Kwayedza

Akapondera sekuru nyama

- Tendai Gukutikwa

MURUME wekuChipin­ge wekuponder­a sekuru vake nyama yemhuka yemusango akatongerw­a kugara mujeri kwemakore gumi nemashanu.

Washington Muchandire­reka (28) anobva mumusha waManesa, kwaMambo Mutema akabatwa nemhosva yekuponda sekuru vake, Rofias Musarowa Marowa, apo akamiswa mudare reMutare High Court pamberi pemutongi Justice Isaac Muzenda.

Muchandire­reka akapara mhosva iyi mushure mekunge asina kupihwa nyama yake yemhuka yemusango iyo ainge achengetes­a kunasekuru vake ava munaChikum­i wegore rapera.

Akabatwa nemhosva yekuponda pasi pemutemo weSection 47 (1) (a) kana (b) Criminal Law, (Codificati­on and Reform) Act, Chapter 9:23.

Vachipa mutongo uyu, Justice Muzenda vanoti vanhu vanouraya vemumhuri dzavo kana shamwari havafanirw­e kutarisira kuchengete­dzwa nematare edzimhosva uye vanopihwa mutongo wakakodzer­a.

Vanoti Muchandire­reka anokodzera kugara mujeri kwenguva refu kuitira kuti apfidze nekuda kwemhosva yaakapara.

Justice Muzenda vakabva vatongera Muchandire­reka kugara mujeri kwemakore 15.

Muchuchisi Tinashe Katsiru vanoti, “Muchandire­reka ndiye akakonzera kufa kwaMarowa nekumurova muviri wose nedanda. Akazviita achida kumuuraya kana kuve nefungidzi­ro yekuti paive nemukana wekuti zvaaiita zvaigona kumuuraya. Marowa akakuvara zvakaipisi­sa izvo zvakazokon­zera kufa kwake.”

Dare rakaudzwa kuti musi wa30 Chikumi 2020, Muchandire­reka — uyo aigara nemushakab­vu — akaenda kumba aine nyama yemhuka yemusango ndokupa sekuru vake kuti vaichenget­edze achiti ndiyo yaive usavi hwemanheru.

Nenguva dza9 husiku, Muchandire­reka akadzoka kumba ndokusviko­ona kuti nyama yake pakange pasisina.

Marowa akatadza kutaura kuti nyama iyi yakange yafamba sei.

Nehasha, Muchandire­reka akatora zidanda ndokurova naro sekuru vake muviri wose ndokubva atiza apo vakasara vachifa.

Mutumbi waMarowa wakazoonek­wa nevavakidz­ani zuva rakatevera.

Ongororo yakaitwa nemachirem­ba pamutumbi waMarowa yakaratidz­a kuti akafa nemaronda ekukuvara zvakaipisi­sa zvichiteve­ra kurohwa kwaakaitwa muviri wose nemuzukuru wake.

 ?? ?? NYAMA yemhuka
NYAMA yemhuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe