Kwayedza

Mhuri izere humhizha

- Kingstone Mapupu

MHURI yekudunhu raMambo Chipuriro, kuGuruve, inoti havana pfungwa dzekunotsv­aga mabasa kumakamban­i kana kumwe sezvo vachiita basa rehumhizha rekupfura zvinhu zvakasiyan­a kubva musimbi inove nhaka yemusiidza­nwa mudzinza ravo.

VaZvamuri Kasinamund­a (42) vanoti kuburikidz­a nehunyanzv­i hwavo hwekupfura simbi vachigadzi­ra zvinhu zvakasiyan­a, vakavamba mushandira­pamwe wavo semhuri apo vanogadzir­a zvinhu zvakawanda.

“Tinoshanda semhuri pano ndiine vanin’ina vangu Steel Matemera (39), Tawanda Malunga (30), Elvin Nduku Makanjera (25) naNorman Kasinamund­a (16). Tinoshandi­sa mvuto yekudhaya sechibhora­ni iyo yatinoisa mvura mukati iine pombi inofuridza moto.

“Tinogadzir­a zvinhu zvakawanda, miromo yemagejo, mapadza emagejo neekusakur­isa nezvimwewo,” vanodaro VaKasinamu­nda.

Mvuto yavanoshan­disa iyi vanoisheve­dza kuti drum blower iyo vanoti hairwadze kana kurema pakuiseven­zesa.

Zvimwe zvezvinhu zvavanopfu­ra zvinosanga­nisira mapfumo, mbezo nemapanga.

“Kambani yedu yekupfura simbi iyi inotiraram­isa tose nemadzimai edu sezvo tisingache­uki vanhu vanoenda kumabasa.

‘‘Tinogadzir­a magejo matsva nemakaravh­eta pano izvo tinotenges­a nemitengo isingarwad­ze vatengi vedu vatinogara navo muno, gejo rinodaidza mari inoita US$400 uye karavheta US$600.

“Pamusoro pezvo, mabhara tinovandud­za nemimwe midziyo yepamusha,” vanodaro VaKasinamu­nda.

Vanoti basa ravo harinetse sezvo vachifamba nzvimbo dzakawanda vachitsvag­a simbi dzisisasha­ndiswe (scrap metal), zvikuru madhishi akapera emagejo.

“Kazhinji tinoshandi­sa marasha pakupisa simbi dzedu pane miti nechinangw­a chekucheng­etedza masango. Pazuva tinokwanis­a kugadzira mapadza 20, miromo yemagejo 20, matemo 20 nemapanga 30. Tine motokari yatakateng­a yatinofamb­a nayo tichitenge­sa zvinhu izvi,” vanodaro.

VaKasinamu­nda vanoendere­ra mberi vachiti, “Kunyange zvikaoma sei, mumwe nemumwe wedu anokwanisa kuwana mari inodarika US$50 kana US$60 pasvondo zvinoita kuti vana vedu vaende kuchikoro pasina dambudziko.”

Mhuri iyi inokurudzi­ra vechidiki kushandisa maoko mukutsvaga mari pane kumirira kutsvaga mabasa ayo asiri nyore kuawana.

 ??  ?? VASTEEL Matemera (kurudyi) vari pabasa nevamwe vavo
VASTEEL Matemera (kurudyi) vari pabasa nevamwe vavo
 ??  ?? VAZVAMURI Kasinamund­a (kurudyi) vaine vamwe vavo
VAZVAMURI Kasinamund­a (kurudyi) vaine vamwe vavo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe