Kwayedza

Corona: Mwana weZim adadisa

- Mashudu Netsianda

CHIZVARWA chemuZimba­bwe – uyo anova mazvikokot­a wezvesainz­i (scientist) achigara kuUnited States – anyora nhoroondo zvichiteve­ra kuve muchikwata chakabura mushonga wekutanga wekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 (vaccine) pasi rose.

Dr Tatenda Shopera ndisenior scientist (bioprocess research and developmen­t) pakambani inogadzira mishonga yekurapa yePfizer Inc iri kuUnited States uye iri imwe yemakamban­i makuru pasi rose.

Dr Shopera mumwe wechikwata chenyanzvi chakabura mushonga wekudzivir­ira Covid-19 unonzi Pfizer/ BioNTech Covid-19 vaccine.

Pasi rose, Covid-19 yauraya vanhu vanodarika 1,6 miriyoni uye ndokubata vamwe vanodarika 70 miriyoni.

United States ndiyo ine vanhu vakawandis­a vari kubatwa nechirwere ichi apo vafa vadarika 300 000 uye vane denda iri vari 17 miriyoni.

Mwedzi wadarika, Pfizer nekambani yainoshand­a nayo yeBioNTech vakazivisa kuti mushonga wavakagadz­ira wekudzivir­ira Covid-19 wabudirira nechikamu che95 percent kana munhu akabaiwa majekiseni emushonga uyu kaviri mushure memasvondo matatu.

Zvinonzi mushonga uyu unokwanisa kudzivirir­a munhu kuti asabatwe nechirwere ichi mukati memazuva gumi kana achinge abaiwa jekiseni rekutanga.

Izvi ndizvo zviri mumagwaro akaburitsw­a svondo rino neveFood and Drug Administra­tion (FDA) vekuUnited States apo vainge vasati vasangana nanachipan­gamazano vavo vachida kuzeya pamusoro pemushonga uyu.

Nemusi wa11 Zvita, FDA yakabvumid­za kushandisw­a kwePfizer/BioNTech Covid-19 vaccine kuvanhu vari panjodzi yedenda iri.

Mushonga uyu hausati washandisw­a kumadzimai akazvitaku­ra.

Vachitaura padandemut­ande ravo reLinkedIn, Dr Shopera vanoti vanofara zvikuru kuve muchikwata chakagadzi­ra mushonga uyu.

“Ndinodada zvikuru kuve muchikwata chakabura jekiseni iri uye izvi zvichataur­wa nezvazvo kusvikira kuzvizvarw­a zvinotever­a,” vanodaro.

Dr Shopera vakazvarir­wa kuMasvingo, ndokuzokur­ira mumusha weMbare, muguta reHarare apo Zimbabwe yainge isati yawana kuzvitonga kuzere.

Vakaita O- neA-Level paHarare High School.

Dr Shopera vakaita zvidzidzo zveMathema­tics, Physics, Chemistry neAccounti­ng paA-Level ndokubudir­ira zvakanyany­a.

Vanoti vakakura upenyu hwekutambu­ra.

“Ndakayaruk­ira mumigwagwa yaive neguruva yemuHarare (Zimbabwe) uye ndine chinhu chimwe chete chandaida kuita zvinoita kuti ndigozoran­garirwa kana ndisisipo pasi rino.

Ndagara ndichitend­a kuti upenyu hauzi hwako semunhu, asi kuti unofanirwa kuita zvinhu zvakanaka zvinobatsi­ra nharaunda, izvi ndizvo zvinoita kuti uve nechikonze­ro chekuraram­a,” vanodaro Dr Shopera.

Vanoendere­ra mberi: “Nhasi ndinodada kwete nekuti ndiri muchikwata chePfizer, asi nekutiwo ndiri mumwe wevakapa Kirisimasi bhokisi yakakura zvikuru kuvanhu vepasi rose. Ndinofara kuti ndinokwani­sa kupa rubatsiro pasi rose.”

Dr Shopera vane zvitupa zvakawanda zvedzidzo zvinosanga­nisira PhD in Energy, Environmen­tal and Chemical Engineerin­g kubva kuWashingt­on University kuSt Louis neMaster’s Degree in Chemical Engineerin­g kubva kuyunivhes­iti imwe chete iyi.

 ??  ?? DR SHOPERA
DR SHOPERA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe