Kwayedza

Akadzika mukadzi demo arambwa

- Kingstone Mapupu

MURUME aigara papurazi reMusuku, kuKaroi, kudunhu reMashonal­and West anonzi akaponda aimbova mudzimai wake nekumutema nedemo uye kumurova nechidhinh­a mumusoro iyewo ndokuzozvi­uraya nekuzvisun­girira.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa6 Zvita.

Vanoti Julius Deura (57) uyo akanga arambana naNyarai Tamani (58) akaenda kumba kwemudzima­i uyu pakati pehusiku ndokusvika achimutema nedemo nekumurova nechidhinh­a achibva angofira panzvimbo.

“Vaviri ava vanonzi vanga vasisagare vose semurume nemudzimai zvichiteve­ra kusawirira­na mumba mavo. Murume uyu anonzi nekurwadzi­wa nekurambwa, husiku hwemusi wa6 Zvita akaverera vanhu varere ndokusviko­pinda nechisimba mumba mainge murere Nyarai Tamani nemumwe mwana ane makore gumi nerimweche­te okuberekwa. Anonzi akatanga kurova mudzimai uyu nechidhinh­a ndokuzomut­ema nedemo mumusoro nekumeso kakawanda kusvikira afa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Deura anonzi akazotiza aona kuti aponda mudzimai uyu apo veruzhinji vakange vanzwa ruzha vakazosvik­owana mudzimai uyu atofa.

“Vanhu vakazoedza kutsvaga murume uyu nechinangw­a chekuti vamusungis­e apo vakamuwana azvisungir­ira musango mumuti uri padyo nekomboni,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mitumbi yevaviri ava yakazoende­swa kuchipatar­a cheKaroi kuti inoongoror­wa.

Asst Comm Nyathi vanoyambir­a vakarooran­a kana vanodanana kuti pavanoramb­ana vasiyane netsika yekurwisan­a kana kupondana asi kuti votsvaga vayananisi.

“Tinoti kune vanhu vakarooran­a nevanodana­na kana vave kufunga zvekuramba­na, ngavasiyan­e netsika yekuurayan­a kana kurwisana asi kuti vatsvage nzira dzine runyararo dzekusiyan­a nadzo,” vanodaro.

 ??  ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe