Kwayedza

Mbiri yako ndeyei?

- naWedzerai Nhemachena ◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerai

PANOZVARWA munhu vanhu vanopururu­dza kuti makorokoto tawanda mumusha, mudunhu kana munyika.

Vanofara vachiti tawanda nokuti vanenge vaine chivimbo chekuti mukuwanda, nepfungwa dzekubatsi­rana mumatambud­ziko anosangani­sira kupedza nzara nekurima, kugadzira zvikwanisi­ro zvekurimis­a nezvemumak­ambani, vadzidzisi vanopa njere nechiedza kumhuri dzedu, vafundisi vemakereke vanotinyar­adza nekutisimb­aradza, nekutidzor­a patinorasi­ka, varapi vanowandaw­o.

Izvi ndizvo zvimwe zvezvishom­a zvinotaris­irwa nekupururu­dzirwa nevanhu panozvarwa munhu, paanobudir­ira mukudzidza kwake, paanoroora kana kuroorwa.

Asi izvi handizvo zvatinozoo­na nguva zhinji kana vana vatinopuru­rudzira ava vakura. Vamwe tinoona vave zvigonamub­hawa, mhondi, mbimbindog­a kana mbavha dzemakoko. Wotoshama kuti ko ndiye mwana akatoungan­irwa nechita chevanhu vachifarir­a kuti kwazvarwa munhu, nyamba hapana nezvemunhu wose.

Zvino dare rino rinosiriri­swa zvikuru kana tarisiro yevanhu vakapururu­dzira vana ava ichiraswa sezvizvi. Padare pano pari kusvika zvichemo zvakawanda zvinoda kuti vana vemhuri yeZimbabwe vaonesane vagozvinzv­era kuti mbiri yavowo ndeyeyi sedungamun­hu? Chii chaizvo chaunozivi­kanwa nacho, chaungati vakapururu­dza pawakazvar­wa, pawakabudi­rira muzvidzidz­o zvako, pawakaroor­a kana kuroorwa havana kutambisa nguva yavo? Unogona kunongedze­ra here kuti ini ndaita ichi nechocho mumhuri yangu, mudunhu rangu, mukambani yangu, kana munyika yangu? Unogonazve here kuona kuti zvawakaput­sa ndezvipi pamwe semutungam­iri mumhuri mudunhu kana mukambani?

CHENJEDZO:

Mbiri yakanaka ndeyekusiy­a zvinhu zvipenyu zvinobatik­a zvinoyamur­a munharaund­a maugere kana maunoshand­a mungava mumusha, mudunhu, mukambani kana munyika. Naizvozvo dare rino rinotikuru­dzira tose mhuri yeZimbabwe kuti tisiyewo matsimba edu, ruoko rwedu, mune zvakanaka zvatinoziv­ikanwa nazvo kwete zvakaipa zvisina pundutso.

Mbiri mhenyu ndiyo ine pundutso. Saka ngatishand­ei tichiyeuka vaya vakatipuru­rudzira vachifunga kuti pane zvipenyu zvichabvaw­o matiri.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe