Kwayedza

Go Warriors Go: Vatsigiri

- Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vanoti chikwata chenyika chemaWarri­ors chinoda minamato yakasimba apo chiri kunanga kuCameroon kunokwikwi­dza kumutambo weAfrican Nations Championsh­ip (CHAN) uyo unotanga nemusi weMugovera.

Rwendo rwemaWarri­ors rwekuenda kumutambo uyu rwange rusiri nyore sezvo gadziriro dzacho dzakambosv­ika pakumiswa zvichiteve­ra kubatwa kwainge kwaita vatambi 15, kusanganis­ira dzimwe nhengo dzechikwat­a ichi, nechirwere cheCovid-19.

Chikwata chaZdravko ‘Loga’ Logarusic chakasimuk­a nemusi weChitatu chakananga kuCameroon uko chichanovh­urira mutambo weCHAN chichisang­ana necheIndom­itable Lions cheCameroo­n.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamir­i wesangano reFriends of the Warriors – Edward Chimedza – anoti makwikwi eCHAN egore rino akasiyana neemakore adarika nekuti maWarriors achange asina vatsigiri.

“Tange tiri kuona zvange zvichiitik­a mune mitambo yakasiyana yakadai seweFC Platinum, kubirirwa kwayange ichiitwa pachishand­iswa Covid-19. Saka tiri kuzvityira­wo kuti ndizvo zvinogona kuitika kumaWarrio­rs edu paari kuenda kuCameroon. Tinoda kuti anohwina pasina kubirira uye tiri kuda kuona nhabvu inonakidza ichitambwa.

“Saka isu chatichang­oita sevatsigir­i kungoisa minamato yakasimba kuti vakomana vedu vanotimiri­ra uye rwendo rwavo rwunge rwakajeka rwuchiende­ka,” anodaro Chimedza.

Chikwata cheFC Platinum masvondo adarika chakaenda kuTanzania uko chakatamba necheSimba Football Club mumutambo wechipiri wekurwira kuenda kumakwikwi eCAF Champions League group stages.

Vatambi veFC Platinum vachisvika kuTanzania, vakaongoro­rwa denda reCovid-19 asi havana kuziviswa zvakabuda muongororo iyi pachiri nenguva.

Chikwata ichi chakazoziv­iswa kwasara maawa maviri kuti mutambo uyu uchitanga kuti vatambi vacho vashanu vane denda iri izvo zvakakatya­madza FC Platinum ndokukanga­nisa hurongwa hwavaive vanaho.

FC Platinum yakazokund­wa mutambo uyu 4-0 zvakaita kuti ibve yaburitswa mumutambo uyu.

Mutsigiri mukuru wenhabvu Adomsi ‘Admoski’ Mukwasi anoti chikwata chaLoga chakasimba zvikuru uye chichanoko­nzeresa kumutambo uyu zvekuti chichasvik­a kuquarter-final chaiko.

Munhorowon­do yemaWarrio­rs kuCHAN, mugore ra2014 chikwata ichi chakasvika kusemi-fainari yemutambo uyu uko chakazobur­itswa neLibya 5-4 kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 0-0.

Adomski anoti maWarriors achanyora nhorowondo zvakare gore rino kuCameroon uye vanoda minamato yenyika yese kuti vanokunda.

“Isu mumutambo weCHAN tagara hedu tinositamb­a zvinonwisa mvura saka naizvozvo tiri kutarisira kuti Loga nevakomana vake vachanotib­atira basa. Tichavaisa mumitamato yedu kuti vatambe zvinonwisa mvura uye vagonobudi­rira kuCameroon.

“Chikwata chedu chakasimba uye vatambi vacho vane tarenda rinodadisa,” anodaro Adomski.

Zvakadaro, maWarriors ari kuenda kumutambo uyu ariwo chikwata choga chiri kubva kunyika isiri kutambwa nhabvu pari zvino nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Gore rapera, nhabvu haina kumbobvira yatambwa munyika muno nekuda kwedenda iri uye pari zvino hazvisati zvave zivikanwa kuti mitambo yePremier Soccer Leage ichatambwa here.

 ??  ?? Zdravko Logarusic
Zdravko Logarusic
 ??  ?? Edward Chimedza
Edward Chimedza
 ??  ?? Adomsi ‘Admoski’ Mukwasi
Adomsi ‘Admoski’ Mukwasi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe