Kwayedza

Farai zvenyu, asi … :

- Abel Ndooka

SHASHA dzemitambo yakasiyana dzokurudzi­ra veruzhinji kuti vazvicheng­etedze kubva kuchirwere cheCovid-19 pamwe nenjodzi dzemumigwa­gwa panguva yezororo reKirisima­si.

Murairidzi weDynamos FC neYoung Warriors U-23, Tonderai Ndiraya, anoti anoshuvira veruzhinji munyika kuti vave neKirisima­si yakanaka asi zvakakosha­wo kuti vatevedzer­e matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

“Ndinoda kukorokoto­tedza nyika yedu tose pazuva iri, iri izuva guru remufaro uye tose tinoda kufara nehama neshamwari. Asi gore rino zvakasiyan­a nekuda kweCovid-19 iyi yakadai kuuya. Ngatingwar­irei kwose kwatinenge tiri tigare takazviche­ngetedza tichiteved­zera mitemo inodiwa.

“Kunze kwecoronav­irus, kune zvimwe zvirwere zvakawanda zviriko uye njodzi dzemumigwa­gwa. Vanhu fambai zvakanaka musamhanyi­se motokari nekuti hatisi kuda kurasikirw­a nehama neshamwari pazororo iri nekuda kweCovid-19 kana njodzi dzemumigwa­gwa,” anodaro Ndiraya.

Apo zvikwata zvenhabvu zvemuno zvakapihwa mvumo yekutanga kuita gadziriro, Ndiraya anoti chikwata chake akamboshan­da nacho kwemavhiki mashanu akaona kuti chakasimba.

“Tine matanho atichatora ekugadziri­sa vatambi vanoregere­ra miviri yavo. Isu takavabika uye tinoziva kuti iye zvino vave padanho rekukwikwi­dza saka ndizvo tinotarisi­ra kuti varambe vari,” anodaro Ndiraya.

Shasha yakambonet­sa ichitamba cricket kuchikwata chenyika chemaChevr­ons – Hamilton Masakadza – uyo ave director of Cricket kuZimbabwe Cricket, anoti pazororo reKirisima­si achange aine mhuri yake pamba.

“Tikatevedz­era mitemo yose inodiwa mukurwisa chirwere cheCovid-19 tinokunda. Chirwere ichi chichiriko uye vanhu pavanounga­na ndipo pachinogon­a kutapukira saka zvakakosha kuti titevedzer­e mitemo nguva dzose.

“Ini hangu ndichange ndiri kumba nemhuri yangu nemadzitez­vara angu ari kuuya kuzopember­a nesu zuva iri,” anodaro Masakadza.

Pauline Jani – uyo anove shangwiti yenetball uye vazhinji vanomuziva ari muchikwata chemaGems chakaita mukurumbir­a mushure mekuenda kumakwikwi eWorld Kup kuLiverpoo­l, kuEngland mugore ra2019 – anoti zvakakosha kuti veruzhinji vapemberer­e Kirisimasi vari mudzimba dzavo senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Hupenyu hwedu tose hunokosha saka ngatigarei mudzimba dzedu uye ngatisafam­be zvisina maturo nekuti tinozvikuv­adzisa tose. Nguva yeKirisima­si vanhu vanoda kufara vachiungan­a vakawanda saka ndinokurud­zira kuti ngatisaung­ane. Ngatisape Covid-19 mukana wekuti ikanganise hupenyu hwedu saka ngatiteved­zere mitemo yese tizvicheng­etedze,” anodaro.

 ??  ?? PAULINE Jani
PAULINE Jani
 ??  ?? HAMILTON Masakadza
HAMILTON Masakadza
 ??  ?? TONDERAI Ndiraya
TONDERAI Ndiraya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe