Kwayedza

Pembererai asi musaungane: Hurumende

Mapurisa vachange vachiona kuti veruzhinji vatevedzer­a zvizere mitemo yakatarwa kurwisa kupararira kwedenda iri.

- Munyori weKwayedza

VOSE vari kuronga kuita mabiko vachiungan­a pazororo reKirisima­si neGoredzva vanoyeuchi­dzwa kuti zvose izvi hazvizi kutenderwa pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 uye vanotyora mitemo iyi vachasungw­a, Hurumende inodaro.

Nerimwe divi, vachafamba vari kukurudzir­wa kuti vakwire makombi nemabhazi ari kushanda ari pasi pekambani yeZUPCO chete.

Mapurisa vachange vachiona kuti veruzhinji vatevedzer­a zvizere mitemo yakatarwa kurwisa kupararira kwedenda iri.

Pasi pemitemo iyi, mabiko ekupembere­ra mazuva ekuzvarwa kwevanhu, mabiko emudzimba, makungano emapato ezvematong­erwo enyika nemashoo emimhanzi zvose hazvizi kutenderwa.

Veruzhinji vanosungir­wa zvakare kuona kuti pavanounga­na kumachechi havadarike 100 uye kana vari parufu havafanirw­e kudarika 50.

Vakuru vemachechi nguva pfupi yadarika vakayambir­wa pamusoro petsika yekuita minamato yehusiku hwose (all-night prayers).

Kuvhurwa kwenzvimbo dzekutanda­rira dzinosanga­nisira mabhawa hazvitende­rwe pasi pemitemo yekurwisa Covid-19.

Gurukota rezvinoiti­ka mukati menyika nekuchenge­tedzwa kwetsika, Cde Kazembe Kazembe, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e mitemo ine chinangwa chekumisa kupararira kwedenda iri.

Vakataura mashoko aya muhurukuro yavakaitwa navo padivi pagungano rekuparurw­a kwechirong­wa chekuti veruzhinji vakoshese kuchengete­dza upenyu pakufamba mumigwagwa munguva yezororo riri kutevera che2020 Zimbabwe National Roads Administra­tion (Zinara), Zimbabwe Republic Police neTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) muHarare nemusi weChitatu svondo rino.

“Mabiko emakonzati haazi kutenderwa, asi makungano emachechi nemichato ari kubvumidzw­a asi zvakare vanofanirw­a kuona kuti havadarike vanhu 100. Pamusoro pezvo, tinofanirw­a kuona kuti hatizi kuita chitsokots­oko uye topfekawo mamasiki edu nenzira kwayo,” vanodaro.

Cde Kazembe Kazembe vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinoda zvakare kusimbisis­a kuti mitemo iyi haipo kuti vanhu vatadze kusununguk­a, asi sezvamuri kuona, huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 hwatanga kukwira zvakare. Saka zvakanakir­a isu sevagari vemunyika ino kuona kuti tatevedzer­a mitemo iyi.

“Kusvika pari zvino, taita zvakanaka chose panyaya yekudzivir­ira kupararira kwedenda iri uye tinoonekwa senyika iri pamusoro-soro pakati pedzimwe panyaya yekurwisa chirwere ichi. Saka ngatirambe­i takadaro tichiteved­zera mitemo iyi.”

Zvakadai, gurukota rezvekufam­bisa nekusimudz­irwa kwezvivakw­a, Cde Joel Biggie Matiza vanoyambir­a veruzhinji kuti vasakwire makombi nemabhazi asiri pasi peZUPCO.

Vachafamba nemabhazi eZUPCO vanokurudz­irwa kutevedzer­a matanho ekurwisa Covid-19 anosangani­sira kuzorwa sanitizer mumaoko nekusaita chitsokots­oko.

Pasi pemitemo yekurwisa denda iri, makombi nemabhazi ose anofanirwa kushanda ari pasi peZUPCO uye vanotyora mutemo uyu vanosungwa.

Cde Matiza vanoyambir­awo vemakombi nemabhazi vari kushanda zviri pamutemo kuti vashande nguva dzinotende­rwa kubva na6 mangwani kusvika 10 husiku (curfew).

 ??  ?? CDE Matiza
CDE Matiza
 ??  ?? CDE Kazembe
CDE Kazembe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe