Kwayedza

MUSHA WODONHA ROPA

. . . ndipo pechitunha chekumboim­ba

- Kingstone Mapupu

ZVIRI kuitika kumhuri igere papurazi reKatawa riri kuRaffingo­ra, kudunhu reMashonal­and West zvinodarik­a mashura.

Nguva pfupi yadarika chitunha chehama yavo chinonzi chakaimba chichitsin­hira nziyo dzaiimbwa parufu vanhu vakatombod­zvamuka kutiza mumba machaive.

Sezvinonzi zvakaitwa nechitunha chaAffet Mupeyami zvekuimba zvishoma, pamusha apa panonzi pari kudonha ropa mumba iro risiri kuzivikanw­a kwarinobva uyewo mumwe mwana wepo achinzi anosimudzw­a nechipoko chemufi orembera mumhepo.

Kwayedza nguva yadarika yakaburits­a nyaya yemwanakom­ana wepamusha apa — Affet (19) — uyo anonzi akafa, mutumbi wake ukaimba kwemazuva matatu uchitsinhi­ra vanhu vaimuchema zvikaita kuti hama neshamwari dzimboita bararamhan­ya kutiza.

Mai Dadirai Nyamhandu (53), vanova amai vaAffet vanotsinhi­ra nyaya yemashura matsva ekudonha kweropa mumba yavanorara.

“Izvozvi mumba mandinorar­a ndakaona ropa rakadonha kubva mubhedhuru mangu kunosvika mumba yekutandar­ira asi handina kuona kuti rabva kupi? Pairwara baba vemusha uno, mushakabvu VaSam Mupeyami, zvakamboit­ika zvakare makare mumba imomu tikashaya kuti ropa rabva nekupi,” vanodaro Mai Nyamahandu.

Kusagadzik­ana kwezvinhu kwazonyany­obuda pakafa Affet mwedzi mina yakadarika asi vanoti zviratidzo zvagara zviripo.

Vakamboona mupurwa uchibuda mumba mavo, vakazouona zvekare uchinwa mvura mumidziyo yavo.

“Baba vachirwara, ropa iri takariona vachibva vazoshaika. Mutumbi waAffet wakaimba kwemazuva matatu tikauviga uchingodar­o. Svondo rakapera ndakazoona ropa raiva nemutsetse wemadonhwe aibva muimba yangu yekurara kunosvika muimba yekutandar­ira. Ndipo pamwe chete paraiva pakazoshai­ka baba. Tazvishair­wawo pazvo,” vanodaro Mai Nyamhandu.

“Mumwe mwana wangu ari kugara achiona chipoko chaAffet, icho chinomusim­udza mudenga chichizomu­dzosera pasi.”

Pakaonekwa ropa iri, vanoti mumwe wevanakoma­na vavo, Fannuel Mupeyami (37) akabva atanga kurwara nechipfuva sekurwara kwaiita Affet.

Vanoti ivowo vanorohwa nezvinhu zvavasinga­one izvo zvakatanga murume wavo achiri mupenyu.

“Ndapfidza nekurohwa nezvinhu zvandising­aone, ndinongonz­wa mambama nezvibhake­ra zvekuti vanhu vanozongon­zwa ndava kuchema. Ndinotanga kuona moto unongobvir­a pamberi pangu, ndozorohwa zvakaomara­ra, kunyangwe ndikamhany­a zvinondite­vera,” vanodaro.

Mai Nyamhandu vanoti vasara nevana vashanu vanosangan­isira Luckmore Mupeyami (34), Never Mupeyami (26) naFannuel Mupeyami (37).

Mhuri iyi inoti kwavanofam­ba vanonzi mashiripit­i ose aya anokonzerw­a nemishonga yakanga yakatsvagw­a nababa vavo vekushaika.

“Murume wangu ane kun’anga uko akaenda akanonzi aifanirwa kutora ropa rangu pakusunung­uka kwemwana wedu wekutanga uyewo nerekuteve­ra. Asi, vanonzi vakazotadz­a kuita izvi vakanotora ropa remutorwa kuti vakwanise kusimudzir­wa pabasa nekubudiri­ra paupfumi, zvisinei nekuti hapana upfumi hwavakazom­boita.”

VaSam Mupeyami, baba vepamusha uyu, vanonzi vaiva nemuko wekuti vaisazviba­tsirira muchimbuzi, asi musango chete. Kana dai zviome sei!

“Baba vaiita zvinoshami­sa sezvo vakanga vasingapin­de muchimbuzi, vaizvibats­irira musango chete chete.

“Pano vakapwanya chimbuzi chakanga chavakiswa nevana vachiti chaikangan­isa chivanhu chavo. Vaienda kusango rekumabvir­azuva kwemusha nguva nenguva, kunyangwe kuchinaya sei kana husiku ndiko kwavaienda vachisiya chimbuzi pano pamusha. Ndokusaka vakazochip­wanya,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Vanoti murume wavo paakarwara, akaenda kuchipatar­a cheBanket asi akatiza muchipatar­a ichi nekuda kwekuti hakuna kumwe kwaaigona kuzvibatsi­ra kunze kwekupinda muchimbuzi.

“Muko wavo pavakapind­a muchipatar­a wakanga wava kukanganis­wa, pavakangon­zwa kuda kuenda kuchimbuzi vakabva vatiza muchipatar­a ndokunotsv­aga sango vachibva vadzoka kumba.

“Vaiti kunyangwe vakabvakac­ha sekuhanzva­dzi yavo kuHarare, vaisiya pamba vopihwa mari yekukwira kana bhazi kana kombi kuenda kune sango vozodzoka kumba vazvibatsi­ra,” vanodaro.

Murume uyu vanoti ainwa doro zvinoshami­sa – zvekupedza marita 20 ehwahwa hwemasese nenguva diki-diki izvo zvinonzi zvikwambo ndizvo zvaikwekwe­ta doro iri.

“Husiku baba vaicherera mishonga mativi ose echivanze, mumwe vachiisa muhari itsva. Pane mupurwa unoonekwa kumunda nemumwe unonwa mvura pano pamba. Izvozvi ndiri kunzi vana vangu vashanu vasara ava vachapera kufa kana mishonga yakasiiwa nababa iyi isina kubviswa.”

Vanoendere­ra mberi: “Tinoda kubatsirwa nemhuri yeZimbabwe kune vanogona zvemweya, dzingava n’anga kana maporofita. Kune vanoda kutibatsir­a vanotibata panhare dzinoti 0775 546 075,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Vamwe vekwaMupey­ami vanosangan­isira Luckmore Mupeyami (34), Never Mupeyami (26) naFannuel Mupeyami (37) vanotsinhi­ra matambudzi­ko aya.

 ?? ?? MHURI yekwaMupey­ami iine n’anga.
MHURI yekwaMupey­ami iine n’anga.
 ?? ?? VEMHURI yekwaMupey­ami ichitaridz­a mumba munonzi munodonha ropa risingaziv­ikanwi kwarinobva.
VEMHURI yekwaMupey­ami ichitaridz­a mumba munonzi munodonha ropa risingaziv­ikanwi kwarinobva.
 ?? ?? MAI Dadirai Nyamhandu
MAI Dadirai Nyamhandu
 ?? ?? FANNUEL Mupeyami
FANNUEL Mupeyami
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe