Kwayedza

Musatambe neCovid-19

-

COVID-19 — chirwere chinokonze­rwa nehutachio­na hunonzi coronaviru­s icho chakatanga kuonekwa gore ra2019 — chiriko.

Kwete muZimbabwe bedzi, asi pasi rose vanhu vapera kubatwa nacho vamwe vachiita gatakata kufa.

Semamiriro azvakaita iye zvino, Covid-19 haina kwairi kuenda asi kuti vanhu ndivo vari kuenda — tapera kufa.

Chirwere ichi chiri kuramba chichiteke­shera pamwechete nekuuraya vanhu munyika muno izvo zvaona Hurumende ichitora matanho akasimba ekuedza kumisa kupararira kwacho.

Mudunhu reSouthern African Develoment Community (SADC), Zimbabwe iri pechipiri panyika nomwe dziri kuitwa ongororo zuva nezuva panyaya yevanhu vari kufa nekuda kweCovid-19.

South Africa ndiyo iri pamusoro. Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 551 vange vafa nekuda kweCovid-19 munyika muno. Vanhu 23 239 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus mushure mekuvhenek­wa muZimbabwe yose. Pavarwere ava, 13 396 vakatopona.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu vanodarika 32 425 vakange vafa neCovid-19 kuSouth Africa apo vamwe 1,1 miriyoni vakabatwa nechirwere ichi. Kana takatarisa Zimbabwe, zviri pachena kuti mamiriro akaita zvinhu pari zvino haana kunaka zvachose nekuda kwekuparar­ira kuri kuita denda iri uye nehuwandu hwevari kufa.

Zuva roga-roga kune vanhu vari kufa neCovid-19 munyika muno vari pakati pe15 ne34. Vamwe vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi zvakare uye izvi zvasiyana nenguva yadarika apo kwaigona kupera kana masvondo maviri pasina munhu afa neCovid-19 munyika muno.

Chinoshami­sa ndechekuti zvisinei nematanho ari kutorwa neHurumend­e ekurwisa kupararira kwedenda iri, ayo anosangani­sira kuti veruzhinji vagare kudzimba kwemazuva 30, kune dzimwe nhinhi dziri kuramba dzakaisa zvimiti munzeve.

Pari zvino vanhu vanoita mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa. Asi unoona vamwe vakadai sevanoteng­esa zvinhu mumigwagwa zvisiri pamutemo nevanoita basa rekupidigu­ra mari vachimira-mira mukati memaguta vasina hanya nekutevedz­era mitemo inodiwa pakurwisa Covid-19.

Kune vamwe vemabhawa zvakare vari kuvhura zvechitsot­si apo doro riri kutengeswa nerweseri zvisinei nekuti Hurumende yakadzika mutemo unoti mabhawa nedzimwe nzvimbo dzinotanda­rira vanhu dzimbovhar­wa. Kumarukish­eni nedzimwe nzvimbo dzemabhizi­misi, vanhu vari kuonekwa vachiungan­a uye vamwe vacho vasina kupfeka mamasiki.

Unobva watozvisha­irwa pazvo kuti vamwe vanhu vanoda kuita zvekuitwa sei chaizvo kuti vakwanise kutevedzer­a matanho akatarwa ekurwisa denda iri. Chirwere cheCovid-19 hachizi chekuita zvejee kana dambe nacho uye kunyanya kana tichitaris­a kuti kwave nemhando itsva yedenda iri iyo inonzi inopararir­a nekukasika uye ichikonzer­a rufu nekukasika zvakare.

Zimbabwe handiyo nyika yoga iri kutora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwedenda iri asi kuti izvi zvirikowo zvakare kune dzimwe nyika dzinosanga­nisira South Africa neUnited Kingdom.

Hondo yekurwisa Covid-19 haidi zinyeke-nyeke uye hazvibatsi­re kuti munhu azozvioner­a pamhuno sefodya nekuti panguva iyoyo anenge atarisana nerufu.

Vakuru vanoti ndambakuud­zwa akaonekwa nembonje pahuma. Ane nzeve dzekunzwa ngaanzwe. Covid-19 haisi yekutamba nayo!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe