Akadzika mukadzi demo arambwa
MURUME aigara papurazi reMusuku, kuKaroi, kudunhu reMashonaland West anonzi akaponda aimbova mudzimai wake nekumutema nedemo uye kumurova nechidhinha mumusoro iyewo ndokuzozviuraya nekuzvisungirira.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa6 Zvita.
Vanoti Julius Deura (57) uyo akanga arambana naNyarai Tamani (58) akaenda kumba kwemudzimai uyu pakati pehusiku ndokusvika achimutema nedemo nekumurova nechidhinha achibva angofira panzvimbo.
“Vaviri ava vanonzi vanga vasisagare vose semurume nemudzimai zvichitevera kusawirirana mumba mavo. Murume uyu anonzi nekurwadziwa nekurambwa, husiku hwemusi wa6 Zvita akaverera vanhu varere ndokusvikopinda nechisimba mumba mainge murere Nyarai Tamani nemumwe mwana ane makore gumi nerimwechete okuberekwa. Anonzi akatanga kurova mudzimai uyu nechidhinha ndokuzomutema nedemo mumusoro nekumeso kakawanda kusvikira afa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Deura anonzi akazotiza aona kuti aponda mudzimai uyu apo veruzhinji vakange vanzwa ruzha vakazosvikowana mudzimai uyu atofa.
“Vanhu vakazoedza kutsvaga murume uyu nechinangwa chekuti vamusungise apo vakamuwana azvisungirira musango mumuti uri padyo nekomboni,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Mitumbi yevaviri ava yakazoendeswa kuchipatara cheKaroi kuti inoongororwa.
Asst Comm Nyathi vanoyambira vakaroorana kana vanodanana kuti pavanorambana vasiyane netsika yekurwisana kana kupondana asi kuti votsvaga vayananisi.
“Tinoti kune vanhu vakaroorana nevanodanana kana vave kufunga zvekurambana, ngavasiyane netsika yekuurayana kana kurwisana asi kuti vatsvage nzira dzine runyararo dzekusiyana nadzo,” vanodaro.