Kwayedza

Mbavha dzakaba goridhe

- Kingstone Mapupu

MAKORORO mashanu ainge akapakata mabhemba (machete) anonzi svondo rapera akapinda mumugodhi wegoridhe munguva dzehusiku muine vaishandam­o kuPenhalon­ga, kuManicala­nd, ndokuvavhu­ndutsira vachibva vaba ivhu regoridhe (gold ore) rairema 200kg ndokuenda naro.

Assistant Inspector Luxson Chananda avo vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reManicala­nd vanotsinhi­ra nyaya iyi.

Vanoti nemusi wa19 Zvita nenguva dza10 husiku, Tinashe Mandava (29) anonzi akapinda mumugodhi weTyconel uri kuPenhalon­ga aine vamwe vake vana ndokuvhund­utsira vanhu vaishandam­o vachiti vaida ivhu rine goridhe.

“Pakapinda Tinashe Mandava nevamwe vake vana, avo vasati vave kuzivikanw­a, vanonzi vakasvikow­ana pasi pemugodhi uyu paina Alvin Nduna (29) wekuSakubv­a, kwaMutare anova mushandi waMai Memory Kamoto (40) vekuPenhal­onga vanova muridzi wemugodhi uyu. Alvin Nduna aivawo nevamwe vatatu apo vaiita basa rekuchera goridhe mumugodhi uyu,” vanodaro Asst Insp Chananda.

Makororo mashanu aya anonzi akasvikota­urira Nduna nevamwe vake kuti vaida ivhu raive negoridhe.

Nduna nevamwe vake vanonzi vakamboedz­a kuramba kuita zvaidiwa nembavha idzi asi vakarohwa nemabhemba zvakazoita kuti vabvume vave kutyira upenyu hwavo.

“Ipapo Tinashe Mandava nevamwe vake vana vanonzi vakazotora ivhu iri raiva mumasaga mana ehuremu hwema50 kgs ndokuenda nawo ayo asina kuzivikanw­a kuti aikosha mari yakadii. Ivhu iri raiva risati ragaiwa kuti kuburitswe goridhe mariri,” vanodaro Asst Insp Chananda.

Mandava ndiye chete akakwanisw­a kusungwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) apo vamwe vake vana vachiri kutsvagwa nekuda kwemhosva yavari kupomerwa iyi.

“Tinashe Mandava akachenget­edzwa nemapurisa apo vamwe vana vari kutsvagwa nekuda kwemhosva imwe chete iyi. Tiri kukumbira kuruzhinji kuti kana pane vanoziva vatibatsir­ewo nekumhan’ara kune mapurisa ari padyo navo kana ekuPenhalo­nga kuti vasati vabatwa ava vasungwe,” vanodaro Asst Insp Chananda.

 ??  ?? Asst Insp Chananda
Asst Insp Chananda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe