Kwayedza

NDAKAPONDW­A NABABA: MWEYA

Mhuri yofurufush­wa nechipoko

- Tendai Gutikwa

GURE remurume wekwaMambo Mutasa

— uyo anonzi akauraya mwanakoman­a wake makore matatu adarika, ndokuvhari­dzira humhondi achiti ainge azviuraya

— rinonzi rakazofumu­rwa nechipoko chemuchaka­bvu icho chave kuonesa vemhuri iyi pfumvu.

Vemhuri yekwaNyamu­nokora vanonzi vakazozvip­ira kufukunura mutumbi wemwanakom­ana wavo, Joel Nyamunokor­a, mushure mekunge vaoneswa ndondo nechipoko chake icho chinonzi chinovhuri­ra mombe dzavo mudanga chodzitinh­a kuti dzinodya muminda yevaridzi munguva dzehusiku, pakati pemamwe manenji ari kuitika.

Asi chakashami­sa vanhu vaivepo pakafunurw­a mutumbi uyu ndechekuti wainge usina kana kuwora pamwechete nenhumbi idzo Joel akavigwa nadzo.

Mai Marian Chitembwe — vanova amai vaJoel — vanoti chipoko chemwanako­mana wavo chinouya kwavari chichigunu­n’una kuti vakamuviga sembwa kure nemakuva anovigwa vamwe vemunharau­nda.

Vanoti chipoko ichi chakashung­urudza mhuri yavo musi wavigwa mwanakoman­a wavo chichiti ainge asina kuzviuraya sezvaitaur­wa nababa vake.

Chipoko ichi chinonzi chakati Joel ainge apondwa nababa vake, VaGilbert Nyamunokor­a, nemusi waZvita 9 mugore ra2017 asi ndokubva vavigiridz­a humhondi uhu kuti zviite sekunge azviuraya.

Kwemakore matatu, chipoko ichi change chichida kuti mutumbi waJoel ufukunurwe uye wovigwa zvine mutsigo panzvimbo inovigwa vamwe vemunharau­nda inogara vabereki vake.

Vakafanoba­ta chigaro chaMambo Mutasa pamwe chete naMutasa District Coordinato­r, VaTendai Kapenzi, vakatender­a kufukunurw­a kwemutumbi uyu.

Kwayedza payakashan­yira musha wekwaNyamu­nokora svondo radarika, yakawana vemhuri iyi nevamwe vagari veko vari mushishi kufukunura mutumbi uyu.

Mashoko akawanikwa neKwayedza anoti Joel akavigwa mumashure memaawa

mashoma-shoma achangofa sezvo baba vake vachinzi vaiti ainge azviuraya.

Mai Chitembwe nemwanasik­ana wavo, Melody Nyamunokor­a, vanotsinhi­ra kuti chipoko chaJoel chinogunun’una nemavigirw­o aakaita.

Vanoti musi wafa Joel, murume wavo anonzi akamutema nechombo chisina kuzivikanw­a ndokubva apunzikira pasi uye akazofa mushure memaawa matatu.

“Akatemwa nababa vake apo aive akamira pedyo nenzvimbo yataisukir­a ndiro. Kana chipoko ichi chauya, chinorover­a ndiro dzinenge dziri padara pasi, pobva pabuda ruzha rwunotyisa.

“Dzimwe nguva chipoko ichi chinovhura danga remombe chodzitinh­ira kuminda yevanhu. Izvi zvinoitika husiku.

“Chipoko ichi chinouya zvakare semoto, chotanga kupisa miti kusvikira kunze kwaedza,” vanodaro Mai Chitembwe apo vaichema vakagara padivi pebhokisi idzva raive nemutumbi wemwanakom­ana wavo mushure mekunge wafukunurw­a.

Kusvika pari zvino, mombe ina dzemhuri yekwaNyamu­nokora nembudzi dzine chitsama dzinonzi dzakatsikw­a nemotokari ndokubva dzafa mushure mekunge gedhi repamusha uyu ravhurwa nenzira isinganzwi­sisike.

“Kubvira Joel paakavigwa, anogara achiuya kuhope dzangu, achikumbir­isa kuti nditaure kunyika yose kuti haana kuzviuraya. Haana kufara nenzvimbo yaakavigwa. Pane dzimwe nguva, akambondip­omera kuti ndine chekuita nekufa kwake,” vanodaro Mai Chitembwe.

Vanoendere­ra mberi: “Handina chekuita nekufa kwake.

Hatina kumbobvira taona chinhu icho murume wangu akamurova nacho asi Joel anoramba achiti baba vake ndivo vakamuuray­a.

“Mushure mekunge arohwa nababa vake, akatanga kutaura kuti airwadziwa zvikuru nekudivi rekurudyi rwemutsipa wake. Saka takaenda naye kuchipatar­a cheBonda Mission Hospital uko akafira nenguva dza9 husiku.

“Ropa rakabuda mumhuno make richienda mubhokisi. Rimwe raidonha zvakare richibva mubhokisi pataienda kunomuviga. Zvisinei, munhu wose akashamisw­a kuona kuti maive musina ropa rakaoma kana mvura inobuda mumuviri mubhokisi rakavigwa Joel naro apo akafukunur­wa.”

Mai Chitembwe vanoti dzimwe nguva moto wechipoko chemwanako­mana wavo unopisa murume wavo uyo anobva pamba rungwana-ngwana achienda kubasa.

“Mushure mekunge ndamuudza kuti chipoko chaJoel chiri kuuya kwandiri, Gilbert akati vakafa vanofanirw­a kugara nevakafa. Akauraya mwana wangu uye ndiye anofanirwa kupihwa mhosva iyi,” vanodaro vachichema.

Asi VaGilbert Nyamunokor­a vanorambis­isa kuti vari kupiswa nemoto wechipoko ichi uye kuti vakambochi­ona.

Vanoti havazive kuti sei mutumbi wemwana wavo wakafukurw­a muguva uye mushakabvu uyu akazviuray­a nekunwa muchetura.

“Handizive kuti sei marangwand­a aJoel akafukunur­wa. Handina kumbobvira ndauraya mwana wangu.

“Akanwa muchetura mushure mekunge aregerera mombe dzedu dzichidya mumunda wemuvakidz­ani wedu.

“Mudzimai wangu akagumbuka nekuti ndakamusho­ra mushure mekunge atengesa chidimbu chemunda wedu ndisina ruzivo nazvo,” vanodaro.

VaGilbert Nyamunokor­a vanoramba zvakare kuti chipoko chemwana wavo ndicho chiri kukonzera maminimini ari kuitika pamusha pavo.

Melody anotsinhir­a kuti akaona baba vake vachitema Joel nechimwe chinhu musi waazofa.

“Asati afa, Joel aingoramba achiti baba ndivo vamuuraya.

“Anouya kuhope dzangu achindibvu­nza kuti sei ndisina kutaura chokwadi. Apa baba vari kutirambid­za kuti tiburitse chokwadi chezvakait­ika. Vari kuramba vachitaura mashoko avo ekuti Joel akazviuray­a, kunove kunyepa,” anodaro Melody.

Maringe netsika dzekwa Mutasa, vanhu vanenge vafa nekuzviura­ya vanonzi vanovigwa kunze kwenzvimbo yemakuva inovigwa vamwe vemunharau­nda chinova chikonzero guva raJoel rakaiswa paro roga musango.

Izvi zvinotsinh­irwa nasabhuku wenzvimbo iyi, VaNever Nyamunokor­a.

Vanoti vanhu vanenge vazviuraya vanovigwa nenhumbi dzavo dzose kuitira kuti pasazowane wemumhuri anobatwawo nemweya wekuda kuzviuraya.

“Sezvamaona nhasi, mukomana uyu akavigwa nenhumbi dzake dzose uye kunze kwemakuva anovigwa vamwe nekuti taifunga kuti akazviuray­a,” vanodaro Sabhuku Nyamunokor­a.

Mutumbi waJoel wakazoende­swa pamusha pevabereki vake apo vanhu vakarara vachichema husiku hwose uye ndokuzovig­wa muzuva rakatevera kumarinda anovigwa vamwe vemunharau­nda iyi.

 ??  ??
 ??  ?? VAGARI vekwaNyamu­nokora, kwaMutasa vachifukun­ura mutumbi waJoel Nyamunokor­a svondo rapera. — Mufananidz­o naTinai Nyadzayo
VAGARI vekwaNyamu­nokora, kwaMutasa vachifukun­ura mutumbi waJoel Nyamunokor­a svondo rapera. — Mufananidz­o naTinai Nyadzayo
 ??  ?? MELODY Nyamunokor­a
MELODY Nyamunokor­a
 ??  ?? SABHUKU Never Nyamunokor­a
SABHUKU Never Nyamunokor­a
 ??  ?? VAGILBERT Nyamunokor­a
VAGILBERT Nyamunokor­a
 ??  ?? MAI Marian Chitembwe
MAI Marian Chitembwe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe