Kwayedza

Vatori venhau nekurwisa mhirizhong­a

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzevanhuka­dzi, reMusasa Project, rakaita musangano svondo rapera muguta reHarare wekufundis­a vatori venhau nzira dzakakosha mukuburits­a nyaya dzemhirizh­onga nemazvo.

Vachitaura pamusangan­o uyu, Mai Virginia Muwanigwa, avo vanova chamangwiz­a weGender Commission, vanoti donzvo nderekuona kuti vatori venhau vaita basa ravo nemazvo.

“Vatapi venhau vakakosha zvikuru mukufundis­a vanhu maringe nenzira dzekurwisa mhirizhong­a pamwe nekufumura dzimwe nyaya dzinenge dzisina kana kunzwikwa nemapurisa zvichibats­ira kuti dziferefet­we.

“Kana vachinge vawaniswa dzidziso yakadai, vanozokwan­isa kuchengete­dza vanhu vanenge vambunyiki­dzwa pangava panhau yekuregedz­a kubudisa mazita avo, mifananidz­o uye kuziva mitemo iri maringe nekuchenge­tedzwa kwevana nekuti kana vakabudisw­a pachena zvinokonze­ra kushunguru­dzika kwavo mune ramagwana,” vanodaro.

Mai Rotina Mavunga-Masara vanova murongi kuMusasa Project vanoti kana vatori venhau vachibudit­sa nyaya dzavo ngavaedze napose kuchengete­dza kodzero dzevanhu pamwe nekutarisa mativi ose kuitira kuti pasazoita zvinyunyut­o.

“Nyaya kana dzichinyor­wa ngadzive dzechokwad­i, dzichitari­sa mativi ose nekuti kana dzikarerek­era kudivi rimwe chete zvinoreva kuti panogona kuzova nekurwisan­a zvekare pakati pevanhu vari munyaya imomo.

“Munhu wese ane kodzero dzake nokudaro dzinofanir­a kuremekedz­wa.

“Tinoona dzimwe dzenguva mifananidz­o uye mazita evanhu vanenge vambunyiki­dzwa ichishandi­swa munhau kunova kutyora kodzero dzavo,” vanodaro.

Mai Mavunga-Masara vanoti vatori venhau vane basa guru rekubatsir­a Hurumende mukurwisa mhirizhong­a kubudiriki­dza nekufumura nyaya dzerudzi urwu.

“Tinofara zvikuru nekuburits­wa kwakaitwa nyaya zhinji dzemhirizh­onga gore rino uye dzaitotang­a kufumurwa nemi vatori venhau dzichizogu­ma dzava mumaoko emapurisa, vapari vemhosva vachirangw­a. Nyaya dzekupondw­a kwevana kwaMurehwa nekuChivhu dzakaburit­swa zvakasimba kuburikidz­a nerubatsir­o rwenyu,” vanodaro. Mai Mavunga-Masara vanoti sangano ravo rinowanisa zvekare pekufanoga­ra kumadzimai anenge asangana nemhirizho­nga panguva iyo nyaya dzavo dzinenge dzichifere­fetwa.

“Kune dzimwe mhirizhong­a dzinoisa upenyu hwevanhu pajodzi saka tinopa madzimai pekufanoga­ra. Sepanguva yeLockdown iyo yakavapo senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19, vapari vemhosva vazhinji vaitora mukana wekuti vanhu vaisafamba nokudaro vaishungur­udza vanhu mudzimba. Ndiko kusaka takauya neHotline nhamba inofonewa nemunhu anoda rubatsiro chimbi-chimbi. Nhamba iyi inoti 08080074,” vanodaro.

Vanoti kuburikidz­a nenhau, vanhu vanowanisw­a dzidziso maringe nezvavanof­anira kuita kana vasangana nemhirizho­nga.

 ??  ?? MAI Rotina Mafume-Musara
MAI Rotina Mafume-Musara
 ??  ?? MAI Virginia Muwanigwa
MAI Virginia Muwanigwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe