Mudzimu tugu mu’court’
YAKAVE batai-batai padare reMutare Civil Courts svondo rapera apo mumwe murume wekunzvimbo iyi akaramba kupinda maaifanirwa kutongerwa nyaya yake yekupumha ambuya vake huroyi mushure mekunge abudirwa nemudzimu.
Apo zita rake rakadeedzwa pakange pakwana nguva yekuti achipinda mudare, Tinashe Karume akatanga kukarara achiita rumwe ruzha rwusinganzwisisike achishevedzera kuti mudzimu unobuda paari haumubvumidze kupinda mudare redzimhosva.
Akamira pamusuwo wedare ndokushevedzera kuti hazvaiita kuti dare iri ritonge nyaya yake.
Ambuya vake vanova amai vababa vake — Mbuya Juliana Repende — vaimupomera kuti ari kuvashungurudza achiti ndivo vakauraya murume wavo.
Karume anoti ari kubudirwa nemudzimu wasekuru vake mushakabvu ava.
“Muroyi buda muno, buda muroyi waparadza musha. Akonzera kutambudzika kukuru mumhuri,” aishevedzera achinongedzera kuna Mbuya Repende avo vakange vatogara kare mudare.
Hama dzaKarume dzakatozoita zvekumudhonzera panze pedare apo bhaisikopo repachena iri rakaenderera mberi. Akabvisa hembe yake neshangu ndokuratidza chuma chaive chakarembera muhuro make. Hama dzake dzakamukumbirisa kuti apfeke hembe yake pamwe chete neshangu kuitira kuti kutongwa kwenyaya yake kuenderere mberi asi Karume akaramba akatsika madziro.
“Aiwa, ndiri kuda anondibata andibatezve, ndiri kuda agobatana nemhepo zve. Kana paine akashinga ngaauye andibate tione. Ane zvivindi ngaandibate andibvise pano. Handiti ndovakatora musoro weshumba yangu, ngavatore vagadzirise,” anodaro apo aive akapfugama kunze kwedare.
Akaenderera mberi nekupururudza uye nekutaura mazwi asinganzwisisike.
Karume akabva azoenda paive nevanhu vaiona zvaiitika apo vaitora mufananidzo wake nenharembozha dzavo ndokutanga kuvatyisisidzira nerufu.
Akazobvisa chuma chake ndokuita mhiko nacho apo akazoenda pane chimwe chigapwa chaive nemvura yakasviba ndokugeza nayo kumeso kwake.
Karume akazopfeka hembe yake neshangu ndokubva aenda nedzimwe hama dzake.
Mutongi Lazarus Murendo vakapfuudza kutongwa kwenyaya iyi mberi.
Vakati Karume anofanirwa kugara murunyararo naambuya vake kusvikira kutongwa kwenyaya iyi kwapera.
Muhurukuro neKwayedza, amai vaKarume — Mbuya Lizzy Karume — vanoti nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa mudare raMambo Bepura, vekuGuruve, kudunhu reMashonaland Central.
Mbuya Repende vanonzi havasati vatumirwa masamanisi ekuti vaende kudare ramambo iri.