Kwayedza

Isai fetireza: ZFU

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzir­a varimi kuti vashandise mukana wemvura iri kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika kuisa mafetireza epamusoro kuti zvirimwa zvavo zvirege kunyukurwa.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti nyika yose mvura iri kunaya zvakanaka. “Kwemasvond­o mana adarika, mvura iri kunaya kumatunhu ose enyika zvinova zvakanakir­a isu varimi. Zvirimwa zvakabuda pasina mbeu dzakasarir­a pasi uye vazhinji takadyara nefetireza yepasi zviri kuita kuti zvirimwa zvedu zvikure zvakanaka,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise fetireza yepamusoro zvizere kuti vafambiran­e nekunaya kuri kuita mvura.

“Varimivazh­injivakaba­tsirwazvik­uru nechirongw­a cheHurumen­de chekuwanis­wa mbeu nemafetira­iza chePfumvud­za nekudaro ngavatore mukana wekunaya kuri kuita mvura yakawanda vaise fetireza yepamusoro muzvirimwa zvavo,” vanodaro VaZakariya.

Vanoendere­ra mberi: “Sevarimi tava kufanirwa kuisa fetireza yepamusoro nemwero inokurudzi­rwa nevarimisi nekuti mvura iri kunaya inokwanira­na uye imwe yacho ichitodari­kidza. Kuvarimi vari mumatoro, zvinhu zvava kuda kutoipa sezvo zvimwe zvirimwa zvava kutonyukur­wa nekuda kwekuwanda kwemvura.”

Vanokurudz­irawo varimi vanokwanis­a kuti vashandise mishonga yekuuraya sora muzvirimwa zvavo.

“Mazuva ano tine mishonga yekuuraya sora yatinogona kushandisa muminda yedu inova nzira yakareruka. Asi tinofanirw­a kutevedza nzira chaidzo dzi- nokurudzir­wa nevarimisi kuti tisazopisa zvirimwa zvedu toguma tarasikirw­a,” vanodaro.

 ??  ?? VAPAUL Zakariya
VAPAUL Zakariya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe