Musatambe neCovid-19
COVID-19 — chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus icho chakatanga kuonekwa gore ra2019 — chiriko.
Kwete muZimbabwe bedzi, asi pasi rose vanhu vapera kubatwa nacho vamwe vachiita gatakata kufa.
Semamiriro azvakaita iye zvino, Covid-19 haina kwairi kuenda asi kuti vanhu ndivo vari kuenda — tapera kufa.
Chirwere ichi chiri kuramba chichitekeshera pamwechete nekuuraya vanhu munyika muno izvo zvaona Hurumende ichitora matanho akasimba ekuedza kumisa kupararira kwacho.
Mudunhu reSouthern African Develoment Community (SADC), Zimbabwe iri pechipiri panyika nomwe dziri kuitwa ongororo zuva nezuva panyaya yevanhu vari kufa nekuda kweCovid-19.
South Africa ndiyo iri pamusoro. Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 551 vange vafa nekuda kweCovid-19 munyika muno. Vanhu 23 239 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus mushure mekuvhenekwa muZimbabwe yose. Pavarwere ava, 13 396 vakatopona.
Kusvika nemusi weChipiri, vanhu vanodarika 32 425 vakange vafa neCovid-19 kuSouth Africa apo vamwe 1,1 miriyoni vakabatwa nechirwere ichi. Kana takatarisa Zimbabwe, zviri pachena kuti mamiriro akaita zvinhu pari zvino haana kunaka zvachose nekuda kwekupararira kuri kuita denda iri uye nehuwandu hwevari kufa.
Zuva roga-roga kune vanhu vari kufa neCovid-19 munyika muno vari pakati pe15 ne34. Vamwe vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi zvakare uye izvi zvasiyana nenguva yadarika apo kwaigona kupera kana masvondo maviri pasina munhu afa neCovid-19 munyika muno.
Chinoshamisa ndechekuti zvisinei nematanho ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwedenda iri, ayo anosanganisira kuti veruzhinji vagare kudzimba kwemazuva 30, kune dzimwe nhinhi dziri kuramba dzakaisa zvimiti munzeve.
Pari zvino vanhu vanoita mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa. Asi unoona vamwe vakadai sevanotengesa zvinhu mumigwagwa zvisiri pamutemo nevanoita basa rekupidigura mari vachimira-mira mukati memaguta vasina hanya nekutevedzera mitemo inodiwa pakurwisa Covid-19.
Kune vamwe vemabhawa zvakare vari kuvhura zvechitsotsi apo doro riri kutengeswa nerweseri zvisinei nekuti Hurumende yakadzika mutemo unoti mabhawa nedzimwe nzvimbo dzinotandarira vanhu dzimbovharwa. Kumarukisheni nedzimwe nzvimbo dzemabhizimisi, vanhu vari kuonekwa vachiungana uye vamwe vacho vasina kupfeka mamasiki.
Unobva watozvishairwa pazvo kuti vamwe vanhu vanoda kuita zvekuitwa sei chaizvo kuti vakwanise kutevedzera matanho akatarwa ekurwisa denda iri. Chirwere cheCovid-19 hachizi chekuita zvejee kana dambe nacho uye kunyanya kana tichitarisa kuti kwave nemhando itsva yedenda iri iyo inonzi inopararira nekukasika uye ichikonzera rufu nekukasika zvakare.
Zimbabwe handiyo nyika yoga iri kutora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwedenda iri asi kuti izvi zvirikowo zvakare kune dzimwe nyika dzinosanganisira South Africa neUnited Kingdom.
Hondo yekurwisa Covid-19 haidi zinyeke-nyeke uye hazvibatsire kuti munhu azozvionera pamhuno sefodya nekuti panguva iyoyo anenge atarisana nerufu.
Vakuru vanoti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. Ane nzeve dzekunzwa ngaanzwe. Covid-19 haisi yekutamba nayo!