Vatori venhau nekurwisa mhirizhonga
SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reMusasa Project, rakaita musangano svondo rapera muguta reHarare wekufundisa vatori venhau nzira dzakakosha mukuburitsa nyaya dzemhirizhonga nemazvo.
Vachitaura pamusangano uyu, Mai Virginia Muwanigwa, avo vanova chamangwiza weGender Commission, vanoti donzvo nderekuona kuti vatori venhau vaita basa ravo nemazvo.
“Vatapi venhau vakakosha zvikuru mukufundisa vanhu maringe nenzira dzekurwisa mhirizhonga pamwe nekufumura dzimwe nyaya dzinenge dzisina kana kunzwikwa nemapurisa zvichibatsira kuti dziferefetwe.
“Kana vachinge vawaniswa dzidziso yakadai, vanozokwanisa kuchengetedza vanhu vanenge vambunyikidzwa pangava panhau yekuregedza kubudisa mazita avo, mifananidzo uye kuziva mitemo iri maringe nekuchengetedzwa kwevana nekuti kana vakabudiswa pachena zvinokonzera kushungurudzika kwavo mune ramagwana,” vanodaro.
Mai Rotina Mavunga-Masara vanova murongi kuMusasa Project vanoti kana vatori venhau vachibuditsa nyaya dzavo ngavaedze napose kuchengetedza kodzero dzevanhu pamwe nekutarisa mativi ose kuitira kuti pasazoita zvinyunyuto.
“Nyaya kana dzichinyorwa ngadzive dzechokwadi, dzichitarisa mativi ose nekuti kana dzikarerekera kudivi rimwe chete zvinoreva kuti panogona kuzova nekurwisana zvekare pakati pevanhu vari munyaya imomo.
“Munhu wese ane kodzero dzake nokudaro dzinofanira kuremekedzwa.
“Tinoona dzimwe dzenguva mifananidzo uye mazita evanhu vanenge vambunyikidzwa ichishandiswa munhau kunova kutyora kodzero dzavo,” vanodaro.
Mai Mavunga-Masara vanoti vatori venhau vane basa guru rekubatsira Hurumende mukurwisa mhirizhonga kubudirikidza nekufumura nyaya dzerudzi urwu.
“Tinofara zvikuru nekuburitswa kwakaitwa nyaya zhinji dzemhirizhonga gore rino uye dzaitotanga kufumurwa nemi vatori venhau dzichizoguma dzava mumaoko emapurisa, vapari vemhosva vachirangwa. Nyaya dzekupondwa kwevana kwaMurehwa nekuChivhu dzakaburitswa zvakasimba kuburikidza nerubatsiro rwenyu,” vanodaro. Mai Mavunga-Masara vanoti sangano ravo rinowanisa zvekare pekufanogara kumadzimai anenge asangana nemhirizhonga panguva iyo nyaya dzavo dzinenge dzichiferefetwa.
“Kune dzimwe mhirizhonga dzinoisa upenyu hwevanhu pajodzi saka tinopa madzimai pekufanogara. Sepanguva yeLockdown iyo yakavapo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, vapari vemhosva vazhinji vaitora mukana wekuti vanhu vaisafamba nokudaro vaishungurudza vanhu mudzimba. Ndiko kusaka takauya neHotline nhamba inofonewa nemunhu anoda rubatsiro chimbi-chimbi. Nhamba iyi inoti 08080074,” vanodaro.
Vanoti kuburikidza nenhau, vanhu vanowaniswa dzidziso maringe nezvavanofanira kuita kana vasangana nemhirizhonga.