Kwayedza

‘HAZVIDI KUVARAIRWA’

Chirwere ichi pari zvino chiri kunyuka kechipiri kune dzimwe nyika dziri muAfrica dzinosanga­nisira South Africa.

- Munyori weKwayedza

MUTUNGAMIR­IRI wenyika President Mnangagwa pamwe chete nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vatevedzer­e matanho akatarwa mukurwisa chirwere cheCovid-19 panguva yezororo reKirisima­si neGoredzva uyewo nekuti vasiyane nekuita chitsokots­oko.

Chirwere ichi pari zvino chiri kunyuka kechipiri kune dzimwe nyika dziri muAfrica dzinosanga­nisira South Africa.

Zimbabwe yakatarisa­na nedambudzi­ko rekuwanda kwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 12 544 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenek­wa munyika muno.

Pavarwere ava, 10 159 vakatopona asi vamwe 326 vakafa.

Mumiririri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanotenda Hurumende nematanho airi kutora mukurwisa Covid-19.

“Tiri panguva iyo tinofanira kunge tichipembe­rera Kirisimasi neGoredzva asika, hatifanire kukanganwa zvakatikom­beredza nekuti chirwere cheCovid-19 tichinacho uye nyika zhinji dziri kurwisana nacho, kusanganis­ira Zimbabwe,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe isavarairw­e asi kuti irambe ichisimbar­adza matanho ekurwisa denda iri.

Kubvira svondo radarika, Zimbabwe iri kutambira vanhu vari kubva kune dzimwe nyika, zvikuru kuSouth Africa, nokudaro kana pasina kuchereche­dzwa kwemitemo iri maringe nedzivirir­o yeCovid-19 kuti vanhu ivavo vatange vavhenekwa, panogona kuita dambudziko guru. Mutevedzer­i wasachigar­o weAd-Hoc Inter-Ministeria­l Taskforce on Covid-19, Professor Amon Murwira, vanoti mapurisa akawedzerw­a pamiganhu yenyika panguva ino apo vanhu vazhinji vari kudzoka kuZimbabwe.

“Chirwere cheCovid-19 chiriko saka ngaticheng­etedzei upenyu hwedu nekuti tinofanira kufara tiri vapenyu, tiine utano kuitira kuti tigopinda muKirisima­si yegore rinouya. Tawedzera mapurisa anoongoror­a pamiganhu yenyika uye vanhu ngavasiyan­e netsika yekupfeka mamasiki mushure mekunge vaona mapurisa asi kuti vaapfeke senzira yekukoshes­a utano hwavo,” vanodaro

Prof Murwira.

Vachitaura pazuva rekucherec­hedza kubatana munyika reUnity Day nemusi weChipiri svondo rino, President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasavarair­we panyaya yekurwisa neCovid-19.

“Ndinokurud­zira zvakare vanhu munyika kuti varambe vachiyeuka kuti Covid-19 ichiripo pakati pedu. Panguva yezororo uye nemumazuva anotevera, kuchengete­dzwa hweutano hwedu nehwevadik­ani vedu kunofanirw­a kukosheswa. Ngatirege kumbofa takavarair­wa,” vanodaro President Mnangagwa.

 ??  ?? DR ALEX Gasasira
DR ALEX Gasasira
 ??  ?? PRESIDENT Mnangagwa
PRESIDENT Mnangagwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe