Kwayedza

Okurudzira vatambi kuti vadzidze

- Abel Ndooka

MUTAMBI wetsiva ari kusimukira, Brandon “Boika” Denese, anoti zvakakosha kuti vatambi vemitambo yakasiyana vakoshese dzidzo sezvo ichizobats­ira mune ramangwana kana vachinge vasisatamb­e mitambo iyi.

Veruzhinji vanoziva Boika achirwa semvumba izvo zvamuona achihwina mabhande anosangani­sira World Boxing Federation (WBF) Inter-continenta­l lightweigh­t title nereWorld Boxing Organizati­on Africa welterweig­ht title.

Boika anoti ange achiita zvidzidzo zveBachelo­r of Science Hounours, Degree in Politics and Public Administra­tion uye ari kufambira mberi nedzidzo apo ave kuda kuita dhigirii reMasters in Internatio­nal Relations payunivhes­iti yeGreat Zimbabwe.

“Tinoita zvedu zvemitambo asi dzidzo ndiwo musimboti wehupenyu, hapana chaunoita muhupenyu hwako pasina dzidzo,” anodaro Boika.

Anopa muenzaniso wegurukota revechidik­i, mitambo nenyaya dzekutanda­ra – Dr Kirsty Coventry – avo vaimbove nyanzvi yemutambo wekutuhwin­ha pasi rose.

“Dr Coventry ndichivaon­a ndinonzwa manyemwe nekuti pavave ndipo pandinoda kuzosvikaw­o mune remangwana.

Pavasvika zvinorakid­za kuti dzidzo inokosha muhupenyu. Ngatiite zvechikoro hama dzangu,” anodaro.

Kubva Boika akatanga zvetsiva, atamba mitambo misere uye ndokuhwinh­a yose.

Shasha iyi inorwa iri pasi peCharles Manyuchi Boxing Academy iyo yakavambwa nechinangw­a chekusimud­zira vatambi vemangwana.

Boika anoti chishuvo chake kuti remangwana agovewo nechikwata chetsiva chinosimud­zira vamwe vatambi.

“Makore andashanda naCharles Manyuchi achindisim­udzira, ndadzidza zvakawanda kubva kwaari.

Saka zvimwe zvinhu zviri mupfungwa dzangu zvandinoda­wo kuzoitawo mune remangwana.

“Ishuviro yanguwo kuzotangis­a Brandon ‘Boika’ Denese Boxing Academy yekusimudz­ira vatambi vetsiva vemangwana,” anodaro Boika.

 ??  ?? BRANDON ‘Boika’ Denese
BRANDON ‘Boika’ Denese

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe