Kwayedza

MHURI YOGARISWA MUSANGO NA’PAPA’

‘Ndiko kuti nhamo dzenyu dzipere’

- Kingstone Mapupu

CHIKWATA chevanamat­i 13 vechechi yeJohane Masowe weChishanu vanobva kwaMurehwa — vanhu vakuru nevana — chinonzi chapedza mwedzi mitatu chichigara pamhene musango riri kuGweru mushure mekunzi nemumwe muporofita vanogara panzvimbo iyi kusvikira matambudzi­ko avari kusangana nawo apera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti kune vanhu vanokwana 13 — vakuru vasere nevana vashanu — vakabva kwaMurehwa vasvitsa mwedzi mitatu vagere pasowe pane rimwe sango riri ku”round-about” yekuDairy Board, kuGweru vachiti vakamirira mumwe mukuru wemaporofi­ta anoda kuvabatsir­a mumatambud­ziko avo.

“Vagari vekunzvimb­o iyi vaita nguva vachiona vanhu ava kusvikira vazoenda kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMutapa. Chinoshami­sa veruzhinji, ndechekuti vanhu ava vanongonai­wa nemvura varipo pasina pekuvanda. Mapurisa akazosvika pane vanhu ava ndokuda kuvasunga maringe nemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Asi, ndokuzoona kuti vanhu ava vakanga vanyeperwa nemumwe muporofita kuti vagare apa kusvikira matambudzi­ko avo apera apo anonzi akavasimbi­sa kuti aizouya kwavari achivabats­ira kunyangwe zvazvo asina kuzouya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vanhu ava vachitaurw­a navo, vanoti vanoda kudzokera kumusha kwavo kwaMurehwa.

“Vari kuti havana mari dzemabhazi dzekuti vadzokere kumusha kwavo izvo isu semapurisa nemumwe murume akazvimiri­ra wemuno muGweru, takazvipir­a kuvabatsir­a nemotokari yekuvadzos­era kumusha kwavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinotenda zvikuru VaPhillip Marufu vanoita zvebhora muno muGweru, ndivo vakazvipir­a kubatsira vanhu ava nemotokari kuti vadzokere kwaMurehwa uye matsamba ekufambisa takatogadz­ira.

“Asi nyaya hombe tinoti vanhu ngavateved­zere mitemo yose yekurwisa Covid-19 vogara kudzimba ivowo vemachechi ngavasiyan­e nekuungana, hazvibvumi­rwe panguva ino.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe