Kwayedza

Taurairwa mabasa: Varimi

- Muchaneta Chimuka

VAMWE varimi vanonzi vari kuchema-chema nenhau yekushaiwa matsamba ekufambisa kuti vakwanise kuenda kuminda yavo munguva ino ye”lockdown”izvo zvave kuita kuti vakundikan­e kufambiran­a nemwaka.

Muhurukuro neKwayedza, Muzvare Olga Nhari — avo vanova sachigaro wesangano revarimi vechidzima­i reWomen in Agricultur­e Union — vanoti chirwere cheCovid-19 chakangani­sa mabasa avo.

“Gore rino tiri kutarisira kuva nemaguta zvichiteve­ra kunaya kuri kuita mvura zvakanaka uye varimi vazhinji vakagona kubata mwaka vakadyara zvirimwa zvinosanga­nisira chibage, nzungu, nyimo, mapfunde nezvimwe.

“Zvipfuyo zvakaita senguruve, hove, huku, mombe, mbudzi nezvimwe zviri kuratidza kuita zvakanaka. Asi dambudziko rekuwanda kwenyaya dzechirwer­e cheCovid-19 munyika ndiro raona vamwe varimi avo vakanga vari kugara kure neminda yavo vachimbomi­ra kuita mabasa avo nekuda kwekuti havana matsamba ekufambisa. Kuti uve nematsamba iwayo ibasa guru nekuti unofanira kunge uine magwaro anoratidza kuti munda ndewako saka kune vamwe vaya vari kurenda minda zvinoreva kuti hazvichasi nyore kuti vaende kunorima panguva ino yelockdown,”anodaro Muzvare Nhari.

Anoti kune vamwe varimi vanofanira kunge vachitenge­sa zvirimwa zvavo kumisika yakadai sekuMbare Msika, muguta reHarare, vachibva kumapurazi kana kumisha asi nekuda kwekuti vanhu vakambomis­wa kufamba kwemwedzi wose zvinoreva kuti vava kugumisira vatengesa zvirimwa izvi munzvimbo dzisina misika mikuru zvichiita kuti varasikirw­e.

Murimi wehuku, Mai Jasper Mlambo vekuBindur­a, vanoti kune vemakamban­i vaisitenga huku dzavo asi zvino vakambovha­ra.

“Nguva yadarika, taingofone­rwa nevemakamb­ani vachiti unzai huku 500 kana kudarika, asi iko zvino tava kungonzi tiunze 20 kana gumi chaidzo nekuti vashandi vava vashoma vanenge vachida kubikirwa chikafu.

“Tava kutongoten­gesa mudzimba asi nekuoma kuri kuita upenyu apo vanhu vasiri kuenda kumabasa, kutengwa kwadzo kwaderera. Kutaura chokwadi Covid-19 yatiurayir­a basa isu varimi,” vanodaro.

Mutungamir­iri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Associatio­n Trust (ZIWFAT), Mai Depinah Nkomo, vanotenda Hurumende nekuunza chirongwa chelockdow­n kuti vanhu vasaramba vachifamba-famba zvisina tsarukano nedonzvo rekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Kudzivirir­wa kwechirwer­e kwakakosha pane kuchirapa. Saka tinotenda Hurumende yakatarisa chikamu chezvekuri­ma kuti chishande munguva ino yelockdown. Tine hurombo nevamwe varimi avo vari kukundikan­a kuenda kuminda yavo nekuda kwekushaya matsamba ekufambisa nekuti zvinodzore­ra kumashure,” vanodaro.

Pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19, nyaya dzekurima dzinotorwa sedzakakos­ha nekudaro mabasa ane chekuita nekurima haafanirwe kukanganis­wa.

 ??  ?? MUZVARE Olga Nhari
MUZVARE Olga Nhari

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe