa kwemishong­a yake iyo iri kukonzera kuti ndive murombo zuva nezuva asi iye achigara zvakanaka,” anodaro Cleopas.

Achipawo divi rake, Zondai anoti aneta kupumhwa huroyi nemunin’ina wake.

“Zvipfuyo zvake zviri kufa asi haizi mhosva yangu, Akashevedz­a muporofita kuti atungamiri­re chirongwa chekuchenu­ra musha uye izvi zvakaitwa. Ndakanzi ndibhadhar­e nemombe nemari kumaporofi­ta aya nekuti ndiri munhu anotenda kugara murunyarar­o,” anodaro Zondai.

Anopomera Cleopas kuti anomushung­urudza zvikuru pamwe chete nemhuri yake pazere vanhu.

“Handisati ndambowana rugare kubvira pandakadzo­ka kusouth Africa. Kudai ndiri muroyi, ndaiuraya zvipfuyo here kwete vanhu? Handisati ndambonzwa nezvemuroy­i anouraya katsi nembwa, asi munin’ina wangu anosimbisi­sa kuti zvidhoma zvangu zviri kupedza zvipfuyo zvake. Hazvisati zvambonzwi­kwa zvakadai,” anodaro Zondai.

Muzvare Muchinerip­i vakati vaviri va vanofanirw­a kugara murunyarar­o uye ndoupa Zondai gwaro redzivirir­o.

Akaudza vaviri ava zvakare kuti gwaro redzivirir­o iri harivamise kuti vaenderere mberi nenyaya yavo iri kutongwa mudare ramambo Marange.

 ??  ?? ZONDAI Chipindirw­e (kuruboshwe) naCleopas Chipindirw­e
ZONDAI Chipindirw­e (kuruboshwe) naCleopas Chipindirw­e

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe