MAKONDOMU PEPEPE DHU
tinokushuwirai zororo rekirisimasi rizere nerufaro nerunyararo. Yeukai kuti covid
CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kukonzera kushomeka kwemakondomu kumatunhu enyika anosanganisira kuSanyati zvichitevera matanho akatarwa ekurwisa denda iri ekuti veruzhinji vasafambe-fambe (lockdown).
Mashoko aya akataurwa naMai Virginia Tausa avo vanove District AIDS Co-ordinator kusangano reNational AIDS Council (NAC) kudunhu reSanyati nguva pfupi yadarika vachiti kushaikwa kwemakondomu kune njodzi yekuti vanhu vanopinda pabonde vasina dziviriro vanogona kutapurirana zvirwere zvepabonde.
“Hakuna akanga akagadzirira kana kuronga kuti Covid-19 ichaita nguva refu iriko uye ichagarisa vanhu mudzimba zvakanyanya. Izvi zvaita kuti makondomu asafambiswe zvakanaka kuenda kunzvimbo dzakasiyana.
“Semudunhu reSanyati, takaona kuti dambudziko iri ranga ranetsa zvikaita kuti sesangano tityire kuti vanhu vazhinji vachatapurirana zvirwere zvepabonde,” vanodaro.
Mai Tausa vanoti kunzvimbo yeSanyati kune makorokoza akawandisa anoita zvekuchera goridhe avo dzimwe nguva vanopedzisira vave kutsvaga vanhukadzi, kusanganisira vanoita basa rekutengesa miviri yavo, vekufara navo izvo zvinoita kuti makondomu adiwe zvakanyanya.
“Makondomu anofanira kupihwa pachena. Zvisinei, kune vamwe vanoita zvekutengesa miviri yavo vanozopedzisira vatora makondomu avanenge vawanawo nedzimwe nzira pachena votanga kuatengesa nemutengo wakati kwirei vachishandisa mukana wekuti ari kushaikwa. Izvi zvinokonzeresa kuti vamwe vanoshaya mari yekuatenga vaende pabonde vasina kupfeka makondomu izvo zvine njodzi huru kuutano hwavo.”
NAC, vanodaro Mai Tusa, iri kushanda nesimba kuti veruzhinji pamwe chete nevanotengesa miviri yavo vakwanise kuwana makondomu sezvo iyi iri nzira huru yekuderedza kupararira kwezvirwere zvepabonde, kusanganisira HIV neAIDS.