Mbiri yako ndeyei?
PANOZVARWA munhu vanhu vanopururudza kuti makorokoto tawanda mumusha, mudunhu kana munyika.
Vanofara vachiti tawanda nokuti vanenge vaine chivimbo chekuti mukuwanda, nepfungwa dzekubatsirana mumatambudziko anosanganisira kupedza nzara nekurima, kugadzira zvikwanisiro zvekurimisa nezvemumakambani, vadzidzisi vanopa njere nechiedza kumhuri dzedu, vafundisi vemakereke vanotinyaradza nekutisimbaradza, nekutidzora patinorasika, varapi vanowandawo.
Izvi ndizvo zvimwe zvezvishoma zvinotarisirwa nekupururudzirwa nevanhu panozvarwa munhu, paanobudirira mukudzidza kwake, paanoroora kana kuroorwa.
Asi izvi handizvo zvatinozoona nguva zhinji kana vana vatinopururudzira ava vakura. Vamwe tinoona vave zvigonamubhawa, mhondi, mbimbindoga kana mbavha dzemakoko. Wotoshama kuti ko ndiye mwana akatounganirwa nechita chevanhu vachifarira kuti kwazvarwa munhu, nyamba hapana nezvemunhu wose.
Zvino dare rino rinosiririswa zvikuru kana tarisiro yevanhu vakapururudzira vana ava ichiraswa sezvizvi. Padare pano pari kusvika zvichemo zvakawanda zvinoda kuti vana vemhuri yeZimbabwe vaonesane vagozvinzvera kuti mbiri yavowo ndeyeyi sedungamunhu? Chii chaizvo chaunozivikanwa nacho, chaungati vakapururudza pawakazvarwa, pawakabudirira muzvidzidzo zvako, pawakaroora kana kuroorwa havana kutambisa nguva yavo? Unogona kunongedzera here kuti ini ndaita ichi nechocho mumhuri yangu, mudunhu rangu, mukambani yangu, kana munyika yangu? Unogonazve here kuona kuti zvawakaputsa ndezvipi pamwe semutungamiri mumhuri mudunhu kana mukambani?
CHENJEDZO:
Mbiri yakanaka ndeyekusiya zvinhu zvipenyu zvinobatika zvinoyamura munharaunda maugere kana maunoshanda mungava mumusha, mudunhu, mukambani kana munyika. Naizvozvo dare rino rinotikurudzira tose mhuri yeZimbabwe kuti tisiyewo matsimba edu, ruoko rwedu, mune zvakanaka zvatinozivikanwa nazvo kwete zvakaipa zvisina pundutso.
Mbiri mhenyu ndiyo ine pundutso. Saka ngatishandei tichiyeuka vaya vakatipururudzira vachifunga kuti pane zvipenyu zvichabvawo matiri.