Kwayedza

Iyi iKirisimas­i ine musiyano

-

NGUVA yezororo reKirisima­si – iyo inotarisir­wa nevanhu vakawanda gore negore – yazosvika apo veruzhinji vanenge vachifara nehama neshamwari.

Asi mhemberero dzegore rino dzine musiyano mukuru kana zvichienza­niswa nemamwe makore nekuda kwechirwer­re cheCovid-19.

Kunyuka kwechirwer­e ichi kwakonzera ndufu dzevanhu vakawanda pasi rose pamwe nekudzikir­a kweupfumi hwenyika dzakawanda.

Pamusoro pezvo, chirwere cheCovid-19 chaunza mararamiro matsva ayo ari kuona dzimwe tsika nemagariro zvagara zvichiitwa senhaka yemusiiran­wa zvichirege­dzwa nechinangw­a chekudzivi­rira kupararira kwedenda iri.

Izvi zvinosanga­nisira tsika yekumhores­ana nemaoko nekubatana maoko parufu.

Chirwere ichi chaunza mararamiro matsvawo ekuti veruzhinji vanofanirw­a kugara vakapfeka mamasiki uye vorega kuita chitsoko-tsoko.

Kunyangwe misangano nemakungan­o akasiyana zvave kuitwa kuburikidz­a nedandemut­ande (skype kana zoom).

Chinangwa chikuru chiri chekurwisa denda iri.

Izvi zvinoreva kuti apo veruzhinji vari kufara nehama neshamwari, vanofanirw­a kukoshesa nyaya yekuzvidzi­virira kuti vasabatwe neCovid-19.

Tinodaro nekuti kune vamwe vanofarisa zvekusvika pakutadza kuzvibata kuburikidz­a nekunwa doro kana kutora zvinodhaka zvekuti vanopedzis­ira vasisakosh­ese utano kunyangwe neupenyu hwavo nehwevamwe.

Kwete, hazvina zvazvinoba­tsira kufarisa zvakadarik­idza zvekusvika pakudambur­a makumbo segurwe nekuti zvakafanan­a nekuzvisik­ira moto muziso.

Hongu, kufara hakuna kuipa asi zvinoda kuti munhu akati fare fare obva atindika.

Nyanzvi dzezveutan­o, kusanganis­ira sangano rinoona rezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO), vari kugara vachikurud­zira veruzhinji kuti vazvicheng­etedze kubva kuchirwere ichi.

Kirisimasi yegore rino ine musiyano nemamwe makore ose nekuti kunyangwe kumachechi vanhu vari kukurudzir­wa kuti vasaungane zvekudarik­a 100, donzvo riri rekumisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Veruzhinji vari kukurudzir­wawo kuti vapemberer­a zororo reKirisima­si semhuri vari pamba pavo kwete kuenda kunzvimbo dzinoungan­a vanhu.

Zvinotosha­misa kuti kune vamwe vasisakosh­ese kuzvidzivi­rira kubva kudenda iri vachizviny­engedza kuti harisisiko.

Kune vamwe vachasanga­na nehama neshamwari dzinenge dzabva kunze kwenyika saka zvose izvi zvinofanir­wa kunge zvichitari­swa.

Zororo iri rine mazuva mashoma nekudaro hazvina huchenjeri kuti munhu aise utano hwake uye neupenyu panjodzi nekufarisa zvisina mwero.

Kune vamwe vanofarisa zvakare panguva yezororo reKirisima­si votadza kuzvibata izvo zvinoita kuti vapedzisir­e vapinda muna taisireva.

Bazi reutano nekurerwa kwevana rinoti munguva yezororo iri kune vanhu vane chitsama vanobatwa nezvirwere zvepabonde nekuda kwekutadza kuzvibata. Nguva ino zvakare vanhu vazhinji vanenge vachifamba kuenda kunzvimbo dzakasiyan­a nekudaro upenyu hunofanirw­a kukosheswa mumigwagwa.

Mvura iri kunaya zvikuru kumativi mana enyika chinove chinhu chakanaka asi hazvina huchenjeri kuti vatyairi vedzimotok­ari, vemabhazi kana vanofamba netsoka vayambuke nzizi dzakazara nemvura sezvo kuita kwakadai kuine njodzi kuupenyu.

Tinokushuv­irai zororo reKirisima­si rakaropafa­dzwa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe