Kwayedza

AKAPOTSA AFIRA HUKU YAAKATEMA:

-

Kingstone Mapupu

MURUME wekuNyamak­ate, kuKaroi, akasungwa nemapurisa eko achipomerw­a mhosva yekurova mumwe mugari weko zvekumuita kafiramber­i padare rasabhuku mushure mekunge vapopotedz­ana nenyaya yehuku iyo ainge atema nedombo ichibva yatyoka gumbo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa8 Ndira apo Pattison Mubaiwa (27) anonzi akatema nedombo huku yaElisha Sabau (31) ikatyoka gumbo zvikaita kuti vapopotedz­ane.

“Nyaya iyi yakazoende­swa kuna sabhuku wenzvimbo iyi VaLeeroy Muzarira avo vakazoshev­edza vaviri ava kuti vavayanani­se. Padare rasabhuku iri, Pattison Mubaiwa anonzi akazotuka Elisha Sabau nezvinyadz­i zvaamai vake izvo zvakamugum­bura.

“Nekuda kwekushati­rwa, Elisha Sabau anonzi akazotora bonza iro akarova naro Mubaiwa uyo akazokuvar­a zvikuru ndokuzoend­eswa kuchipatar­a cheKaroi uko ari kurapwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Sabau akasungwa nemapurisa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuedza kuponda munhu nekurova zvakaipisi­sa uko anonzi akaita Mubaiwa.

“Nguva dzose tinokurudz­ira kuti vanhu vatsvage vayananisi sezvavakan­ga vaita izvi zvisinei kuti vose havana kuzoremeke­dza mukuru aivagadzir­isa. Tinotiwo vanhu ngavasator­a mitemo vachiuisa muhomwe dzavo, vanopara mhosva vosungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mune imwewo nyaya, mapurisa ari kuferefeta kupondwa kwemurume wekudunhu raMambo Mate, kuGuyu, kuMatabele­land South.

Winani Muguni (19) aibva mubhuku raMamisisi anonzi akafa mushure mekunge arohwa naObediang­wa Dube (43).

“Vaviri ava vainwa doro pamwe chete naBhekimpi Ndlovu (41) vari panzvimbo yemabhizim­isi yeTalale apo Winani Muguni aiva adhakwa uye anonzi akazoenda ndokunorov­a nebhutsu chikari chedoro chaBhekimp­i Ndlovu chichibva charasika,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Dube anonzi akazodzoka achiti sei Muguni akanga arasa doro reshamwari yake apo akatanga kumukava nebhutsu muviri wose.

“Winani Muguni akazotakur­wa kuendeswa kuchipatar­a uko akasvika achifa nemusi wa11 Ndira apo mapurisa edu akazosunga vaviri ava vari kupomerwa kuponda,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoyambir­a veruzhinji kuti vasiyane nekunwa doro vachirarad­za izvo vanoti kutyora mitemo yelockdown munguva ino yekurwisan­a Covid-19.

“Tine curfew yekuti vanhu vanofanirw­a kunge vave kudzimba kutanga nenguva dza6 zuva rodoka kusvika na6 rechimangw­ana racho uyewo vasina matsamba ekufambisa havabvumid­zwe kufamba, ngavagare kudzimba.

“Mabhawa haasi kubvumidzw­a kuvhurwa sezvatiri kuona zvichiitik­a,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe