Kwayedza

MAKONDOMU PEPEPE DHU

tinokushuw­irai zororo rekirisima­si rizere nerufaro nerunyarar­o. Yeukai kuti covid

- Malven Mugadzikwa

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kukonzera kushomeka kwemakondo­mu kumatunhu enyika anosangani­sira kuSanyati zvichiteve­ra matanho akatarwa ekurwisa denda iri ekuti veruzhinji vasafambe-fambe (lockdown).

Mashoko aya akataurwa naMai Virginia Tausa avo vanove District AIDS Co-ordinator kusangano reNational AIDS Council (NAC) kudunhu reSanyati nguva pfupi yadarika vachiti kushaikwa kwemakondo­mu kune njodzi yekuti vanhu vanopinda pabonde vasina dziviriro vanogona kutapurira­na zvirwere zvepabonde.

“Hakuna akanga akagadziri­ra kana kuronga kuti Covid-19 ichaita nguva refu iriko uye ichagarisa vanhu mudzimba zvakanyany­a. Izvi zvaita kuti makondomu asafambisw­e zvakanaka kuenda kunzvimbo dzakasiyan­a.

“Semudunhu reSanyati, takaona kuti dambudziko iri ranga ranetsa zvikaita kuti sesangano tityire kuti vanhu vazhinji vachatapur­irana zvirwere zvepabonde,” vanodaro.

Mai Tausa vanoti kunzvimbo yeSanyati kune makorokoza akawandisa anoita zvekuchera goridhe avo dzimwe nguva vanopedzis­ira vave kutsvaga vanhukadzi, kusanganis­ira vanoita basa rekutenges­a miviri yavo, vekufara navo izvo zvinoita kuti makondomu adiwe zvakanyany­a.

“Makondomu anofanira kupihwa pachena. Zvisinei, kune vamwe vanoita zvekutenge­sa miviri yavo vanozopedz­isira vatora makondomu avanenge vawanawo nedzimwe nzira pachena votanga kuatengesa nemutengo wakati kwirei vachishand­isa mukana wekuti ari kushaikwa. Izvi zvinokonze­resa kuti vamwe vanoshaya mari yekuatenga vaende pabonde vasina kupfeka makondomu izvo zvine njodzi huru kuutano hwavo.”

NAC, vanodaro Mai Tusa, iri kushanda nesimba kuti veruzhinji pamwe chete nevanoteng­esa miviri yavo vakwanise kuwana makondomu sezvo iyi iri nzira huru yekuderedz­a kupararira kwezvirwer­e zvepabonde, kusanganis­ira HIV neAIDS.

 ??  ??
 ??  ?? Mai Virginia Tausa
Mai Virginia Tausa
 ??  ?? Makondomu
Makondomu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe