Kwayedza

‘Murume wangu haasi kundigutsa’

- Danisa Masuku

MUDZIMAI wekuBulawa­yo ane makore 32 okuberekwa — uyo aneta nekurohwa uye kutukirirw­a nemurume wake — anoudza dare kuti murume uyu ari kumushungu­rudza nekuda kwekuti haamugutsi pabonde.

Nonmatter Mlambo akamhan’ara kudare reWestern Commonage Court achitsvaga gwaro rechengete­dzo kubva kune murume wake, Mqondisi Msipa (45), uyo waanoti anogara achimurova pamberi pavatete vake.

Mlambo anoti dambudziko rakatanga apo akaudza tete, hazvadzi yababa vemurume wake, maringe nezvekusha­ya simba kwenhengo yake panguva yekuita bonde.

Mushure mekunge wanano yavo yaramba kumira zvakanaka, Msipa akatanga kupomera mudzimai wake mhosva yekufamba achitaura makuhwa, zvikuru kuna tete vake ava.

Mlambo anoti dambudziko iri rakaramba richikura zvekuti murume wake anotogara achimutuka nekumurova uye achimuvimb­isa kuti aizomuuray­a zvinova zvakaita kuti agumisire atsvaga gwaro rechengete­dzo.

“Ndiri kutsvaka gwaro rechengete­dzo kubva kumurume wangu uyo ari kugara achindirov­a nekundituk­a nekuda kwekuti ndakaudza tete maringe nedambudzi­ko riri muwanano yedu iro rakakonzer­wa nekusasimb­a kwake panguva yebonde izvo zvinoita kuti asandiguts­e. Tete vake ndivo vakazondit­engesa vachibva vamuudza.

“Mushure meizvi, murume wangu akatanga kunditukir­ira uye dzimwe nguva aitondirov­a.

“Pamusoro pezvo, murume wangu munhu ane dambudziko rekuti kana achinge apihwa mazano nevamwe vanhu haatereri,” anodaro.

“Ndiri kutya kuti anogona kuzopedzis­ira andiuraya”.

Mutongi Jeconia Prince Ncube akapa Mlambo gwaro rechengete­dzo ndokuyambi­ra murume wake kuti haafanire kumurova kana kumutukiri­ra.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe