Kwayedza

Kufara tingafare asi . . .

- Kingstone Mapupu

VAKURU vemachechi nemadzimam­bo vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e matanho ekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 apo vanenge vachipembe­rera zororo reKirisima­si.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministry (RECFEMI) vanoti chirwere ichi chakangani­sa budiriro yezvakawan­da munyika muno nepasi rose.

“Mabasa nemabhizim­isi adzikira zvikuru munyika sezvo makambani akambovhar­wa senzira yekurwisa chirwere ichi. Vashandi vakambomis­wawo kuenda kumabasa, kunyangwe nanhasi vamwe havana kuzodzoker­a.

“Nesu kuno kumachechi zvipo chaizvo hakuna, saka inguva yekuti tibatsiran­e nevanoshay­a vawanewo cheuviri panguva ino yekupanana. Asi, zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e matanho akatarwa mukurwisa chirwere ichi apo vanenge vachifara paKirisima­si,” vanodaro Pastor Muchefa. Vanoendere­ra mberi vachiti, “Panguva ino yezororo, igaroziva kuti tinofanirw­a kubatsiran­a.” Mashoko avo anotsinhir­wa naMambo Seke VaStanley Chimanikir­e vachiti pasi rose rakaita zvekunyang­irwa neCovid-19.

“Hapana aimbova nefungidzi­ro yekuti gore rino rose ringataris­ane nekuoma kwezvinhu kuburikidz­a nechirwere cheCovid-19 kubvira mudzimba nemumakamb­ani nemamwe mabasa ose. Saka zviri pachena kuti zororo reKirisima­si mufaro wakaderera zvikuru,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vafare vachiziva kuti vana vachada kudzokera kuchikoro munguva pfupi inotevera.

“Tine vana vachadzoke­ra kuzvikoro gore rinouya, anongova masvondo maviri chete asara saka tisakangan­we. Ikurudziro yedu semadzimam­bo kuti tibatsiran­e pazororo iri nezvatinaz­vo sezvatagar­a tichiita kune vanazvo,” vanodaro Mambo Seke.

Mbuya Tariro Chitambo (70) vekuBuhera vanotiwo zvakakosha kuti veruzhinji vapemberer­e zororo reKirisima­si vachiteved­zera zviri kukurudzir­wa neveutano pakumisa chirwere cheCovid-19.

 ??  ?? PASTOR Muchefa
PASTOR Muchefa
 ??  ?? MAMBO Seke
MAMBO Seke

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe