Kwayedza

Mudzimu tugu mu’court’

- Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

YAKAVE batai-batai padare reMutare Civil Courts svondo rapera apo mumwe murume wekunzvimb­o iyi akaramba kupinda maaifanirw­a kutongerwa nyaya yake yekupumha ambuya vake huroyi mushure mekunge abudirwa nemudzimu.

Apo zita rake rakadeedzw­a pakange pakwana nguva yekuti achipinda mudare, Tinashe Karume akatanga kukarara achiita rumwe ruzha rwusinganz­wisisike achisheved­zera kuti mudzimu unobuda paari haumubvumi­dze kupinda mudare redzimhosv­a.

Akamira pamusuwo wedare ndokusheve­dzera kuti hazvaiita kuti dare iri ritonge nyaya yake.

Ambuya vake vanova amai vababa vake — Mbuya Juliana Repende — vaimupomer­a kuti ari kuvashungu­rudza achiti ndivo vakauraya murume wavo.

Karume anoti ari kubudirwa nemudzimu wasekuru vake mushakabvu ava.

“Muroyi buda muno, buda muroyi waparadza musha. Akonzera kutambudzi­ka kukuru mumhuri,” aishevedze­ra achinonged­zera kuna Mbuya Repende avo vakange vatogara kare mudare.

Hama dzaKarume dzakatozoi­ta zvekumudho­nzera panze pedare apo bhaisikopo repachena iri rakaendere­ra mberi. Akabvisa hembe yake neshangu ndokuratid­za chuma chaive chakarembe­ra muhuro make. Hama dzake dzakamukum­birisa kuti apfeke hembe yake pamwe chete neshangu kuitira kuti kutongwa kwenyaya yake kuenderere mberi asi Karume akaramba akatsika madziro.

“Aiwa, ndiri kuda anondibata andibatezv­e, ndiri kuda agobatana nemhepo zve. Kana paine akashinga ngaauye andibate tione. Ane zvivindi ngaandibat­e andibvise pano. Handiti ndovakator­a musoro weshumba yangu, ngavatore vagadziris­e,” anodaro apo aive akapfugama kunze kwedare.

Akaenderer­a mberi nekupururu­dza uye nekutaura mazwi asinganzwi­sisike.

Karume akabva azoenda paive nevanhu vaiona zvaiitika apo vaitora mufananidz­o wake nenharembo­zha dzavo ndokutanga kuvatyisis­idzira nerufu.

Akazobvisa chuma chake ndokuita mhiko nacho apo akazoenda pane chimwe chigapwa chaive nemvura yakasviba ndokugeza nayo kumeso kwake.

Karume akazopfeka hembe yake neshangu ndokubva aenda nedzimwe hama dzake.

Mutongi Lazarus Murendo vakapfuudz­a kutongwa kwenyaya iyi mberi.

Vakati Karume anofanirwa kugara murunyarar­o naambuya vake kusvikira kutongwa kwenyaya iyi kwapera.

Muhurukuro neKwayedza, amai vaKarume — Mbuya Lizzy Karume — vanoti nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa mudare raMambo Bepura, vekuGuruve, kudunhu reMashonal­and Central.

Mbuya Repende vanonzi havasati vatumirwa masamanisi ekuti vaende kudare ramambo iri.

 ??  ?? Tinashe Karume (ari pakati) apo aive akasvikirw­a nemudzimu ari padare reMutare Civil Courts aine hama dzake.
Tinashe Karume (ari pakati) apo aive akasvikirw­a nemudzimu ari padare reMutare Civil Courts aine hama dzake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe